Asi mutungamiri wesangano ravanachiremba vezvipatara zvehurumende reHospital Doctors Association, Doctor Mloxisi Ngwenya varamba mashoko aya, vachiti hapana chati chatenderanwa uye vanachiremba havasi kuzodzokera pamabasa.
Reverand Doctor Kenneth Mtata mufundisi muchechi yeLutheran asizve ndivo munyorimukuru we Zimbabwe Council of Churches.
Mubatanidzwa weMDC Alliance nhasi waita musangano nevatsigiri wawo kuCross Dete kuMatabeleland North uko vakuru vemapato ari mumubatanidzwa uyu vange varipo vese.
Rimwezve bato rezvamatongerwo enyika richaparurwa zviri pamutemo svondo rinouya. Bato iri, rinozviti National Patriotic Front, NPF.
VaObert Gutu, avo vanoti ndivo mutauriri we MDC-T, kunyange hazvo bato iri richiti rakambovamisa basa, vanoti vakarwiswa muBulawayo nezuro nevanhu vanotsigira chikwata chiri mubato ravo, icho chiri kupikisa mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato, Doctor Thokozani Khupe.
Joseph Malvin Nyakabau inherera inopinda svondo yeSpoken Word Ministries uye anoda kubatsira vanhu kuenda padyo naMwari.
Nhengo dzeMDC-T nhasi dzarwisana zvikuru kuBulawayo mapurisa akasheyedzwa. Mumhirizhonga iyi makuvara vanhu vakaendeswa kuchipatara.
Magweta anorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers For Human Rights, akaenda kudare guru redzimhosva muMasvingo nenyaya yekuti madzishe aregere kutsigira mapato ezvematongerwo enyika
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, vanoti sarudzo dzichaitwa pakati pa21 Chikumi na 21 Chikunguru.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti havasi kubuda mubato ravo asi vachakwikwidza muHarare East musarudzo dziri kuuya kunyange hazvo bato ravo rakatenderana nemamwe mapato ari muMDC Alliance kuti Harare East ichapihwa kubato re People’s Democratic Party.
Vamiriri vedzimwe nyika muZimbabwe vakwanisa kubatana neruzhinji rweZimbabwe kumusha kwaVaTsvangirai.
MuAmerica zuva rekupemberera vatungamiri venyika rinocherechedzwa zvisineyi kuti vaive vebato ripi.
Mukuru we University of Zimbabwe, muzvinafundo Levi Nyagura, vamiswa pamberi pedare neMugovera vachipomerwa mhosva yehuori panyaya yekupa ‘degree’ repamusoro, rePhD, kuna Amai Grace Mugabe muna 2014
Vakuru vakuru vekambani yeku America yeGeneral Electric vanonzi varikushanya muZimbabwe kuzotsvaga kuita mabhizimisi.
Gavhuna webanga guru reZimbabwe, VaJohn Mangudya, vabudisa gwaro rezvemashandisirwo emari nechinangwa chekusimudzira nekusimbisa mabhimisi munyika uye kukwezva vekunze vanoda kuisa mari munezvamabhizimisi muZimbabwe.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaburitsa mashoko kuburikidza nemutauriri wavo, VaLuke Tamborinyoka, vachiti vadoma mumwe wevatevedzeri vavo, VaNelson Chamisa, kuti vafanobata chigaro chemutungamiri webato kudzamara vadzokera kumusha.
Mutungamiri weParamende yeAfrica, kana kuti Pan-African Parliament, VaRoger Nkodo Dang, vari kushanya muZimbabwe kekutanga nezvebasa ravo.
Zimbabwe iri mubishi rekugadzirira kudzokera mumubatanidzwa weCommonwealth, umo yakabuda mugore ra 2003.
Rodhai zvimwe