Apo huwadu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchiwedzera uye hwevari kubatwa nechirwere ichi mazuva adarika vachidarika chiuru pazuva, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira vanhu kuti vasarivare vachikanganwa zvakaitika gore rapera panguva imwe cheteyo.
Vanorwira kodzero dzevanorarama nehutachiona hweHIV/Aids vanoti varapwi havasi kuwana rubatsiro rwakakwana sezvaimboimboitika makore apfuura zvopa kuti vamwe vatadze kutora mishonga inokurudzirwa.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere chekuoma mutezo huri kuramba huchikwira zvakanyanya munyika zvinonzi zviri kukonzerwawo nezvirwere zvemoyo kana kuti Blood Pressure uye cheshuga.
Sachigaro veZimbabwe Medical Awards Trust, Dr Josephat Chiripanyanga, vati gore rino vachatanga nekuremekedza nyanzvi dzehutano idzo dzakatanga kuita basa iri munyika.
Sangano rinoona nezvezvirwere zveshuga pasi rose reInternational Diabetes Association rinoti muAfrica vanhu vakawand vari kurarama nechirwere cheshuga asi vasingazvizive.Munhu akabatwa nechirwere cheshuga anenge ototarisirwa kuti anwe mushonga kwehupenyu hwose.VaMatthew Chandaengerwa votaura neVOA.
Nyanzvi munyaya dzezvehutanop dziri kukurudzira vanhu kuti vapote vachinovhenekwa maziso navanachiremba kamwe chete pagore sezvo zvimwe zvirwere zviri kupa kuti vazoita mapofu zvichikwanisa kurapika kana zvikaonekwa paine nguva.
Vana vanodarika makumi mana vanonzi vakafa nechirwere chemoyo sezvo vakakundikana kuenda kunorapwa kuItaly nekuda kwedambudziko reCovid-19.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vapote vachienda kunana chiremba vavo kunovhenekwa kamwechete pagore kunyangwe vasiri kurwara kwete kuzoenda kuzvipatara zvirwere zvakomba zvimwe nguva zvisisarapike.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa dzinoti dziri kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kuzvisungirira kunyanya vanhurume vanonzi vanoomerwa nekutaura zvinenge zvichivashungurudza mupfungwa zvichizopa kuti vashaye rubatsiro.
Nyazvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira mhuri kuti dzitsvagire vana vanozvarwa vaine sikarudzi mbiri yechirumene neyechidzimai kana kuti intersex kuti vatsvagire vana ava rubatsiro nekukukurumidza kuti vakwanisewo kugara hupenyu sevamwe pasina kutya. Nyaya ina Amai Gumisai Bonzo.
Nyazvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira mhuri kuti dzitsvagire vana vanozvarwa vaine sikarudzi mbiri yechirumene neyechidzimai kana kuti intersex kuti vatsvagire vana ava rubatsiro nekukukurumidza kuti vakwanisewo kugara hupenyu sevamwe pasina kutya.
Madzimai zvikuru vechitema vari pakati pe zvikamu makumi mana nemakumi matanhatu vanosangana nedambudziko rekuita mapundu muchibereko kana kuti uterine fibroids zvinozopa kuti vamwe varasikirwe neropa rakawanda kana kutoshaya mbereko.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa dzinoti huwandu hwevanhu vari kurwara nepfungwa vamwe vachiguma vave kugara mumigwagwa huri kuwedzerwa zvakanyanya nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo vakawanda vasisaende kumabasa.
Vamwe vanhu vakarwara nechirwere cheCovid-19 vasina kubayiwa nhomba vari kukurudzira vari kuzengurira kubayiwa kuti vaite izvi nekuti vakapotsa vaenda kwamupfiganebwe.
Nyanzvi munyaya dzekufamba zvakanaka kwemitezo munguva yehurwere, dzinoti munguva ino yekubatsira varwere veCovid-19, vose vane ruzivo rwakadzama muzvirwere zvakasiyana siyana munyaya dzehutano vanofanirwa kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru pakubatsira varwere veCovid-19.
Nyanzvi yakatungamira tsvagurudzo iyi muZimbabwe, Doctor Nyaradzo Mgodi, vaudza Studio7 kuti Dapivirine Ring ichashandiswa nevanhukadzi vasati vatapurirwa HIV senzira yekuzvidzivirira kuchirwere ichi.
Pavanhu mazana maviri nevanomwe vakaongororwa mushure mekufa nechirwere cheCovid 19, zvikamu makumi masere nezvisere nezvidimu zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 88.9% vanhu vakange vasina kubayiwa nhomba dzeCovid 19.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kutambira nemufaro kubudirira kwakaita Zimbabwe mukurwisa chirwere cherurindi kana kuti TB
Rodhai zvimwe