Accessibility links

Breaking News

Varume Vokurudzirwa Kupinda Muzvirongwa zveKuronga Mhuri


Imwe nyanzvi yezvekuronga mhuri musangano rePopulation Services Zimbabwe kana kuti PSZ, Dr Raymond Chikoore vari kukurudzira varume kuti vashandisewo dzimwe nzira dziripo dzekuronga mhuri.

Vanotiwo varume vanofanira kutaura navanamazvikokota kwete kuteerera mashoko emanyepo anotaurwa nevasina ruzivo anotsoropodza nzira dzevanhurume dzekuronga mhuri.

Imwe nzira iri kukurudzirwa ndeyekumbosunga tsinga yesikarudzi muvarume kana kuti vasectomy. PSZ inoti ongororo yayo iri kuratidza kuti vakawanda vave kunzwisisa nzira yekuronga mhuri iyi.

Doctor Chikoore, avo vanoshanda nesangano rePopulation Services Zimbabwe, PSZ, vanoti ckunyangwe huhwandu hwevarume vanoda kuitwa kumbosungwa tsinga huchiri pasi pasi, zvirikuratidza kuti pane shanduko nokuti kune vakawanda vari kufona mazuva ose vachida kunzwisisa kuti chirongwa chevasectomy chinofambiswa sei.

Varume vakawanda vataura neStudio 7 vanoti chirongwa chevasectomy chakanaka chaizvo asi vakapa zvimwe zvezvikonzero zvirikuita kuti vasatambira chirongwa ichi.

Baba Clyde Zumbika vanoti nyaya iyi yakanakisa chaizvo asi varume vanotya kuzorambwa nemadzimai avo vozosara vasingakwanise kuzvara vamwe vana nemukadzi wavanenge vazoroora.

Vamwewo vataura kuti chirongwa chevasectomy chinosiya varume vaita semadhonza nokudaro vanoti vakadzi ngavaendere mberi nekuronga mhuri sezvavagara vachiita.

Asi Dr Chikoore vakurudzira varume kuti varerutsirewo vakadzi nekutora danho rekuronga mhurii, uye vaendera mberi vachiti oparesheni iyi inoitwa zviri nyore nyore munhu akatosvinura.

VVatiwo kusungwa kwetsinga iyi hakuchinje maitiro ebonde uye haina kusiyana nezvinoitwa vakadzi zvekusungwa tsinga dzinofambisa mazai anobuda mudendere rinonzi ovary pachirungu.

Mukuru wesangano rePopulation Services Zimbabwe, Amai Pester Siraha vanoti varume vanofanira kutambira nzira yekuronga mhuri iyi kwete kungosiira zvose kumadzimai.

Doctor Chikoore vanoti varume zana nemakumi manomwe nevasere kana kuti 178, ndivo vakakwanisa kuitwa vasectomy mumakore mashanu akapufuura.

Vaendera mberi vachiti huwandu hwevanhu varikuda kuitwa oparesheni iyi hwakatokwira zvakanyanya asi zvakazokanganiswa nekupararira kwechirwere cheCovid-19 kutanga gore rapera apo vanhu vaikurudzirwa kugara mudzimba.

PSZ inoti yakangokwanisa kuita maoparesheni pavarume makumi maviri nevatatu gore rakapfuura uye vakaitwa gore rino vanosvika gumi nemumwechete asi kune vakawandawo vanonzi vakatonyoreswa kuti vapinde muchirongwa ichi.

Sangano rinoona nezvekuronga mhuri reZimbabwe National Family Planning Council rinoti dunhu reManicaland ndiro rine varume vakawanda vari kuzvipira kutevedzera nzira yekuronga mhuri yevanhurume kana kuti vasectomy iyi.

Hurukuro naVaKiri Mudzamiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG