Accessibility links

Breaking News

America Yovhota muna 2020

Kutongwa kweVaimbove Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, Koenderera Mberi

Nyaya yekutongwa kwevaimbove mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, yaenderera mberi nhasi mudare reSenate mushure mekunge vadare vahwina vhoti yekuti kutungwa kwaVaTrump kuri pasi pebumbiro yemitemo yenyika kunyange hazvo vakasiya basa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvinafundo Moses Rumano, vanoti pasi rose richange richitarisa zvichabuda munyaya iyi sezvo zvicharatidza kukosha kwekuremekedza bumbiro remitemo nehutongi hwejechetere.

Nhengo nhanhatu dzeRepublican Party dzakavhota pamwe nenhengo makumi mashanu dzeDemocratic Party dzichiti VaTrump vamiswe pamberi pedare vachitongwa nemhosva yekupesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga ku US Capitol Hill.

"Vazhinji vanoda kuti VaTrump vasazowanikwa vachikwikwidza zvakare semutungamiri wenyika munguva inotevera sezvo nyika yange yanyanya nyaya yekudzvanyirira vatema pasi pehutongi hwavo kunyange hazvo vamwe vadare vemubato remaRepublicans vachiri kutsigira VaTrump," vanodaro Doctor Rumano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Dare reSenate Rotanga Kunzwa Nyaya yaVaDonald Trump

Dare reSenate muAmerica ratanga nhasi kutonga nyaya iri kupomerwa vaimbova mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, yekuti vakatyora bumbiro remitemo nekupesvedzera mhirizhonga.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari nhengo ye MDC Alliance, VaDavid Siampondo, vanoti dzimwe nyika dzemuAfrica dzichadzidza zvakawanda panyaya iyi sezvo ichiratidza hutongi hwejechetere hunokwanisa kumisa vaimbove mutungamiri wenyika pamberi pedare kana varesva.

"Zvakakosha kuti kana munhu apara mhosva atongwe zvisina kuti arikubva mumba maani uye kuti ane chigaro chipi. Izvi zvinoreva kuti zvirikuitika mudare reSenate nhasi zvinotaridza kukosha kwakaita kuremekedzwa kwebumbiro remutemo uye hutongo hwejechetere," Va Siampondo vaudza Studio7.

VaSiampondo vanoti zvizhinji pamusoro penyaya iyi zvichanzwikwa mangwana sezvo muzuva ranhasi vadare vemaDemocrats nevadare vemaRepublicans vachatatsurana pamusoro pekuti VaTrump vanokwanisa kutongwa here kana kuti kwete sezvo vasisiri pachigaro.

VaTrump vari kumirirwa nemagweta avo kunyange hazvo vakange vakumbirwa nedare reSenate kuti vange varipo muzuva ranhasi nyaya yavo ichinzwikwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaJoe Biden Vokurudzira Kubatana Muzuva Ravo reKutanga Kutungamira America

VaJoe Biden
VaJoe Biden

Vakasarudzwa kuva mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakatora mhiko yekutungamira nyika nemusi weChitatu muWashington DC pachiitiko change chakatariswa nevakawanda pasi rose

Asi vasati vatora mhiko, mutevedzeri wavo Amai Kamala Harris vapindawo munhoroondo semutevedzeri wemutungamiri wenyika wechidzimai wekutanga uye vari mutema vane mumwe mubereki wekuAsia.

Mukuru weWomen's Academy for Leadership and Political Excellence Muzvare Stabile Dewa vanoti kusarudzwa kwaAmai Harris kunopa tariro nechivimbo kumadzimai ose epasi rino anoda kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mushure mekutora mhiko, VaBiden vakabva vatura mashoko kunyika vachikurudzira kubatana.

VaBiden vashora vanhu vakaita mhirizhonga padare guru renyika reCapitol Hill vachitsigiri vaive mutungamiri wenyika aDonald Trump avo vairmba kutambira zvakabuda musarudzo vachiti izvi hazvifanire kudzokororwa.

Mutungamiri wenyika akurudzirawo vanhu kuti vabatane mukurwisa chirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vanodarika zviuru mazana mana kana kuti 400 000.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vachishanda nesangano reHuman Rights Wath vati mashoko aVaBiden akakosha zvikuru uye vakari nyaya yerusaruraganda inofanira kumiswa muAmerica.

Asi kekutanga mumakore akawanda, hapana kunyatsotambidzanwa masimba sezvo VaTrump vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Munhoroondo yeAmerica yekugamuchidzana masimba, zvakagumisira kuitwa muna 1869 nevaive mutungamiri wenyika VaAndrew Johnson kuramba kuenda panotoreswa mhiko vainge vasarudzwa kutungamira nyika VaUlysses S. Grant.

Pazvakaitika zvekare muna 1921 zvakakonzerwa nehurwere hwaVaWoodrow Wilson vakakundikana kuona VaWarren G. Harding vachitoreswa mhiko semutungamiri wenyika.

Kunyangwe VaTrump vasina kuuya pakugadzwa kwaVaBiden, mutevedzeri wavo VaMike Pence vange varipo nedzimwe nhengo dzedare remaRepublicans.

Vamwe vaimbova vatungamiri venyika yeAmerica vanoti VaGeorge Bush, VaBill Clinton naVaBarack Obama varipo pakugadzwa kwaVaBiden. Vasina kuuya pavaive vatungamiri venyika ndiVaJimmy Carter nekuda kwekurwara.

Nekuda kwekutyira mhirizhonga kubva kuvatsigiri vaVaTrump, muWashington DC makazara mauto, nemapurisa. Muimbi ane mukurumbira Lady Gaga ndiye aimba national anthem uye vamwe vaimba ndiJennifer Lopez na Garth Brooks.

Mangwanani anhasi VaBiden nevakuru vebato ravo remaDemocrats nerinopikisa remaRepublicans vaenda kukereke yeSt Johns Episcopal Church vasati vaenda kuCapitol Hill.

VaTrump nezuro vakatura kunyika mashoko avo ekuoneka asi havana kudoma VaBiden nezita uye havana kutambira kuti ndivo vakakonzera mhirizhinga yakaitwa nevatsigiri paCapitol Hill iyo vari kunzi vakapesvedzera.

VaTrump vakataurawo nezvavanoti vakakwanisa kuita mumakore mana avaitungamira zvinosanganisira kugadzirisa hupfumi hwenyika, kusimbisa miganhu yenyika, kuona kuti nhomba yeCovid-19 yagadzirwa nechimbi chimbi nezvimwe.

VaTrump vasimuka mangwanani anhasi vakananga kuFlorida uko vanenge vave kuenda kunogara. Asi vasati vasimuka, vaonekana nevatsigiri vavo past Andrews Airforce Base muMaryland vakavimbisa kuti vachadzoka.

NeChipiri vachishandisawo masimba avo ehutungamiri wenyika, VaTrump vakaregerera vanhu zana nemakumi mana nevatatu vanosanganisira chipangamazano chavo VaSteve Bannon, vaimbi Lil Wayne naKodak Black asi havana kuzviregerera ivo nemhuri yavo sezvaifungidzirwa nevamwe.

Munhoroondo yeAmerica panyaya dzekuona mafungiro evanhu pahutungamiri kana kuti mapolls, VaTrump ndivo chete mutungamiri asina kukwanisa kusvika pakufarirwa nevanhu vanodarika zvikamu zvishanu kubva muzana kana kuti 50%.

Mushure mekutora mhiko, VaBiden vari kutarisirwa kubvisa mimwe mitemo yakadzikwa naVaTrump vachishandisa masimba avo semutungamiri wenyika kusanganisira munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, mamiriro ekunze uye kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Live Talk
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:59:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Hurongwa Hwekugadzwa KwaVaJoe Bidden Hoenderera Mberi

Sangano rematikitivha muAmerica reFBI rinoti ratanga kuferefeta mauto ose anosvika zviuru makumi maviri nemashanu ari muWashington DC kuzochengetedza vakasarudzwa kuva mutungamiri wenyika VaJoe Biden apo vachatora mhiko nemusi weChitatu sezvo pari kutyirwa kuti vamwe vavo vanogona kuzokanganisa hurongwa uhu.

Asi munyori mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika VaRyan McCarthy vanoti havana humbowo hwavaona hunoratidza kuti pane mauto aya pane angangopanduka. VaMccarthy vanoti vane humbowo hwekuti pane vamwe vasiri kufara nekusarudzwa kwaVaBiden vari kuda kuita zvemhirizhonga.

Mutungamiri wenyika VaDonald Tump avo vakakundwa musarudzo vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo uye vanoti havasi kuzoenda kudare reCapitol Hill apo VaBiden vanenge vachitoreswa mhiko.

VaTrump vari kutarisirwa kusimuka muWashington DC vakananga kuflorida nemusi weChitatu mangwanani Vabiden vasati vatora mhiko na 12 masikati muWashinton DC uye 7 manheru kuZimbabwe.

Vamwe vebato remaDemocrats vanyora tsamba kubazi rezvekudzivirirwa kwenyika kuti vasahengetedze vatrump avo vari kusiya basa zvakanyanya vachisiya vatungamiri vanenge vakaungana muwashington dc pakutoreswa mhiko kwavabiden. Asi kunyangwe zvakadaro, hurongwa hwekugadza vabiden huri kufambira mberi.

NeMuchuro pange pachiitwa hurongwa hwakanangana nekukurudzira mabasa ekuzvipira kushanda mukubatsira vamwe munharaunda pachena kana kuti “United We Serve” National Day of Service” senzira yekucherechedza mabasa akaitwa nemurwiri wekodzero dzevanhu mushakabvu Reverend Martin Luther King.

NeMuvhuro rainge riri zororo rekurangarira doctor king uye chikwata chaVaBiden chiri kucherechedzawo hupenyu hwaVaKing. Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaDavid Siampondo vanoti Doctor Kinga munhu arwira hutongo hwejekerere nekudaro zvakakosha kuti VaBiden vavarangariremuhuronwa hwekugadzwa kwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, Votarisira Kutongwa reDare reSenate

Donald Trump
Donald Trump

Zvichitevera kubatwa nemhosva kwakaitwa mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, nedare re US House of Representatives, yekupesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga pa Capitol Hill svondo rapera, vanhu vazhinji vakatarisira zvichabuda kudare re Senate uko VaTrump vachatongwa.

Vanhu vazhinji vari kutarisa kuti chiyi chichaitwa nedzimwe nhengo dze Republican Party dzakaita semutungamiri webato iri mu Senate, VaMitch McConnell, avo vaigarotsigira VaTrump asi pari zvino vave kudududza zvisina kunyatsojeka.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Gadziro Kwekwerere, vanoti vanoona VaTrump vachizobatwa nemhosva kuSenate sezvo pane nhengo dzebato ravo dzisiri kufara nezvakaitwa naVaTrump.

"Pari zvino pane vamwe vatsigiri vebato remaRepublicans vasina kufara nezvakaitika ku US Capitol zvinosanganisira kurasikirwa kwehupenyu kwevamwe vanhu vakange vari pachiitiko ichi zvingangoita kuti vadare ava vavhote vachitsigira maDemocrats kuti VaTrump vane mhosva," vadaro Doctor Gwekwerere.

Kana VaTrump vakabatwa nemhosva kuSenate vanenge vasisakwanisi kuva nechigaro muhurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kubviswa kwaVaDonald Trump paChigaro Kwotsviriridza muAmerica

U.S. House: Debate on Impeachment Resolution
U.S. House: Debate on Impeachment Resolution

Dare re House of Representatives riri pakati pehurongwa hwekumisa basa nekusungisa mutungamiri weAmetica, VaDonald Trump, nemhosva yekukonzeresa mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill svondo rapera.

Nhengo dze Democratic Party dziri kumira nerekuti dare iri riwane VaTrump vaine mhosva, uye dziri kutsigirwa nedzimwe nhengo dzebato re Republican Party.

Mutungamiri mutsva weAmerica, Va Joe Biden, vari kutarisirwa kutora mhiko svondo rinouya nemusi weChitatu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari muzvinafundo muAmerica, Doctor Moses Rumano, vanoti vanoona izvi zvichibudirira sezvo mhirizhonga yakaitika isati yamboonekwa ichikurudzirwa nemutungamiri wenyika muAmerica.

"Vanhu vazhinji vakatarisira zvichabuda pamusango wanhasi mudare. Nyika dzese pasi rose dziri kutarisa zvichabuda sezvo nyika yeAmerica ichizivikanwa nehutongi hwejechetere hwusingakurudzire mhirizhonga," Doctor Rumano vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weVoice of America Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Hurongwa hweKumisa Basa Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, Hotsviriridza

Vanhu vazhinji pasi rose vari kutarisa zvichabuda pakurudziro iri kuitwa nebato reDemocratic Party yekuti mutungamiri weAmerica, Va Donald Trump, vamiswe pamberi pedare vachitongwa nenyaya yekukurudzira vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga svondo rapera

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu rePennslyvania, Amai Audrey Maswela- Mpfumbu, vanoti vakarwadzikana nechiitiko ichi uye vanoshuwira kuti nyaya iyi igadziriswe sezvo zvakadayi zvange zvisingatarisirwe kuitika muAmerica.

"Zvino shungurudza kuwona mhirizhonga yakadayi ichiitika muAmerica umo munozivikanwa nenyaya yekuremekedza sarudzo, kuremekedza kodzero dzevanhu nehutongi hwejechetere," Amai Maswela-Mupfumbu vaudza Studi07.

"Izvi zvikatadza kugadziriswa zvichakonzera kuti dzimwe nyika dzitadze kuremekedza America,"Amai Maswela-Mpfumbu vaenderera mberi.

Dare rekongiresi riri kutarisira kuti mutevedzeri waVaTrump, VaMike Pence, vanogona kushandisa mutemo vodaidza dare remakurukota kuti kut ribude nehisungo chekuti VaTrump havakodzeri kuramba vari mutungamiri wenyika zvichitevera kukurudzira kwavakaita kuti paCapitol Hill paite mhirizhonga musi Ndira 06.

VaPence vakatadza kuita izvi, dare rekongiresi rinotanga hurongwa hwekusungisa VaTrump kuitira kuti vabviswe pachigaro chemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kutambidzana Masimba muAmerica Koramba Kuchikonzera Mutauro

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari nhengo yebato reZanu PF, Va Simba Mujuru, vanoti havawoni pane chinotadzisa mutungamiri mutsva weAmerica, Va Joe Biden, kuti vagadzwe zviri pamutemo mwedzi unouya, kunyange hazvo mutungamiri we America, VaDonald Trump nedzimwe nhengo dzebato ravo re Republican Party, vachiri kupikisa zvakabuda musarudzo.

Electoral College yakatambira kuti VaBiden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri we America asi dzimwe nhengo dzebato remaRepublican naivo VaDonald Trump varikupikisa izvi.

"Zvatiri kuona zvichiitika ndiko kunonzi kutonga kwejechetere chaiko nekuti parizvino VaTrump vane vhumo yekupikisa zvakabuda musarudzo kana vasiri kufara nazvo asi chikuru chatirikuda kuwona ndechekuti vane rudo rwenyika yavo here pamoyo zvichaita kuti vasiye matomhu pasina bopoto mwedzi uno uya pachagadzwa VaBiden," VaMujuru vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

Vanoti vakatarisira kuti hurumende idzva yaVaBiden ichapa nyika yeAmerica hwaro hwekurwisa denda reCovid-19 rapfunya chisero munyika iyi asi zvinoda kuti veruzhinji vabatane nehurumende mukurwisa denda iri.

Vachitaura pamusoro pemakurukota adomwa naVaBiden parizvino VaMujuru vanoti varikufadzwa nenyanzvi dzapihwa mabasa parizvino uye vanetarisiro yekuti zvinhu zvicha sanduka muAmerica kusanganisira kudyidzana kwenyika iyi neZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaJoe Biden Voenderera Mberi Vachidoma Makurokota Avo

ថ្ងៃទី ២២ ខែតុលា ឆ្នាំ២០២០ រដ្ឋ Tennessee។
ថ្ងៃទី ២២ ខែតុលា ឆ្នាំ២០២០ រដ្ឋ Tennessee។

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Moses Rumano, vanoti vari kufara zvikuru nemakurokota adomwa naVa Joe Biden kuti vange vachishanda navo gore rino uya.

