Madzimai akawanda anoti hapana chokupemberera apo Zimbabwe yasvitsa makore makumi matatu nemapfumbamwe yawana kuzvitonga.
Mamwe madzimai aya haana kuda kudomwa nemazita avo, munongedzo mukuru wekuti vane kutya kukuru kuti vataure vakasununguka, izvo vanofanirwa kuita munyika inozviti yakawana kuzvitonga muna 1980.
Muzvare Anesu Ashley Maurukira, avo vanobva kuGuruve, vanoti vakapedza zvidzidzo zvavo zvepamusoro soro mhiri kwemakakungwa makore mana akapfuura, asi nanhasi havasati vawana basa.
Muzvare Maurukira vanoti vari kutochengetwawo naamai vavo, avo vatokura zvokuti inyaya inovarwadza nokuti hurumende haina kuzadzisa zvayakavimbisa kuti ichawanisa vanhu mabasa nekuvhura makambani ose akavharwa.
Mumwe mukadzi ane makore makumi matatu, uyo asina kuda kudomwa zita rake,anotiwo ari kushaya basa raakadzidzira nokudaro ave kushanda mumba meimwe mhuri kuWestgate asi mari yacho haisi kukwana kuti ariritire mwana wake.
Mumwe mudzimai anogara kuKuwadzana, Amai Mirrie Madzika, vanoti hapana chokupemberera nokuti vaakugara vachitya mazuva ose mapurisa nemasoja.
Amai ava vanotiwo ikozvino chikafu rave dambudziko guru nokuti mitengo iri kukwira mazuva ose zvokuti hapana kuzvisunungura kwakaitwa nyika ino kubva kuhudzvanyiriri hwevachena.
Mumwe mudzimai, Amai Gina Maradzika, vanoti zviri kuitika muZimbabwe zvinorwadza zvikuru.
Amai Maradzika vanoti ikozvino havasi kukwanisa kuenda kumusha kuhoridhe kana kumusangano wekuchechi yavo, sezvo vasina mari yokufambisa.
Murwiri wekodzero dzevasungwa vechidzimai musangano re Female Prisoners Trust, Amai Rita Nyamupinga, vanoti hapana kana chikonzero chokuti vanhukadzi vapemberere kuzvitonga kwenyika, sezvo vari kutadzakuriritira mhuri dzavo.
Amai Nyamupinga, avo vanove zvakare nhengo yeWomens Coalition of Zimbabwe, vanoti vakadzi vakawanda vanosungwa vachikandwa mujeri vapara mhosva diki diki dzakanangana nekuda kuwana chikafu chokupa vana vavo.
Mukuru weZimbabwe Womens Bank, Amai Mandas Marikanda, vari kukurudzira madzimai ose ari kunyunyuta nezvemamiriro ezvehupfumi hwenyika kuti vaende kunokwereta kubhanga ravo kuitira kuti vatangewo mabhizinesi avo madiki.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvemadzimai, Amai Sitembiso Nyoni, sezvo nharembozha yavo yanga isingadavirwe.
Tsvagurudzo yakaitwa neWorld Bank nemamwe masangano akazvimirira, inoratidza kuti misha inoriritirwa nemadzimai chete yawandisa zvokuti ratove dambudziko guru muZimbabwe neAfrica yese zvayo.
Facebook Forum