Zviri Kuitika muAmerica
- Jonga Kandemiiri
Mutungamiri weAmerica VaTrump Voyambira Kuti Hurumende Yavo Ichamisa Rubatsiro Rwose kuSouth Africa

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitika muAmerica. Mutungamiri weAmerica VaDonald Trump neChishanu chapfuura vakazivisa kuti America ichange ichimisa rubatsiro rwose rwunobva kuhurumende rwuchipiwa kunyika yeSouth Africa.
Vachinyora padandemutande ravo reTruth Social, VaTrump vakati danho iri rine chekuita nemutemo uchangobva kupasiswa nehurumende yeSouth Africa we Expropriation Act, uyo unopa hurumende masimba ekutora minda isiri kushandiswa zvizere.
VaTrump vakakokawo varimi vari kuda kutiza kubva muSouth Africa kuti vapotere muAmerica.
Hurumende yeSouth Africa yagara zvayo iri kuramba mashoko ekuti iri kutorera varimi vechichena minda pamwe nekuvashngurudza.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti mukuona kwavo, nyaya hombe yakasvitsa kuti hurumende yaVaTrump itore danho iri kupesana mune zvamatongerwo enyika kwavepo pakati peSouth Africa neAmerica zvichitevera matanho akatorwa neSouth Africa ekuendesa Israel kumatare muhondo yayo neHamas nenyaya yehondo yeUkraine neRussia.
Muzvinafundo Mukonza vanoti danho rehurumende yeAmerica iri richaomesera varombo vemuSouth Africa zvakanyanya.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Gurukota Rinoona nezveKudyidzana neDzimwe Nyika muAmerica VaMarco Rubio Vanoti Chirongwa chePEPFAR Chichaenderera Mberi

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMarco Rubio vati hurumende yeAmerica haisi kuzomira kupa rubatsiro zvachose kunyika dzichiri kubudirira.
Vachitaura nepfenyuro yeSiriusxm nezuro, VaRubio vakati zvirongwa zvakaita sechehomwe yemutungamiri wenyika yeAmerica chekubatsira kurwisa HIV/AIDS kana kuti President’s Emergency Plan For Aids Relief -PEPFAR chabatsira vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemashanu 25 million kubva muna 2003 chichaenderera mberi.
Asi vati vachatanga vaona mashandiro acho nekuona kuti mari dzemitero dzevanhu vemuAmerica hadzisi kushandiswa zvisiri izvo.
Hurumende yeAmerica yakambomira kupa nyika dzichiri kubudirira mari kwemwedzi mitatu ichiongorora zvirongwa zvose zvayanga ichiita.
Kubva muna 2006, Zimbabwe yawana mari inosvika 1,7 billion US dollars kubva kuhomwe yePEPFAR.
Gurukota rezvemari muzvinafundo Mthuli Ncube vakamboudza vatori venhau kumucheto wemusangano weWorld Economic Forum kuDavos, Switzerland kuti pasina mari kubva kuAmerica, Zimbabwe yaizotatarika munyaya dzezvehutano.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Simbiso Ranga vanoti vanotambira hurungwa hweAmerica hwekuti chirongwa ichi chienderere mberi sezvo change chichi batsira vanhu vakawanda munyika mukurwisa denda reHIV/AIDS.
"Tinotambira nemufaro mashoko aVaRubio sezvo iri shuwiro yedu yekuti chirongwa ichi chidzoswe sezvo chache chichi batsira vazhinji nyanya madzimai kuitira kuti vasatapurire hutachiwona hweHIV/AIDS kuvana vacheche uye nevamwe veruzhinji," Dr Ranga vaudza Studio7.
- Jonga Kandemiiri
Vatungamiri veDzimwe Nyika Pamwe neveZvematongerwo eNyika muAmerica Vosuviswa neKushaya kweVakambove Mutungamiri weAmerica VaJimmy Carter