Doctor Rumano vanoti havawoni mutungamiri we America, VaDonald Trump, vachiramba kutambira zvakabva kuElectoral College iyo yakadoma mnemuvhuro kuti vajoe biden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Doctor Rumano vanoti kunyange hazvo VaTrump pari zvino vari kuramba vakatsika madziro kuti sarudzo dzakabirwa, vanowona hurongwa hwekutambidzana masimba huchienderera mberi zviri pamutemo sezvakataurwa nemukuru we Republican party mudare re Senate, Va Mitch Mcconnell.

"Pari zvino VaTrump vavakungo tanda nyadzi asi vanoziva kuti vakakundwa uye vanofanirwa kunge vave kugadzirira kuti vatambidze masimba kuna VaJoe Biden pasina mvongamupopoto sezvo Electoral College yakazivisa kuti VaBiden ndivo vaka kunda." Doctor Rumano vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Dare reElectoral College Rotarisirwa Kudoma VaBiden Zviri paMutemo Munzira Yavo Yekunotoreswa Mhiko Yekutungamira America

Biden Trump combination picture
Biden Trump combination picture

Nhengo mazana mashanu nemakumi matatu nemasere kana kuti 538 dzedare rinozivikanwa nekuti Electoral College dzakatanga kuvhota nemusi weMuvhuro kuti dzisarudze zviri pamutemo vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats.

Asi kune mamwe matunhu kunonzi kuri kutyirwa mhirizhonga sezvo vamwe vatsigiri vemutungamiri wenyika VaDonald Trump vasiri kufara vachiti sarudzo dzakabirirwa kunyangwe vari kukundikana kuuya nehumbowo kumatare.

VaTrump vari kungonyorawo padandemutande reTwitter kuti vakakunda kunyangwe ari manyepo. Dare reCongress richatambidzwa zviri pamutemo zvinenge zvabva kuElectoral College musi wa 6 Ndira.

Mamwe maRepublicans anonzi ari kudazve kuyedza kuvhiringidza VaBiden mudare reHouse Of Representatives asi izvi zvinonetsa nekuti maDemocrats ndiwo akawanda mudare iri.​

VaBiden avo vari kumba kwavo muguta reWilmington, Delaware vari kutarisirwa kutura mashoko kunyika manheru eMuvhuro ano nezveElectoral College uye kusimba kwehutongo hwejekerere muAmerica.

Nyaya dzezvematongerwo enyika Va Frank Chatonda vari kuSouth Carolina, muAmerica vanoti vari kutarisira kuti VaBiden vachasvitsa mavhoti anodiwa sezvo matunhu achisungirwa kutevera zvakabuda musarudzo dzemusi wa 3 Mbudzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



.

Electoral College Yotarisirwa Nhasi Kusarudza VaBiden Zviri Pamutemo Kuti Vatungamire Nyika

VaTrump naVaBiden
VaTrump naVaBiden

Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kutarisirwa nhasi kudomwa zviri pamutemo nematunhu ose pachasangana vamiriri vematunhu aya kumatare avo vachiumba inonzi Electoral College.

Vamiriri ava vanotarisirwa kuti vangovhota sezvakaita vanhu mumatunhu avo vakasarudza VaBiden musi wa 3 Mbudzi.

Asi kunyangwe matare aya ari kugara nhasi mumatunhu makumi mashanu, mutungamiri wenyika VaDonald Trump avo vakundwa musarudzo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo vachinyepa kuti ndivo vakakunda.

Kunyangwe matare ari kurasa nyaya dzaVaTrump nekushaya humbowo, vakaudza nhepfenyuro yeFox News neSvondo kuti vachiri kuenderera mberi nekupikisa zvakabuda musarudzo uye vachakunda.

Asi VaBiden vakave senata kwemakore makumi matatu nematanhatu uye mutevedzeri wevaive mutungamiri wenyika VaBarack Obama vari kutarisirwa kutora mhiko musi wa 20 Ndira. Dare reCongress richatambidzwa zviri pamutemo zvinenge zvabva kuElectoral College musi wa 6 Ndira.

