Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende umo vanhu vakawanda vanoti vari kutadza kuwana rubatsiro kana vachinge vaenda nevarwere vavo kuzvipatara izvi. Izvi zviri kuitikawo panguva iyo madhokotera ari kuti haakwanisi kuenda kubasa sezvo mari dzaanotambira dziri shoma.
Mumwe mudzimai anogara kuWestgate muHarare, Amai Sarah Masara, vanoti vakashaikirwa nemwanakomana wavo mucheche achangozvarwa munguva pfupi yapfuura.
Amai Masara vanoti mwana wavo airwadziwa negumbo achichema nguva dzose izvo zvakapa kuti vaende naye kuChitungwiza Hospital uko vakaudzwa kuti mwana wavo ainge akatarisana nedambudziko rekushaya mukaka.
Amai Masara vanoti vakarwadzikana zvikuru kuona mwana wavo achitadza kurapwa navana chiremba vaifanirwa kumubatsira. Vanoti vakatanga kusvinira mwana mukaka nokuti akange asingachakwanisa kunwa ega mukaka wepazamu ravo.
Mushure mekuona kuti zvinhu hazvisi kushanduka, Amai Masara vanoti vakatora mwana wavo ndokuenda naye kuHarare Hospital uko vakasvikoudzwa vaudzwa kuti vaiva vanonokera mwana wavo.
Amai Masara vanoti mwana wavo akapihwa mubhedha, asi dambudziko raaksangana naro raive rekuti vana chiremba vakamuona vakatadza kumuisa pa drip, sezvo tsinga dzake dzakange dzisinauoneki nekuzvimba kwainge kwaita muviri wake.
Amai ava vanoti mwana wavo akabva ashaya zuva remangwana acho.
Amai Masara vanoti Harare Hospital yakazoita machengetero avanoita vana vacheche nokuti ivo vaiva vasisina mari yokuti vanoviga chitunha chemwana wavo kumusha.
Amai Masara vanoti dai vasina kuenda kuHarare Central Hospital, dai mwana wavo akafira mumba zvokuti zvaizonetsa panyaya yokuzomuviga sezvo vainge vapererwa nemari vachiedza kumurapisa mwana wavo.
Mumwe chiremba asina kuda kudomwa nezita rake anoti mwana waAmai Masara haaifanirwa kushaya dai vana chiremba vakatanga kumuona vakaita basa ravo nemazvo.
Dambudziko rakasangana naAmai Masara munengedzo mukuru pamatambudziko ari kusangan nevanhu vakawanda munyika, zvikuru vanoenda kunotsvaga rubatsiro kuzvipatara zvehurumende izvo zviri kushanda zviine vana chiremba vashoma, zvichitevera kusaenda kubasa kwakatanga musi wa 3 Gunyana vana chiremba vachiti mari dzavanotambiriswa ishoma.
Mamiriro akaita zvinhu muzvipatara zvehurumende ari kupa kuti vanhu vakawanda vafe nepamusana pekushaya rubatsiro rwakakakwana.
Studio7 haina kukwanisa kuziva huwandu hwevanhu vari kufa muzvipatara zvehurumende nepamusana pekushaya rubatsiro rwakakwana, sezvo gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vasina kubatika panharembozha yavo apo tavafonera.
Asi sachigaro weHealth Service Board, Dr. Paulinus Sikosana, vakaudza Studio7 mwedzi wapera kuti hurumende iri kutora matanho ekugadzirisa zviri kunetsa muzvipatara zvose zvehurumende.
Mutauriri weParirenyatwa Group Hospitals, VaLinos Dhire, vanoti zvinonetsa kuti vazive huwandu hwevanhu vari kufa nokuti vamwe vanosvika vachibva vangoshaya vasati vaonekwa naana chiremba.
VaDhire vanoti vanhu vashoma vari kuuya kuzorapwa kuchipatara nokuti vari kuzviziva kuti hakuna vana chiremba vari kushanda, uye vanoti havazive kuti vanhu vangani vari kufira kudzimba dzavo.
Munyori mukuru wesangano reSenior Hospital Doctors Association, Dr Aaron Musara, vanoti nhengo dzesangano ravo dzakaona zvakakodzera kuti dzigare kumba pane kuenda kubasa uko dzinoona vanhu vachifa pasina rubatsiro rwadzinopa sezvo vana chiremba ava vasina zvikwanisiro zvekushandisa muzvipatara.
Dr Musara vanoti chichemo chikuru chemadhokotera ndechekuti muzvipatara zvehurumende hamuna mishonga yekupa varwere, mishina yakakosha inofanirwa kunge ichishandiswa navana chiremba, haisi kushanda izvo zvinoita kuti madhokotera atadze kuita basa rawo nemazvo.
Imwe nyanzvi munyaya dzehutano, Dr Norman Matara, vanoti havanawo humbowo hunoratidza kuti vanhu vangani vari kufira muzvipatara, kana kudzimba dzavo. Dr Matara vanoti vamwe vanhu vave kuguma voenda kunorapwa nen’anga kana nemaporofita, sezvo hupenyu hwavo hwava parumananzombe.
Kudzamara hurumende yagadzirisa zvinhu zviri kunetsa muzvipatara, pamwe nekuwirirana nemadhokotera asiri kuenda kubasa, vanhu vakawanda, kusanganisira Amai Masara vekuWestgate, vacharamba vachirasikirwa nevadikani vavo nenzira dzinogona kudzivirirwa nyore nyore kana hurumende navana chiremba vakazvipira nemoyo wese kuchengetedza hutano hwemunhu wese ari munyika.
Facebook Forum