Chipatara cheParirenyatwa chinoti chava kubvumidza munhu mumwe chete kushanyira murwere ari muchipatara ichi senzira yokudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid 19.
Asi pane vari kunyunyuta kuti danho iri harisi kutevedzerwa sezvo vamwe vanhu vakanyoreswa vari kutadza kuona hama dzavo.
Chipatara ichi chinoti chakatanga kurambidza veruzhinji kuti vapinde vachinoona hama neshamwari dzavo sezvo chiri kutyira kupararira kwechirwere cheCovid-19, icho chakatoremera chipatara ichi.
Muchiziviso chakaburitswa mwedzi uno nechipatara ichi, Parirenyatwa Hospital inoti iri kubvumidza vanhu vakanyoreswa sehama dzepedyo kupinda muchipatara ichi vachiona varwere vavo.
Asi mumwe mudzimai akanyoreswa sehama yepedyo nemurume wake, Amai Winnet Mukwekwerere, vanoti vakarambidzwa kupinda kuti vaone murume wavo pavakamushanyira mukupera kwesvondo.
Mumwe mudzimai, Amai Nomatter Chapewa, vanoti kunyange hazvo zvaiva zvakanyorwa pamukova wechipatara kuti munhu mumwe chete akanyorwa zita mubhuku ndiye chete aikwanisa kushanyira murapwi, ivo havana kukwanisa kuona hama yavo yairwara asi ikazoburitswa muchipatara ichi musi uyu ichinzi yava nani.
Vanoti vakanzi vamirire murwere wavo panze kudzamara aburitswa muchipatara maairapwa sezvo akanga onzwa zviri nani.
Studio7 yakaona vanhu vakawanda vaive pachipatara ichi mukupera kwesvondo vaiiti vainge varambidzwa kupinda nepamusana pekuti havana kunyoreswa sehama dzepedyo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, kanawo mutevedzeri wavo, Dr John Mangwiro, sezvo vange vasiri kubatika panhare mbozha dzavo.
Asi mutauriri weParirenyatwa Group of Hospitas, VaLinos Dhire, vanoti vakanyoreswa mazita avo sehama dzepedyo vanogona kupinda mumawadhi munguva dzemangwanani apo vana chiremba vanenge vachiona varwere, izvo zvinovapa mukana wekuti vaziviswewo nana chiremba ava pamire murwere wavo.
VaDhire vanoti vose vakanyoreswa sehama dziri pedyo ndivo chete vanobvumidzwa kushanyira varwere mumawadhi echipatara ichi.
Munyori mukuru weZimbabwe Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vanoti danho rakatorwa nechipatara ichi rakaitwa mushure mokunge zvaonekwa kuti chirwere cheCovid 19 chakange chopararira zvakanyanya muchipatara ichi chichibata vashandi pamwe nevarwere.
Dr Matara vanoti Covid 19 haisati yapera uye zviri kuonekwa zvakare kuti vechidiki ndivo vari kunyanya kutapurira denda iro radzoka nemumwe mutoo wakakomba zvokuti riri kutapuriranwa nekuuraya munguva pfupi pfupi.
Dr Matara vakakuridzira vanhu kuti munhu wese apfeke masiki, kugeza maoko nguva zhinji pazuva uye nekusaungana pamagungano evanhu vakawandisa.
Ongororo dziri kuitwa nebazi rehutano maringe nedenda reCovid 19, dziri kuratidza kuti vanhu vari kubatwa nechirwere ichi vari kuwanda zvakanyanyisa zvokuti pave kudiwa kuti munhu wese atevedzere nzira dzakatarwa dzinodzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Facebook Forum