Mamwe maRepublicans anonzi ari kudazve kuyedza kuvhiringidza VaBiden mudare reHouse of Representatives asi izvi zvinonetsa nekuti maDemocrats ndiwo akawanda mudare iri.​

VaBiden avo vari kumba kwavo muguta reWilmington, Delaware vari kutarisirwa kutaura kunyika manheru ano muAmerica nezveElectoral College uye kusimba kwehutongo hwejekerere muAmerica.

VaTrump Vobatana neMamwe Matunhu Kupikisa Zvakabuda Musarudzo kuMatare

VaTrump naVaBiden
VaTrump naVaBiden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vabatana nenhengo dzebato ravo remaRepublicans mudunhu reTexas nemamwe matunhu kukwidza kudare nyaya yekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dzisatambirwe mushure mekukundwa kwavo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats.

Nyaya iyi yakakwidzwa kudare negweta guru mudunhu reTexas VaKen Paxton. Dzimwe nhengo dzedare remaRepublicans dzakakwidzawo nyaya kudare kuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka mudunhu rePennsylvania asi dare reSupreme Court rakati pakanga pasina humbowo hwakakwana uye vatongi vose vematare vapfumbamwe vakatenderana nemutongo uyu.

VaTrump vari kuti mamwe matunhu haana kutevedzera mutemo sezvo aiti aityira kupararira kwechorwere cheCovid-19. Asi matare mazhinji arasa nyaya zhinji dzevatsigiri vaVaTrump achiti hapana humbowo huru kuunzwa kudare.

Asi vamwe mubato raVaTrump vari kuti zvavari kuita kupedza nguva. Senator John Cornyn vebato remaRepublicans vatiwo havaone zviri kuitwa naVaTrump nevamwe muTexas zvichishanda nekuti muAmerica matunhu ose ane kodzero yekuita sarudzo sezviri mumutemo yavo nekudaro Texas haingapindire mune zviri kuitwa ikoko. VaTrump nevamwe vavo vari kuda kuti patariswe zvakabuda kumatunhu akakosha avakakundwa anoti Georgia, Michigan, Pennsylvania neWinsconsin.

Senator Mitt Romney vakambokwikwidza vakamirira bato remaRepubuplicans vatiwo zviri kuitwa zvinoratidza kushaya njere.

Zvichakadaro VaBiden svondo rinouya vari kutarisirwa kuenda kudunhu reGeorgia kunobatsira kutsvaga rutsigiro VaJon Ossoff naVaRaphael Warnok avo vari kukwikwidza musarudzo mbiri dzakakosha zvikuru dzichaburitsa pachena kuti ndiyani anenge achitungamira mudare reSenate. Vakamirira maRepublicans ndiVaDavid Purdue naAmai Kelly Loeffler.

VaBiden parizvino vari kuita basa vari mudunhu ravo reDelaware vakamirira kutora mhiko musi wa 20 Ndira vozopinda muWhite House muWashington DC.

Sangano reWorld Food Program Robatsira Vagari vekuMasvingo Nechikafu

Sangano reWorld Food Program Robatsira Vagari vekuMasvingo Nechikafu
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:37 0:00

Ambuya VaTerry vekuMasvingo vachibikira vazukuru vavo chikafu chavakatenga ne kadhi re WFP.Vhidhiyo ina Godfrey Mtimba.

VaBiden Vanoti Havasi Kuzotora Gwara raVaTrump Pakudyidzana neDzimwe Nyika

VaJoe Biden naVaDonald Trump
VaJoe Biden naVaDonald Trump

Vachangosarudzwa kutungamira nyika yeAmerica vachitarisirwa kutora mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya VaJoe Biden vanoti vachatora gwara rakasiyana zvachose munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika nemutungamiri wenyika wavakakunda musarudzo VaDonald Trump.

VaBiden vanoti havasi kuzotevedzera gwara raVaTrump rekuti pazvose zvinoitika, zvido zveAmerica ndizvo zvinofanira kuenda pamberi kana kuti America First.

