Vanhu vakawanda vanogara muHarare vari kutora matanho okuti vasabatira chirwere chekorera kana kuchitapurira vamwe. Chirwere ichi chauraya vanhu vakawanda vazhinji vavo vari vemumisha yeGlen View neBudiriro muHarare.
Pose pari kuungana vanhu, pangave parufu, kana paminamato, vanhu havasi kubatana maoko apo vanokwazisana sezvinoitika mutsika nemagariro evanhu.
Parufu rwakaitika mumusha weTynwald North nemusi weSvondo, vanhu vakanga vasingatambanudze maoko avo vachikwazisana, asi kuti vakumanisa zvibhakera zvavo senzira yekubatana maoko parufu urwu.
Izvi ndizvo zvaiitwa zvakare kuNyaradzo Funeral Parlour apo hama neshamwari dzaiuya kuzotora mitumbi yehama dzavo.
Mumwe mugari wemuTynwald North, Amai Auxillia Mudhonga, vanoti vanhu vari kushandisa nzira dzehutsanana parufu pavanenge vakaungana.
Amai Mudhonga vanoti vanhu vari kuyeuchidzana nezvekorera zvokuti chimbuzi chepamba pavaive vari pane rufu, chaigezwa nguva dzose nemishonga yekudzivirira kupararira kwehutachiwona hunokonzera korera.
Mumwe mudzimai, Amai Faith Chewe, vanoti vanhu vave neruzivo rwekudzivirira kubatira chirwere chekorera zvakanyanyisa.
Amai Chewe chirwere ichi chabata vanhu vakawandisa zvekuti vamwe varwere vari kurara pasi kuBeatrice Infectious Hospital icho chiri pasi pekanzuru yeHarare City Council.
Kanzuru yeHarare inoti vanhu makumi mana nevatatu vanga vafa nechirwere chekorera muHarare chete pakuvira kwezuva nemusi weSvondo.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti korera chirwere chinodzivirika nyore nyore kuburikidza nekuita hutsanana.
Facebook Forum