Kunyange hazvo vachisangana nematambudziko akawanda, vaimbi ava vanoti vari kuita basa ravo vachibudirira vari kunyika dzakaita seSouth Africa, America neAustralia uko vari kuvaraidza vanhu nenziyo dzavo.
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vapona musarudzo dzaitwa mudare reparamende dzekuti vanopikisa havachina chivimbo nehutongi hwavo kana kuti ‘vote of no confidence’.
Mumiriri weBulawayo East muparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti vakabvunza VaSekeramayi kuti seyi masoja akabva kwavanogara achinopinda mukati mevanhu achirova vanhu vasina mhosva yavapara.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, kuti tinzwe divi rekomisheni yavo pamashoko ari kutaurwa naAmai Chipfunde Vava.
Magweta aVaTsvangirai atiwo haasi kufara nemashoko aVaMphoko ekuti VaTsvangirai vane chokuita nekupondwa kwevanhu munguva yeGukurahundi yakaitika mumakore ekuma 1980s.
Vagari vemuGweru vari kugununguna zvikuru vachiti kanzuru yavo haisi kuita basa rayo nemazvo uye iri kutambisa mari pazvinhu zvisinei nevagari vemuGweru.