Drought 2017
Kusamira zvakanaka kwemamiriro ekunze kubva mukushaikwa kwemvura pamwe nekunayisa kwemvura zvokonzera kuti Zimbabwe ide rubatsiro rwechikafu.
Mamiriyoni evanhu mudunhu reAfrica havawani chikafu. Zvichitevera kushaikwa kwechikafu chakakwana, hurumende yeZimbabwe yakatara nzara sedambudziko rakakurisa, ndokuparura chirongwa chukukumbira chikafu. Kumabvazuva muAfrica, kusanganisira Somalia, nyika idzi dzakatarisana nenzara inotyisa, uye kusanaya kwemvura muKenya kwaita kuti nyika iyi itare nzara sedambudziko rakakurisisa. Mamwe matunhu emukumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva muNigeria, akatarisa nekushaya chikafu chinovaka muviri, ukuwo dambudziko renzara yakaipisisa rakatarwa mudzimwe nzvimbo dzemu South Sudan. Mamiriyoni nemamiriyoni evanhu muAfrica – vazhinji vavo vari vana vadiki – havana chikafu. VOA Shona inoburitsa zviri kuitika munyaya dzenzara muAfrica yose pasi pedingindira rinoti “Nzara muAfrica Yose.”