Izvi zvinongoburitsawo hazvo pfungwa dzevanhu vanenge vapindura mibvunzo.
Vari kutungamira hurongwa hwe #Thisflag, Pastor Evan Mawarire, vari muSouth Africa umo vari kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.
Sangano rinoongorora nyaya yekodzero dzevanhu rezimbabwe human rights commision raburitsa gwaro riri kuburitsa pachena kuti sarudzo kuhurungwe west hadzina kufambiswa zvakanaka nenyaya yemhirizhonga uye kutyisidzirwa kwevanhu.
Gweta rine mukurumbira uye vachiita zvematongerwo enyika, VaTendai Biti, vanoti vave kubatana nevamwe vari kurwisa nyaya yekutongera vanhu rufu
Vaiva murwi wehondo yerusununguko uye vaishanda namuchakabvu Solomon Mujuru naVaNikita Mangena muchikwata cheZimbabwe People’s Army kana kuti ZIPA munguva yehondo, VaWilfred Mhanda, vakashaya neChitatu kuchipatara cheParirenyatwa mushure mekurwara kwenguva yakareba.
Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti hazvisi nyore kudzinga basa mutongi wedare repamusoro VaCharles Hungwe.
Musangano weZimbabwe Investment Conference wakanangana nekukweva vemabhizimisi ekunze wakatanga muJohannesburg South Africa neChitatu.
South Africa yatumira zvekare nhumwa dzayo kuZimbabwe kunopodza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika kugadzirisa misariridzwa.
Veruzhinji neMugovera vakaenda kunovhota munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vachivhota kuti vanoda here gwaro rebumbiro remitemo yenyika rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende yeCOPAC kana kuti kwete
Sangano reZimbabwe Electoral Commission neMugovera manheru rakatanga kuverenga mavhoti ezvainge zvabuda mureferendum yekuti vanhu vanotambira here bumbiro remutemo rakanyorwa neCIOPAC kana kuti kwete.
Dare repamusorosoro reSupureme Court neChitatu rakarasa chikumbiro chakasvitswa kudare iri nesangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika reNational Constitutional Assembly , kana kuti NCA, chekuti referendamu imbomira kuitwa kuitira kuti veruzhinji vapihwe mukana wekuzeya gwaro rebumbiro.
Nyaya yechikumbiro cheZimbabwe kuUnited Nations yemari yesarudzo inogona kunetsa sezvo Zimbabwe yave kuda kutsika madziro ichiramba kutambira zvimwe zviri kudiwa neUnited Nations ichiti kupindira mumatongerwo enyika.
Rodhai zvimwe