VaBiden vanoti America inofanira kushanda ichidyidzana nenyika dziri mugungano reNATO nemamwe izvo zvainge zvaita zinyekenyeke negwara raVaTrump avo vakabvisa mamwe mauto eAmerica aishanda nemubatanidzwa uyu.

VaBiden vari kutarisirwawo kuti vanenge vasingadyidzane zvakanyanya nemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin uye mutungamiri weNorth Korea VaKim Jong Un.

Mushure mehondo yemakore makumi maviri muIraq nemuAfghanistan, VaTrump vakatanga kudzikisa huwandu hwemauto aya izvo VaBiden vanoti vanotsigira asi vaviri ava vari kupesana pakuti VaTrump muSyria vakangoburitsa mauto ose kamwe chete.

VaTrump vachiri kuenderera havo mberi vachiramba kuti vakakundwa sarudzo naVaBiden kunyangwe dare repamusoro soro nezuro rakarasa chimwe chikumbiro chevatsigiri vaVaTrump chekuti risatambire zvakabuda musarudzo dzemu Pennsylvania.

Asi izvi hazvisi kukanganisa VaBiden kuumba dare ravo remakurukota iro riri kutambirwa zvakanaka nevamwe vanosanganisira chizvarwa cheZimbabwe Doctor Gadziro Gwekwerere avo vari kuFlorida muno muAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaBiden Votarisirwa Kudoma Nhengo dzeBazi Ravo rezveHutano Asi VaTrump Vachingopikisa Sarudzo

Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica kutanga musi wa20 Ndira, VaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kutarisirwa neChipiri kudoma vaive gweta guru redunhu reCalifornia VaXavier Becerra kuti vave gurukota ravo rezvehutano.

VaBecerra vari kutarisirwa kutungamira hurongwa hwekuti varombo kunyanya vakwanisewo kubatsirwa kana varwara pasi pechirongwa chakatangwa nevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama asi chiri kuda kubviswa nemutungamiri wenyika VaDonald Trump avo vakakundwa musarudzo naVaBiden.

Vakatambirwa nedare reSenate, VaBeccera vachave munhu wekutanga anova muLatino kutungamira bazi rezvehutano kana kuti Department of Health Services. Bazi iri rine bhajeti inodarika trillion imwe chete yemadhora uye iine vashandi zvuru makumi masere.

VaBiden vari kutarisrwawo kudoma Dr. Rochelle Walensky vanodzidzisa kuHarvard semutungamiri webazi rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kana kuti Centers for Disease Control and Prevention kana kuti CDC.

VaBecerra pavaive nhengo yedare reparamende yeHouse of Representatives muna 2009 na 2010 vakashanda kuona kuti hurongwa hwaVaObama hwekubatsira vanoshaya kana kuti Obamacare sekudaidzwa kunoitwa Affordable Care Act hwatambirwa nedare iri.

VaBaccerra ndivo vari kutarisrwa kutungamira hurongwa hwekurwisa kupararira kwechirwere cheCoronavirus icho chabata nekuuraya vanhu vakawandisa muAmerica kudarika dzimwe nyika. Muzvinabhizimisi VaJeff Zients vari kutarisirwa kudomwa semutungamiri wemabasa ekurwisa chirwere cheCovid-19 kumuzinda weWhite House.

Dr Vivek Murthy vari kutarisirwawo kudomwa sechipangamazano chaVaBiden avo vari kuumba chikwata chakasimba mugadziriro yavo yekutora masimba.

VaBiden vari kusimbisa bazi reCDC iro rainge radzikisirwa masimba naVaTrump vasina kufara kuti zvaraitaura nezveCOVID-19 zvainge zvakasiyana nezvavaitaura sezvo bazi iri rakatanga kuyambira kuti chirwere ichi chinogona kuuraya vanhu vakawanda asi VaTrump vachiti America yainge yakagadzirira.

VaTrump vari kuendererawo mberi vachiita misangano vasingakurudzire vanhu kuti vazvidzivirire kubva kuCovid zvinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzakaita saDr Simbiso Ranga dziri kuti izvi zvave kupa kuti kudzivirira chirwere ichi kunetse.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG