Mukuru we University of Zimbabwe, muzvinafundo Levi Nyagura, vamiswa pamberi pedare neMugovera vachipomerwa mhosva yehuori panyaya yekupa ‘degree’ repamusoro, rePhD, kuna Amai Grace Mugabe muna 2014
Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi nemusi weChipiri vakadaidza vaimbova mutevedzeri wavo Amai Joyce Mujuru kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale Harare vakakurukura nyaya dzakawanda kusanganisa kubviswa kwaVaMugabe pachigaro nemauto uye kudzinga kwavakaita Amai Mujuru basa.
Imwe nhengo yeZimbabwe Anti Corruption Commission, VaGoodson Nguni, vaudza Studio7 kuti vachaongorora nyaya yaAmai Mugabe, asi vakati iri kure chose sezvo paine dzimwe nyaya dzakawanda dzavari kutarisa.
Sangano revatendi reReformed Church in Zimbabwe, RCZ, ranyorera tsamba mhuri yevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ichivapa mazuva manomwe ekuti vabve pasitendi yavanonzi vakapamba gore rapera.
Hama dzaVaMugabe dzinosanganisira mhuri yekwaMugabe, kwaJenami pamwe neyekwaMatibiri, dzinoti Amai Grace Mugabe munhu asingatsiurike sezvo vaine pamuromo pasingamharwi nenhunzi.
Kusiya basa kwaVaMugabe kofadza vazhinji munyika nekunze. Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti kusiya basa kwaVaMugabe avo vaitonga nechisimba kwemakore mazhinji kwavakuvapa tariro yekudzokere kumusha. Vamwewo vanoti VaMugabe vakaita mabasa akanaka uye vanofanirwa kuremekedzwa.
Veruzhinji vofarira kusiya basa kwaVaMugabe nhasi. VaMugabe vazivisa kuti vasiya basa nhasi mutsamba yavanyorera mutauriri weparamende VaJacob Mudhenda. Nyaya ina Mavis Gama.
Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzinotsigira VaMnangagwa votamba mushure mekudzingwa kwa VaRobert Mugabe nemudzimai wavo mubato reZanu PF. Izvi zvakaitwa pakaturwa zvisungo zvedare reCentral Committe yeZanu PF muHarare. Nyaya ina Patricia Mudadigwa.
Veruzhinji pamwe nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vanoti hapana chingatadzisa mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, kutora chinzvimbo chemutevedzeri wemutungamiri wenyika mwedzi unouya kana kutozoita mutungamiri wenyika kana murume wavo, VaRobert Mugabe, vasiya chigaro.
Kunetsana kunotyisa pakati pemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe neimwe shoroma yekuLebanon VaJamal Joseph Ahmed panyaya yechishongo kana kuti ring iri kuenderera mberi mumatare.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vave parumananzombe sezvo vave kumanikidzwa kuti vozemberana nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, here kana kuti munhu wavadyidzana naye kwenguva yakareba, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakakatyamadza vanhu vakawanda pasi rose nemusi weChina nekushora kwavakaita mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vachiti vanofanira kukurudzira runyararo pasi rose kwete kuda kuita zvemangoromera.
Rodhai zvimwe