Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ari kuChikurubi Owana Rubatsiro paZuva reKutevera


Sangano re Female Prisoners Trust (Femprist) rakabatana nevafundisi vechidzimai veEvangelical Fellowship of Zimbabwe nezuro rakacherechedza zuva guru rinocherechedzwa pasi rose rekushambidzika kwemadzimai panguva yekutevera, kana kuti Menstrual Hygiene Day, vari kujeri revanhukadzi reChikurubi Female Prison riri kuArcturus muguta reHarare.

Mukuru weFemprist, Amai Rita Nyamupinga vakataura kuti zuva iri rakatangiswa muna 2014 nesangano rinonzi WASH rekuGermany vaona kuti hapana aitaura nezvematambudziko anosangana nemadzimai pavanenge vachiteera.

Amai Nyamupinga vakataura kuti kazhinji vanhu vanokanganwa madzimai ari muhusungwa, nekudaro vakafunga kubatanidza zvinhu zvokuvapa zvakanangana nenyaya yekutevera kwemadzimai.

Zvinhu zvinoshandiswa nemadzimai kana vari kutevera zvinodhura chaizvo nekudaro Amai Nyamupinga vakakurudzira hurumende kuti ipe madzimai zvinhu izvi pachena sezvinoitwawo makondomu.

Mumwe wemadzimai akaendawo kumhemberero iyi, Amai Virginia Muwanigwa, vakataura kuti zvakakodzera kuti madzimai awane mvura panguva yekutevera nokuti zvinogona kuvatadzisa kugara nekushanda zvakanaka.

Amai Muwanigwa vakakurudzirawo zvakare hurumende kuti iongorore nyaya iyi vachiti kushaikwa kwemvura muZimbabwe kunokanganisawo hutano hwemadzimai.

Mutevedzeri wemukuru wemajeri, Deputy Commissioner General weZimbabwe Prisons and Correctional Services, Amai Fadzai Mupfure, vakatsinhira mashoko akataurwa naAmai Nyamupinga naAmai Muwanigwa vakati zvinhu zvakaoma kana uri panguva yekutevera uri musungwa.

Amai Mupfure vakati boka ravo nedzimwe nguva rinoshaya mari yokutengera vasungwa zvekushandisa panguva yavanotevera, sezvo bhajeti ravanopiwa nehurumende risingavakwanire.

Vamwe vakauya kuzopembera zuva iri kuChikurubi Female Prison vamiriri venyika dzinoti Sweden, Netherlands neCanada, avo vakawaniswawo mukana wekufambiswa nzvimbo yose vachiratidzwa mamiriro akaita jeri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG