Hurukuro na Va Innocent Ndenda
Zimbabwe yakurudzirwa nenyika dzepasi rese kusaina zvisungo zveUnited Nations zvinorambidza kutyorwa kwekodzero dzevanhu, kutochwa pamwe nekudzikisira hupenyu hwevanhu. Izvi zvabuda pamusangano weUniversal Periodic Review waitwa nhasi kuGeneva, Switzerland.
France inoti yakawana imwe mhando itsva yeCovid-19 inonzi IHU iyo ichiri kuongororwa hayo kuti inokonzera hurwere hwakaita sei navanamazvikokota munya dzezvirwere.
Zuva reKisimusi rasvika rikadarika semamwe mazuva vakawanda munyika vachiti vatadza kuita mhemberero sezvavange vakaratirisa nezvikonzero zvinosanganisira kushaya mari pamwe nekutyira kutapurirwa denda reCovid-19.
Sangano reFifa raudza Sport and Recreation Commission kuti idzore bhodhi reZifa rayakadzinga, kutadza kwayo kuita izvi, yotorerwa matanho makukutu
Nhasi pasi rose riri kucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, kana kuti International Human Rights Day, nyanzvi munyaya dzekodzero muZimbabwe dzichiti kodzero dzevanhu dzakatyorwa zvakanyanya mugore rino ra 2021, uye izvi zvakawedzerwa nekuvapo kwedenda reCovid-19.
Nyanzvi munyaya dzehutongo hwejechetere dzinoti kusakokwa kweZimbabwe kumusangano we US Democracy Summit wakatanga muAmerica nezuro, munongedzo mukuru wekuti hukama hweZimbabwe neAmerica hausati hwagadziriswa.
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi mukucherechedza zuva rekurwisa huori kana kuti International Anti-Corruption Day, komisheni inoona nezvehuori munyika yeZimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC) ichichema chema nekusavapo kwemitemo yakakwana yekurwisa huori.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushushikana zvikuru nekupomerwa kwaari kuitwa mhosva yekunzi ari kushanda nenyika dzekunze dzakaita seAmerica, Britain pamwe neSweden nechinangwa chekukonzera kusagadzikana munyika.
Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva reWorld AIDS Day paine kurudziro yekupedza chirwere cheHIV/AIDS panosvika gore ra2030.
Vanhu makumi manomwe nevatanhatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 paMasvingo Teachers College nezuro, uye vamwe vanhu vatanhatu vakabatwa nechirwere ichi mudunhu rose reMasvingo.
Mumwe wevakapiwa mubairo wekurwira kodzero dzevanhu, we“Women of Courage Award”, Doctor Rita Nyampinga, vanoti pane basa rakawanda rinofanirwa kuitwa mukurwira nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu sezvo hurumende ichiedza kuwomesa mashandiro emasangano akazvimirira anobatsira vanhu munyika.
Rodhai zvimwe