Vamwe vatungamiri venyika dzepasi rino nevezvematongerwo enyika muAmerica vatambira nekusuva kufa kwevaive mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJimmy Carter, avo vakatungamira nhaurirano dzerunyararo pakati peIsrael neEgypt vakazopiwa mubairo weNobel Peace Prize nebasa ravakaita rekubatsira vanotambura. VaCarter vakashaya neSvondo vave nemakore zana.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemudzimai wavo, Amai Jill Biden, vati, “Nhasi, America nepasi rose zvarasikirwa nekutungamiri anoshamisa, mutungamiri ane hunyanzvi uye anobatsira vanotambura.mumakore anodarika makumi matanhatu tanga tiine ruremekedzo rwekushevedza Jimmy Carter se shamwari yepamwoyo. Asi zvinoshamisa pamusoro paJimmy Carter, zvichakadaro, ndezvekuti mamiriyoni evanhu America yose nepasi rose vasina kumbobvira vasangana naye vanofunga nezvake seshamwari yepamwoyo zvakare.”
Vakamirira kugadzwa semutungamiri wenyika, VaDonald Trump vati, “Zvimhingamipinyi zvakasanganikwa nazvo naJimmy semutungamiri wenyika zvakauya panguva yakakosha kunyika yedu iye akaita zvose zvaaikwanisa kuvandudza hupenyu hwezvizvarwa zveAmerica. Nekuda kwaizvozvo, tose tine chikwereti chekumutenda. Melania neni tiri kufunga zvakadzama nezvemhuri yekwaCarter nevadikani vavo munguva ino yakaoma kudai. Tinokurudziramunhu wese kuti ange ainavo mumwoyo nemuminamato.”
Vaimbove mutungamiri wenyika VaBarack Obama vati, “Akasarudzwa mumumvuri weWatergate, Jimmy Carter akavimbisa vavhoti kuti anogara achitaura chokwadi. Uye akadaro - achirwira kuti zvinakire veruzhinji, mhedzisiro inoshurikidzwa. Aifunga kuti zvimwe zvinhu zvakakosha kupfuura kusarudzwa zvakare- zvinhu zvakaita sekuvimbika, rukudzo, uye tsitsi. Nekuti Jimmy Carter aitenda, zvakadzama sokudavira kwaaiita chero chinhu, kuti tese takasikwa nemufananidzo waMwari. ...
Maranatha Baptist Church ichange yakanyarara zvishoma neSvondo, asi Mutungamiri Carter havangambove kure - vakavigwa padivi paRosalynn padivi pemuti wemu willow kuzasi kwenzira, ndangariro yavo ichidaidza tese kuti titeerere ngirozi dzedu dziri nani. Michelle neni tinotumira ndangariro dzedu neminamato kumhuri yekwaCarter, uye nemunhu wese aida nekudzidza kubva kumurume anoshamisa uyu.”
Vaimbove mutungamiri wenyika, VaGeorge W. Bush vati, “Laura neni tinotumira mashoko edu enyaradzo anobva mumwoyo yedu kuna Jack, Chip, Jeff, Amy, uye nemhuri yese yeCarter. James Earl Carter, Jr., akanga ari murume ane kutenda kwakadzama. Akanga akavimbika kumhuri yake, munharaunda yake, uye kunyika yake. Mutungamiri Carter vakaremekedza hofisi. Uye kuedza kwake kusiya nyika iri nani hakuna kupera nehutungamiriri. Basa rake neHabitat for Humanity neCarter Center rakaisa muenzaniso webasa richakurudzira vanhu vemuAmerica nezvizvarwa zvakawanda zvichatevera.
Vaimbove mutungamiri weAmerica VaBill Clinton nevaimbova gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, Amai Hillary Clinton, vati, "Kubva pakuzvipira kwake kukodzero dzevanhu seseneta wedunhu uye gavhuna weGeorgia; kuenda mukuedza kwake semutungamiri kuchengetedza zviwanikwa zvedu muArctic National Wildlife Refuge, mukuita kuti kuchengetedzwa kwemhando dzemoto kuve chinhu chinokosha munyika, kudzorera Panama Canal kuPanama, uye kuwana runyararo pakati peEgypt neIsrael kuCamp David; kuenda kumabasa aakaita kuCarter Center asisiri mutungamiri wenyika achitsigira sarudzo dzechokwadi, kusimudzira runyararo, kudzivirira zvirwere, nekusimudzira hutongo hwejekerere; kuenda kunyaya yekuzvipira nekushanda zvakasimba kwake naRosalynn kusangano reHabitat for Humanity -- akashanda zvakasimba kuti kuve nepasi rose riri nani, rakanaka."
Mutungamiri weFrance VaEmmanuel Macron, "Muhupenyu hwake hwose, Jimmy Carter aive ari mutsigiri akasimba wekodzero dzevanonyanya kubatirirwa uye akarwira runyararo zvakasimba. France inotumira mashoko ayo ekumurangarira kumhuri yake nekuvanhu veAmerica."
Mutevedzeri wemutungamiri weAmerica Amai Kamala Harris vati, "Muhupenyu hwavo hwese, Mutungamiri Carter vakasimbiswa nerudo nerutsigiro rwemudiwa wavo wemakore makumi manomwe nemanomwe, Mudzimai Wekutanga Rosalynn Carter, vane hupenyu hwatakave nemukana wekupemberera Mutungamiri VaBiden neni kuGeorgia gore rapfuura. Mushure mekusiya chigaro, Mutungamiri Carter vakaenderera mberi nekurwira runyararo, hutongo hwejekerere, uye kuchengetedza chiremerera chevanhu kuburikidza neCarter Center.
Ndakava nemukana wekuziva Mutungamiri Carter kwemakore. Ndichagara ndichirangarira mutsa wavo, uchenjeri hwavo, uye nyasha dzavo dzakadzama. Hupenyu hwavo uye nhaka yavo zvinoramba zvichindikurudzira - uye zvichakurudzira zvizvarwa zvichauya. Nyika yedu inzvimbo irinani nekuda kweMutungamiri Carter. "
Vakamirira kugadzwa semutevedzeri wemutungamiri VaJD Vance vati, "Jimmy Carter akazvipira hupenyu hwake kushandira nyika ino. Pfungwa neminamato yedu inoenda kune vaanoda. Ndinoti arare murunyararo."
Mutungamiri wehurumende yeBritain, VaKeir Starmer vati, "Ndanzwa urombo kunzwa nezvekufa kweMutungamiri Carter uye ndinoda kupa ruremekedzo kumakumi emakore ekuzvipira kushandirwa veruzhinji.
"Hutungamiri hwake huchayeukwa nekuda kwezvibvumirano zvine nhoroondo zvakasainiriranwa kuCamp David zve Camp David Accords pakati peIsrael neEgypt, uye kwaive kuzvipira kweupenyu hwese kurunyararo kwakamuona achiwana mubairo weNobel Peace. Vachikurudzirwa nekutenda kwavo kwakasimba uye hunhu, Mutungamiri Carter vakashanda zvakasimba vasiya chigaro chemutungamiri wenyika mukurwira magariro akanaka nekodzero dzevanhu munyika nekune dzimwe nyika. "
Vamwe vapa mashoko ekunyaradza vanosanganisira nhengo dzeparamende muAmerica Seneta Mitch McConnell, mutauriri wedare reparamende VaMike Johnson nenhengo yeparamende VaMike Turner nevamwe.
(Nyaya yandakupai yabva kuReuters.)
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Vakamirira Kugadzwa seMutungamiri weAmerica VaTrump Voti Vachange Vachikoshesa Kushandiswa kweArtificial Intelligence

Vakamirira kugadzwa semutungamiri wenyika muAmerica, VaDonald Trump, vanoti vachange vachikoshesa kushandiswa kwe Artificial Intelligence kana kuti AI pavachapinda pachigaro mwedzi unouya.
Izvi zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi zvinobatsira America mumakwikwi ayo neChina munyaya dzekushandiswa kwemichina yechizvinozvino pamwe nemadandemutande.
VaTrump vari kutarisirwa kugadzwa semutungamiri wenyika musi wa20 mwedzi unouya.
Muwongorori wenyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reConcerned Citizens, VaTim Muringai, vanoti danho riri kuda kutorwa naVaTrump rakanaka sezvo richizogona kubatsira munyaya dzezvehupfumi hwenyika yeAmerica.
"Zvakakosha kuti nyika yeAmerica ifambirane nezviri kuitwa nedzimwe nyika dzakabudirira panyaya yekushandisa Artificial Intelligence," VaMuringai vaudza Studio7.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Vakamirira Kugadzwa seMutungamiri weAmerica VaTrump Vonzi Vangangoburits America muWorld Health Organisation

Chikwata chiri kutungamira hurongwa hwekupinda muhofisi kwevakamirira kugadzwa semutungamiri weAmerica VaDonald Trump, chinonzi chiri mushishi kugadzira hwaro hwekuti nyika yeAmerica ibude musangano reWorld Health Organisation pavanongopinda muhofisi.
Sangano renhau reReuters rinoti izvi rakazvinzwa kubva kune imwe nyanzvi yezvemitemo yezvehutano iye ruzivo nezvenyaya iyi.
Bepanhau reFinancial Times rinonzi ndiro rakatanga kuburitsa nyaya iyi richiti rakanzwa kubva kuvanhu vaviri vane ruzivo nezviri kuitika.
Chikwata chaVaTrump chiri kuita gadziriro yavo yekupinda muhofisi chinonzi changa chisati chapindura mibvunzo yatumirwa nesangano reReuters pamusoro penyaya iyi.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vari chiremba vanoshanda vari kuNorth Carolina muAmerica, Doctor Simbiso Ranga, vanoti kana chiri chokwadi kuti VaTrump vari kuda kuti America ibude musangano reWHO, nyaya yehutano pasi rose inogona kuzokanganisika sezvo mari zhinji inoshandiswa muzvirongwa zvinokokerwa nesangano iri ichibva kuAmerica.
"Shuwiro yedu ndeyekuti zvinhu zvisashanduke mumasangano akadayi seWorld Health Organisation sezvo achibatsira zvikurusa nyika dzakadayi seZimbabwe munyanya yekupa mari kuzvirongwa zvinobatsira panyaya yekuchengetedzwa kwehutano," Dr Ranga vaudza Studio7.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
VaTrump Vokurudzira Nhengo dzeRepublican Party muParamende Kuramba Kutambira Bhiri Rinowedzerwa Mari Inoshandiswa neHurumende

Vakamirira kugadzwa semutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari kukurudzira nhengo dzeparamende dzebato ravo reRePublican Party kuti dzirambe kutambira bhiri riri kuda kuti mari inoshandiswa nehurumende iwedzerwe kuitira kuti hurumende isavharwe, vachiti bhiri iri rine zvizhinji zvinoda kugadziriswa sezvo rakarerekera kubato riri kutonga reDemocratic Party.
Kana izvi zvikaitika zvinenge zvoreva kuti zvinokwanisa kukonzeresa kumbovharwa kwemamwe mapazi ehurumende kana kuti partial shutdown.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reConcerned Citizens, VaTim Muringai, vanoti zvakakosha kuti vadare vemapato ose eDemocratic Party neRepublican Party vagare pasi vazeye bhiri iri zvakadzama kuitira kuti vawirirane nekukasika kuti hurumende isazovhara mamwe mapazi.
"Tinotarisira kuti mapato maviri anotonga munyika achazeya zvakasimba vokwanisa kubuda nebhiri richashandira nyika zvakanaka," VaMuringani vaudza Studio7.
VaTrump nevakasarudzwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika vakamirira kugadzwa, VaJD Vance, vakakurudzira kuti nhengo dzeparamende dzipasise rimwe bhiri ravanoti risenyi nechekuita neriri kutsigirwa neveDemocratic Party rinomboshanda kwenguva pfupi rakasiyana nerakaparurwa nemusi weChipiri.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvokurudzira Nyaya yeKupfurwa kweVana Vari muZvikoro Kuti Iwongororwe

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reMadison, kuWisconsin muno muAmerica amai Lucy Chikowero vanoti vari kushushikana zvikuru nezvakaitika muguta ravo nemuvhuro apo pane mumwe mwana akapfura mudzidzisi wake nemumwe mudzidzi vakashaya.
Amai Chikowero vanoti vane mwana anodzidza pachikoro chehurumende chiri muguta iri uye chikoro ichi chakavazivisa nembozhanhare pakangoitika chiitiko ichi.
Mwana ane makore gumi neshanu wepachikoro cheAbundant Life Christian school chemaKristu chiri muguta iri akazvipfura mushure mekuuraya vanhu vaviri pachikoro ichi.
Amai Chikowero vanoti shuwiro yavo ndeyekuti pave nenzira yekudzivirira kupakatwa kwepfuti neveruzhinji.
Vanoti zvakosha kuti nyaya iyi izeyewe kudare recongress kuti pawanikwe mitemo ino gadzirisa nyaya yekupakatwa kwepfuti kana kuti “gun control.”
"Zvakakosha kuti vana vachengetedzwe muzvikoro uye kuti pave nemitemo inorambidza kutakurwa kwepfuti nyanya muzvikoro," Amai Chikowero vaudza Studio7.
- Jonga Kandemiiri
Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden Voregerera Vasungwa Vanodarika Chiuru

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kuregerera vasungwa vanoda kusvika kuchiuru nemazana mashanu, 1,500, avo vaimbopika vari kumajeri vakazoburitswa vachinzi vapedzere mitongo yavo vari kudzimba munguva yeCovid-19.
VaBiden vari kuregerera zvakare vamwe vasungwa makumi matatu nevapfumbamwe 39 vanonzi vakapara mhosva vasingashandise chisimba.
Huwandu uhu hunonzi ndihwo hwakakurisisa hwevasungwa vanoregererwa nguva imwe chete.
Izvi zviri kuuyawo mushure mekunge VaBiden varegerera mwanakomana wavo Hunter, uyo akanga awanikwa aine mhovsa mbiri.
VaBiden vari kusiya basa gore rinouya chigaro chavo chichitorwa nevakasarudzwa semutungamiri wenyika vakamirira kugadzwa, VaDonald Trump.
VaTrump vakatozivisawo kuti vachingopinda muhofisi vari kuregerera vose vakasungwa vakawanikwa vaine mhosva yekuita mhirizhonga kudare reKongiresi muna Ndira 2020 apo ivo VaTrump vairamba kutambira kukundwa kwavo musarudzo.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mutungamiri webato rinopikisa rePatriotic Zimbabweans, VaCharles Muchineripi Mutama vanoti danho ratorwa naVaBiden iri harishamise zvaro sezvo mutungamiri wenyika achipiwa masimba aya nebumbiro remitemo yeAmerica.
- Jonga Kandemiiri
Vakamirira Kutoreswa Mhiko seMutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, Voronga Kuti Amai Lake Vatungamire VOA

Vakamirira kutoreswa mhiko semutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, vakazivisa neChitatu kuti vari kuronga kuti Amai Kari Lake, vanoita zvematongerwo enyika uye vaimbove mutori wenhau kuArizona, vatungamire sangano renhau rinotsigirwa nehurumende richitepfenyura pasi rose reVoice of America.
VaTrump vakazivisa padandemutande ravo reTruth Social kuti Amai Lake ndivo vachadomwa semukuru weVOA.
Amai Lake vanodyidzana zvakanyanya mune zvematongerwo enyika naVaTrump uye vaimbove mutori wenhau wepaterevhizheni kuFox News kuPhoenix kuArizona.
Vakashanda semutori wenhau kwemakore makumi maviri nemapfumbamwe (270 vasati vasiya basa iri muna 2021 vachinokwikwidza musarudzo yagavhuna weArizona.
VaTrump vakazivisawo neChitatu kuti munguva pfupi inotevera vachazivisa vavachadoma kuti vatungamire U.S. Agency for Global Media, inozivikanwa seUSAGM, iyo inoona mashandiro eVOA pamwechete nedzimwe nhepfenyuro dzinotsigirwa nemari neAmerica.
Anotora chigaro ichi anoita zvekudomwa nemutungamiri wenyika uye anofanirwa kutambirwa nedare reSeneti. VaTrump vakati vavachasarudza saCEO achashanda ndiye achadoma nekushanda naAmai Lake.
Mukuru weUSAGM anoona kuti nhepfenyuro dzose dziri kuzadzisa zvadzakaumbirwa zvekutepfenyura nhau dzine chokwadi kunyika dzisina kusununguka munyaya dzekufambiswa kwemashoko.
Mukuru weVOA pari zvino, VaMike Abramowitz, vatumira tsambambozha mangwanani eChina vachiti vakaverenga chiziviso chiri pamusoro paAmai Lake neChitatu manheru uye vanga vasati vapiwa mamwe mashoko anodarika zvakaburitswa padandemutande.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Mutungamiri weAmerica VaBiden Vokurudzira VaTrump Kuti Vasasandure Hurongwa hweHupfu Hwavakatanga

Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden vanoti shuviro yavo ndeyekuti vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika akamirira kugadzwa, VaDonald Trump, avo vachatora matomhu mwedzi unouya, vaenderere mberi nehurongwa hwekuvandudza hupfumi hwenyika hwavakatanga.
Ongororo yakaburitswa mushure mesarudzo ne ap votecast inoratidza kuti vamwe vevanhu vakavhota musarudzo vakati hupfumi hwenyika hwanga hwaenda kumawere.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDeVry University kuOhio America, Muzvinafundo Elliot Masocha, vaudza Studio 7 kuti havaone VaTrump vachizotevedzera hwaro hwaVaBiden sezvo vakatozivisa kare kuti vachashandura zvinhu zvakawanda pavachapinda k pachigaro.
"VaTrump vanogarozivisa kuti vachange vachishandura zvinhu munyaya dzezvehupfumi pavanopinda pachigaro mwedzi unouya. Handiwone vachiteerera chikumbiro chaVaBiden icchi sezvo vaviri ava vachibva kumapato akasiyana," vanodaro Muzvinafundo Masocha.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Vakamirira Kugadzwa seMutungamiri weNyika muAmerica VaTrump Vokumbira Dare remuGeorgia Kuti Rirase Nyaya Yavo

Gweta uye vari mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu, reAll Hands On Justice, Advocate Kennedy Masiye, vanoti vanoona chikumbiro chevakamirira kugadzwa semutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, chekuti mhosva yavo yavari kupomerwa mudare reGeorgia Appeals Court yekuda kupidigura hurumende iraswe sechinogona kutambirwa.
VaTrump vakasvitsa chikumbiro ichi kudare iri nezuro. VaMasiye vanoti izvi zvinoenderana nemutemo webazi rezvemitemo muAmerica unoti mutungamiri wenyika haagone kubatwa nemhosva kana ari pachigaro.
VaTrump vakanga vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende mugore ra 2020 apo vakaramba kutambira zvakabuda musarudzo dzakaitwa muna 2019 dzavakakundwa nemutungamiri wenyika VaJoe Biden, kunyange hazvo ivo vari kuramba mhosva iyi.
Dzimwe mhosva dzavo mbiri dzakatoraswa kare nebazi rezvemitemo mushure mekukunda kwavakaita musarudzo dzegore rino.
"Zviri kuitwa izvi zvinoratidza hutongi hwejekerere sezvo VaTrump vakatombomiswa pamberi pematare vasati vakunda kuti vave mutungamiri weAmerica. Nyika dzemuAfrica kusanganisira Zimbabwe dzinogona kudzidza zvakawanda pane zviri kuitika mumatare edzimosva muAmerica parizvino," VaMasiye vaudza Studio7.
- Jonga Kandemiiri
Guta reLos Angeles Rinodzika Mutemo Unochengetedza Vanobva Kune Dzimwe Nyika vasina Magwaro

Los Angeles yakapasisa mutemo unochengetedza vanobva kune dzimwe nyika vasina magwaro akakwana uyo unoita kuti vanhu ava vasadzoserwa kunyika dzavo kana kusungwa, uyo unonzi muChirungu sanctuary city ordinance.
Iyi imhinduro kuvimbiso yakapiwa nevakamirira kugadzwa semutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump yekuti vachadzosera kunyika dzavo nehuwandu hwavo vose vasina magwaro ekugara muAmerica zviri pamutemo pavanongopinda muhofisi muna Ndira.
Mutemo uyu haumise vashandi vehurumende kuburitsa munyika vasina magwaro, asi unosimbisa danho reguta iri rekuchengetedza zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri mariri.
Angelina Bagdasaryan anotipa nyaya inotevera.
Amai Claudia Ventura vagara muLos Angeles kwemakore makumi maviri.
Vane basa nemhuri imomo, asi vasina magwaro anovabvumidza kugara munyika zviri pamutemo.
Amai Ventura vari pakati pevagari vemu Los Angeles vangada kusvika kuzviuru mazana masere vasina magwaro anovabvumidza kugara muAmerica.
Sevamwe vakawanda, vanonzwa kusagadzikana mushure mekukunda kwaVaDonald Trump musarudzo yemutungamiri wenyika.
“Iye zvino handichaoni vanhu vakawanda mumigwagwa. Vanhu vave vashoma, zvashata. Ndinofunga kuti vanhu vave kutya kuburitswa munyika muno.”
Kanzuru yeguta reLos Angeles yakapasisa mutemo wekudzivirira vekunze vasina magwaro uyu musi waMbudzi 19.
Izvi zvinoreva kuti mapurisa emuguta nemapurisa edunhu haasi kuzogoverana nevashandi vanoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika mashoko ari pamusoro pemamiriro emunhu mune zvekugara kwake munyika kunze kwenge paparwa mhosva yayakomba.
Varwiri vekodzero dzevanhu vakaita saVaJorge-Mario Cabrera vesangano reCoalition for Humane Immigrant Rights of Los Angeles, kana kuti CHIRLA, vanotsigira mutemo uyu.
“Mutemo weguta wakadai seuyu unotumira shoko rakasimba kwazvo kunharaunda muLos Angeles nekunyika yose kuti muLose Angeles, zvikwanisiro zviripo zvichashandiswa mubasa rekuchengetedza nharaunda, rekuita kuti nharaunda igare ichivimba nehutungamiri hwayo pamwe nekuita kuti nharaunda irambe ichibudirira, kwete kuvasunga nekukonzera kusagadzikana munharaunda dzavo.”
Zvakadaro, haasi munhu wese ari muguta iri anobvumirana nedanho iri.
Vatsigiri vaVaTrump vangangosvika zvikamu makumi matatu nezvisere kubva muzana zvevagari, sezvakaratidzwa nezvakabuda musarudzo, havadi kuti Los Angeles ive guta rinochengetedza vauyi vasina magwaro.
Amai Linda Hanna mugari wemuCalifornia.
“Ndinofunga kuti urwu ruzvidzo. Tinofanirwa kubatsira vekwedu kutanga. Kana tichiti America Kutanga, hazvirevi kuti haufanirwe kubatsira vamwe, zvinongoreva kuti tinotanga tabatsira vedu.”
Vabereki vaAmai Linda Hanna vanobva kuMexico. Vakapinda muAmerica zviri pamutemo, uye vanofunga kuti ani zvake akapinda zvisiri pamutemo anofanirwa kudzoserwa kunyika kwake.
Mutemo weguta uyu hauna zvikuru zvaunoshandura nekuti Los Angeles yakarambidza mapurisa kana vashandi vanoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika kubvunzurudza munhu nezvemamiriro ake munyaya dzemagwaro kubva muna 1979.
Uye mutemo mutsva weLos Angeles uyu haurevi kuti hakukwanise kuve nevanodzoserwa kunyika dzavo.
Unongoreva kuti mampurisa eguta haabatsire mapurisa enyika kutsvaga nekudzosera kunyika dzavo vauyi vanenge vasina magwaro.
Amai Tatyana Edwards-Behar igweta rekupinda nekubuda kwevanhu munyika.
“Ndinofunga kuti vachatanga nekusunga vanhu vakawanda pane zvekumisa vachibvunza vanhu magwaro mumigwagwa. Ndinofunga kuti vachasunga vanhu kumafekitari nekumapurazi, sezvakaburitswa zviri pamutemo, kuti vanhu vasina magwaro ndiko kwavangangonyanya kushanda.”
VaCabrera vanofunga kuti kuregererana ndiyo pfungwa iri nani pane kudzinga vanhu.
“Tinofanirwa kuramba tichiti kupa vanhu vakawanda magwaro ekuti vagare zviri pamutemo ndiyo nzira. Tinofanirwa kuramba tichiti pane nzira iri nani yekubata nayo vabva kure vari munyika ino.”
Mushure mekutoreswa mhiko musi waNdira 20, VaTrump vakavimbisa zvakasimba kuti vanogona kudzika mutemo wechimbichimbi voshandisa mauto eAmerica kubatsira kuburitsa vanhu vasina magwaro ava nehuwandu hwavo, danho rakavimbiswa nevarwiri vekodzero dzevanobva kune dzimwe nyika ava kuti vacharwisa mumatare edzimhosva.
Iyo yanga iri nyaya yabva kumutori wenhau weVOA Angelina Bagdasaryan ari ku Los Angeles, ku California.
- Jonga Kandemiiri
Mashoko Anoratidza Maonero eHurumende yeAmerica paNyaya yeKumbomisa Kurwisana kweIsrael neHamas

America yagara ichidzokorora kujekesa kwayo kuti haisi kuzofa yakatsigira kumiswa kwekurwisana kuri pakati peIsrael neHamas kusina kuregererwa kwenhapwa dziri mumaoko eHamas.
Mumiriri weAmerica munyaya dzezvematongerwo enyika kuUnited Nations, kana kuti U.S. Alternative Representative for Special Political Affairs, VaRobert Wood, vakati, “Zvinhu zviviri izvi hazvigone kupatsanurwa nekuti zvakapindana.”
“Kuchine zvizvarwa zveAmerica zvinomwe zviri mumaoko eHamas, hativakanganwe. Basa redu, ticharamba tichitevera nyaya dzekutaudzana dzinounza runyararo, kugadzikana, nerusununguko kuzvizvarwa zvePalestine zviri muGaza.
"America, pamwechete nevamwe vatinodyidzana navo mudunhu iri, tashanda zvakasimba kuti izvi zvibudirire. Asi hatisati tasika ikoko, nekuda kweyi? Nekuti Hamas yaramba zvibvumirano zvakawanda.”
Ambassador Wood vakatsinhira vachiti, “Haisi Israel iri kutadzisa kubudirira kwechibvumirano chekuunza runyararo. Asi kuti iHamas.”
Israel yakati yakagadzirira kuita chibvumirano chekumbomira kurwisana chinochinjanwa nekuregererwa kwevashoma vari muhutapwa. Pachizosimbiswa kubva ipapo kuunza kumba wese zvake ari muhutapwa.
"Chisungo chose cheUnited Nations Security Council chinofanirwa kushoropodza kurwisa kwechitororo kwakaitwa neHamas musi waGumiguru 7," vakadaro Ambassador Wood.
“Hazvitsananguriki kuti mwedzi inodarika gumi nemitatu kubva zuva iroro, dzimwe nhengo dzeSecurity Council dziri kutadza kuona pane dambudziko zvekuti dzinoramba kutambira kuti Hamas ndiyo yakakonzera kusawirirana uku. Hamas ndiyo yakaisa mamiriyoni evanhuwo zvavo vemu Palestine munjodzi uye kuisa dunhu rose pedyo nehondo huru.”
America icharamba ichirwisa kuti pawaniswe rubatsiro muGaza yose, izvo zvinoda matanho nekukasika kuitira kuvandudza mamiriro ezvinhu.
Ambassador Wood vakatsinhira vachiti, “America yakatora danho rakajeka kwazvo kubva zvatanga hondo, rinove rekuti Israel yaive nekodzero yekuzvidzivirira zvichitevera kupondwa kwakaipisisa kwemaJudha kubva zvaitika Holocaust.
Panguva imwecheteyo, America yaita zvakawanda kudarika chero zvayo nyika kusimudzira mamiriro ehupenyu hwevanhu muGaza.
VaWood vakati, “Zvakakosha kuti tipedze hondo iyi nenzira inoendesa mberi kugarisana mushure mehondo zvinopa hutongo hwakanaka, kugadzikana, nekuvakwa patsva kweGaza, nekudzosa chiremera chevanhuwo zvavo vakabatanidzirwa muhondo yavakanga vasingade.
“Ngatishande kuunza nzira dzinopeda zvachose kushupika nehurombo kuvanhu vakawanda vakashungurudzwa ne Hamas kubva musi waGumiguru 7,” vakatsinhira vachidaro VaWood.
Mushamarari: Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica andakuverengerai.
- Jonga Kandemiiri
Bazi reEnvironmental Protection Agency muAmerica Rotarisira Kuve neMutungamiri Mutsva Akadomwa naVaTrump

Bazi rezvekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza muAmerica reEnvironmental Protection Agency richange rave nemutungamiri mutsva. Vaimbove nhengo yeparamende VaLee Zeldin vadomwa nevakamirira kugadzwa semutungamiri wenyika muAmerica VaDonald Trump kutora basa iri.
Mutori wenhau weVOA Veronica Balderas Iglesias anotarisa kukodzera kwaVaZeldin pamwe nekuti zvinotungamidzwa mberi nebazi iri zvingatarisirwa kushanduka sei, zvikuru panyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze.
VaLee Zeldin vaimbove nhengo yeparamende yeRepublican Party vakaita matemu mana vachimirira dunhu reNew York uye vari mutsigiri wevakasarudzwa semutungamiri wenyika VaDonald Trump kwenguva yakareba.
Vakatarisirwa kutungamira bazi reU.S. Environmental Protection Agency. Vane makore makumi mana nemana ekuberekwa uye vane dhigirii rezvemutemo kubva kuAlbany Law School. Vakashandawo kwemakore mana muchiuto. VaZeldin vakaroora uye vane vanasikana vaviri mapatya.
Mugwaro rakaburitswa musi waMbudzi 11, VaTrump vakazivisa nezvekudomwa kwaVaZeldin, vachiti vaimbove nhengo yeparamende ava “vachaburitsa simba remabhizimusi emuAmerica, panguva imwecheteyo vachichengetedza mhimo yekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza yepamusorosoro.”
Vachitaura nhepfenyuro yeFox News VaZeldin vakati vari kufarira kuzadzisa zvirongwa zvaVaTrump zvehupfumi.
“Pane mitemo yanga ichidiwa nevanorwira kuenzaniswa kwemikana kubudikidza nemasimba ehurumende inopedzisira yakonzera mabhizimusi kuti aende kusiri iko.”
Pasi pehurumende yeDemocratic Party yaVaJoe Biden, bazi reEPA rakatungamidza mberi kugadzirwa kwemhando dzemoto dzakachena dzinozvimutsiridza, pamwe nekuisa mitemo mukucherwa kwemafuta negasi senzira yekudzivirira hutsi hunokuvadza pamwe nekurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze.
Asi vakasarudzwa semutungamiri wenyika VaTrump vane dzimwe nzira dzavari kuona nadzo.
“Tichaputitsa nzira yedu nemuzvimhingamipinyi zvakaiswa nehurumende imomo kuti tikasike kupasisa kucherwa kwemafuta negasi kutsva, pombi itsva, mafekitari matvsa, magwenya emhando dzemoto matsva, nemagwenya emagetsi matsva endudzi dzose.”
VaZeldin vakambotaurawo nezvematanho mamwechetewo pavakakundikana musarudzo yagavhuna veNew York muna 2022.
Vakati, “Tinofanirwa kubvisa mutemo wedunhu unorambidza kucherwa kwegasi kwakachengetedzeka; tobvumidza kuiswa kwepombi itsva.”
Kudomwa kwaVaZeldin kunouya panguva iyo United Nations yakamutsiridza kurudziro yayo kunyika dzose kuti dzisiyane nekuchera mafuta nemarasha senzira yekudzivirira nayo kushanduka kwemamiriro ekunze.
Munyori mukuru weUnited Nations, VaAntonio Guterres vakati,
“Ruzha rwamunonzwa nderwe bhambu rakamirira kuputika. Tatarisana nekumagumo kwekuti timise kukwira kwekudziya kwekunze kusvika pa 1.5 degrees Celsius uye nguva haisi kudivi redu.”
Kunyange hazvo mitemo inobata kushanduka kwemamiriro ekunze iri kutarisirwa kuderedzwa nehurumende pasi pehutungamiri hwaVaZeldin, vanoongorora vanoti pari zvino, matunhu anokwanisa kusarudza kudzika mitemo yawo uye vanhu vanokwanisa pachavo kushandisa nzira dzinoderedza kusvibiswa kwemweya wekufema.
Iyo yanga iri nyaya yabva kumutori wenhau weVOA Veronica Balderas Iglesias.
- Jonga Kandemiiri
Nyaya yeMitero Yakavimbiswa naVaTrump kuNyika Dzinopinza Zvinhu muAmerica yoKanganisa Nyika dzePasi Rose

Nyika dzepasi rose dziri kutarisira shanduko isina kugadzikana apo vakamirira kugadzwa semutungamiri weAmerica VaDonald Trump vari kuvhundutsira kudzika mitero yakakura kwazvo, zvikuru paChina. Kusaziva zviri kuuya uku kwasiya dzihurumende nemabhizimusi zvichitambura kuti zvogadzirira sei, sezviri kutsanangurwa nemutori wenhau weVOA Bill Gallo ari kuSeoul, ku South Korea.
Munguva yavakambotungamira kekutanga, VaDonald Trump vakadzika mitero pazvinhu zvaibva kuChina, izvo zvakabvundutsa hupfumi hwepasi rose. Pamberi pekudzoka kwavo muhofisi, VaTrump vapika kutora matanho akatoomarara, ekudzika zvikamu gumi zvemitero pane zvose zvinopinda muAmerica nezvikamu makumi matanhatu pazvinhu zvinobva kuChina.
Kunyange hazvo China isati yapindura yakanangana nemashoko aVaTrump ekuvhundutsira aya, yakayambira kuti pasave nekuwedzera kusawirirana panyaya dzekutengeserana.
Amai Mao Ning ndivo mutauriri webazi revekudyidzana nedzimwe nyika muChina.
“Hatishande nemibvunzo yekuita zvekufungidzira. Asi regai ndingotsinhira kuti hapana anokunda muhondo yekutengeserana, kana kuti pasi rose rine charinowana kubva mazviri,” Amai Ning vanodaro.
Mitero yose yaVaTrump inogona kukuvadza zvakanyanya nyika dzinorarama nekutengesa kunze asi kusawirira pakati peAmerica neChina kunogonawo kuvhura mikana.
Nyika dzakawanda dzakawana chouviri apo kugadzirwa kwezvinhu kwakabva kuChina kuchienda kune dzimwe nyika senzira yekunzvenga mitero.
Gurukota rezvekutengeserana muThailand, VaPichai Naripthaphan, vakaudza VOA Thai Service mazuva mashoma adarika kuti nyika yavo yaona mafekitari ekuAmerica akawanda achipinda achibva kuChina.
“Tinofanirwa kukwanisa kutonhodza nyaya iyi. Ndinotoona matambudziko aya semukana kuThailand. Ndinovimba kuti tinokwanisa kuve nzvimbo inodyarwa mari nenyika ipi zvayo.”
Nzira iyoyo inouya zvayo nematambudziko. Nyika zhinji dzakawana cheuviri nekubuda mukutengeserana neChina dzave kuvimba zvakanyanya nekutengesa zvigadzirwa zvadzo kuAmerica, zvichadzisiya dzave pamhene zvakanyanya pamitero yose ichadzikwa naVaTrump kana matanho ose ekuomesera zvinhu zvinenge zvapinzwa muAmerica nedzimwe nzira akabudirira.
Kushushikana uku kunodarika nyika huru dzinotengeserana neAmerica.
MuAfrica, umo kutengeserana neAmerica kusiri kukuru, mitero iri pamusorosoro iyi inogona kuita kuti mikana yekutengeserana inetse, sezvakataurwa neimwe nyanzvi, VaMelvin Foote muhurukuro ne VOA Africa 54.
“Kana takataura nezvekugadzira zvinhu, kana tichitaura nezvekugadzira ma pineapple – kuuya kumisika yemuAmerica kuchatonetsa. Saka handitarisire kutengeserana kweAmerica neAfrica, kana tichitaura nezvekuwedzera mitero.”
Kusagadzikana kukuru kuri kubva mukusazivikanwa kwezvinofungwa naVaTrump.
Munguva yavo yekutungamira kekutanga, vaiwanzoshandisa nyaya yemitero sechombo munhaurirano vasati vawana zvibvumirano zvekutengeserana nevamwe, sezvinotaurwa neimwe nyanzvi iri paInstitute of Southeast Asian Studies, VaJayant Menon.
“VaTrump havasi munhu anorwira makambani emunyika, ndinofunga kudaro, handiti? Inyanzvi mune zvekutaurirana. Ndizvo zvavanoda kuzivikanwa nazvo, sekuziva kwenyu, nekudaro vanoda zvibvumirano zvekutengeserana kwakasununguka vaine chekuita mazviri.”
VaMenon vanoti nyika dzakanangwa naVaTrump dzinogona kurwisa kuti pave nezvibvumirano zvekutengeserana zvitsva, pane zvekukwidzirana mitero zvinogona kuvakuvadza pamwe nehupfumi hwepasi rose.
Hadzisi pfungwa dzose dzaVaTrump dzakanangana nekuchengetedza makambani emunyika.
Vakataurawo zvakare nezvekudzikisa rubatsiro rwunopiwa kumotokari dzemagetsi dzinogadzirwa muAmerica, rubatsiro rwakanga rwaiswa nehurumende yaVaJoe Biden.
“Vakatozvishoropodza kare mune imwe hurukuro yavakaita padandemutande naJoe Rogan. Saka zvinoreva kuti vachatorubvisa. Uye zvakanaka kana pachitariswa kusagadzikana kunokanganisa hupfumi hwepasi rose,” VaJayant vanodaro.
Zvese njodzi nemikana zvinotarisirwa apo pasi rose riri kunetsekana kuti rotambira sei kudzoka kwemutungamiri weAmerica asinganzwisisiki.
Iyo yanga iri nyaya yabva kumutori wenhau weVOA News Bill Gallo ari muSeoul kuSouth Korea yandakuverengerai.
Forum