Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vokurudzira Makanzuru Kuti Avake Zvimbuzi Zvavanokwanisa Kushandisawo


Vamwe vakaremara munyika vari kunyunyuta zvakanyanya kuti vemakanzuru havasi kutambira zvichemo zvavo zvekuvandudza zvimbuzi munzvimbo dzeveruzhinji kuti vakwanisewo kuzvishandisa.


Vachitaura pamusangano wakaitwa nesangano reVendors Initiative for Social Economic Transformation(VISET), muMasvingo neChishanu, vakaremara kunyanya vanoshandisa mawheel chair, madondoro nevasingaoni vakati havakwanisi kupinda muzvimbuzi izvi.

Mumwe wevakadai, ndiVaMoses Chitombo, vemuMasvingo, avo vanoti vakatorega kutengesa pakati pedhorobha nekuti hapana zvimbuzi zvinokwanisika kupindwa newheel chair yavo sezvo misuwo iri midiki uye pasina nzira inofambwa newheel chair kana kuti ramp. VaChitombo vati, “Totally hakutorina fanika mutown mese ukangobatwa ne ‘call of nature’ uri mutown it’s a great challenge’ kureva kuti wakutosiya business rawafambira mutown wotodzokera kumba”.

Vamwe vakaremara vanoti nekuda kwe izvi vanotoponera mumikoto kana kuzvibatsira pachena, vamwewo vachimanikidzwa kuburuka pamawheel chair vokambaira kupinda muzvimbuzi izvo zvinoisa hutano hwavo munjodzi.
Mukuru wemabasa musangano rinomirira vakaremara reDisability Amalgamation Community Trust, VaHenry Chivhanga vanoti, “ Dambudziko riripo nderekuti pamwe kushaya hanya uye nekunzwisisa kuti vanhu vakaremara vari kutambura zvakadii kana nature yauya kwavari’’.

Mukuru wemabasa musangano rinomirira vanotengasa mumisika reVISET, VaSamuel Wadzai, vakakuridzira makanzuru munyika kuti vaise mari parutivi yekugadzirisa matambudziko aya. VaWadzai vati, “Isusu seboka reViset tinokurudzira makanzuru ose pavanenge vachiumbiridza mabudget avo vatarise izvi pavanenge vachivaka mafacilities vavake anoenderana nekodzero dzinenge dzichifanira kuenjoyewa nevanhu vakaremara”

Meya weguta reMasvingo, VaAleck Tabe, vachitaura pamusangano uyu vakati, “Isu seguta reMasvingo tine hurongwa gore rino hwekuti tivandudze zvimbuzi zvemudhorobha kuti zvikwanise kubatsira chero vaye vane hurema vane mawheel chair kuti vakwanise kushandisa zvimbuzi zvakanaka”

Mukuru webasa musangano rinomirira vagari muGweru, reGweru Residents Forum, VaCharles Mazorodze, vanoti rimwe dambudziko ndere zvimbuzi zvinobhadhariswa mari yakati wandei kune vakaremara. Vati, “Zvakare tinokurudzira kanzuru kuti itinzwisisei pamari dzinobhadharwa muma public toilets nekuti nekushaya mari, vamwe vakaremara vanozoshaya access kumatoilets aya,”

Meya weguta reGweru, VaMartin Chivhoko vati havo guta ravo rine zvimwe zvimbuzi zvakaiswa zvikwanisiro zvevakaremara kuti vapinde. “Mukasvika paKudzanai toilet yedu ine maramp even paTM toilet yedu ine maramp kusina maramps kumahofisi edu saka ndozvatiri kugadzirisa gore rino,” VaChivhoko vaudza Studio 7.


Mutauriri webazi rinoona nezvekutongwa kwematunhu munyika, VaGabriel Masvora, vanoti hurumende yakaparura gwaro reNational Disability Policy iro rinosungira makanzuru kuti aise zvikwanisiro zvino rerutsira vakaremara. VaMasvova vati, “Naizvozvo tinokurudzira malocal authorities vave guided nepolicy iyi vaparure zvirongwa zvinoita kuti zvivakwa zvavo zvive nezvikwanisiro zvese zvinoita kuti vabatsire munhu wese kusanganisira vakaremara,”


Gore rapera muimbi ane mukurumbira munyika akaremara, Greatman Gwaze, achimiririrwa nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights(ZLHR), akaendesa guta reHarare kudare repamusoro kuti rigadzirise zvivakwa zvaro kuti vakaremara vakwanise kupinda. Kunze kwemakanzuru, mahofisi akawanda ehurmende munyika haanawo zvikwanisiro zvinogona kushandiswa nevakaremara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG