Dambudziko rechirwere chekufungisisa kana kuti depression muChirungu, rinonzi nderimwe rezvikonzero zvinoita kuti huwandu hwevanhu vanotora hupenyu hwavo hukwirenmuZimbabwe pamwe nepasi rose.
Mashoko aya akataurwa nemumwe chiremba, Doctor Josphat Chiripanyanga, avo vanoshandira paChinhoyi Mall Medical Centre muHarare.
Doctor Chiripanyanga vakati vanhu makumi masere kubva muzana vanodzamisa pfungwa zvakanyanyisa vozoguma vaona sokunge munhu wese asinganzwisise zviri kuvashungurudza.
Vakati kune chitsama chevana vadiki vari pasi pemakore gumi nemashanu (15) vari kusvika pakuzviuraya mushure mekunge vadzamisawo ndangariro zvakanyanyisa.
VaChiripanyanga vakaenderera mberi vachitsanangura zvimwe zvezvinhu zvavakati zvinoita kuti munhu aite chirwere che depression.
Vakati dambudziko guru riri maererano nechirwere che depression nderekuti vanhu vazhinji havatozive kuti vane chirwere ichi.
Chiremba ava vakaenderera mberi vachiti vanhurume ndivo vazhinji vanonyanya kuzviuraya kudarika vanhukadzi.
Vakati chirwere che depression chiri muchikwata chezvirwere zvepfungwa, nekudaro panogona kuita rusarura kubva kuhama neshamwari zvinozokonzera kuti munhu azviuraye.
Amai Valeria Mupfumira, vanodzidzisa pachikoro chiri kuMashonaland West, vakakataura neStudio 7 nezvekurwara kwavo uye nenyaya yerusarura.
Doctor Chiripanyanga vakataura kuti vanhu makumi mashanu kubva muzana muZimbabwe nepasi rose vanorwara nechirwere che depression.
Vanhu vanodarika mamirioni zviuru mazana matatu (300 000 000) vanonzi vanorwara ne depression, iyo inonzi inokonzera kuremara kana kuzviuraya kwevanhu vanodarika zviuru mazana masere (800 000) pasi rose.
Nyika yeZimbabwe haisati yave kuziva kuti vanhu vangani vanorwara nechirwere ichi asi tsvagurudzo yakaitwa inoratidza kuti zvimwe zvezvinhu zvakadomwa sezvinokonzera kufungisisa kana kuti depression inyaya yezvakaitika kuvanhu ava munguva yehondo yakasunungura nyika ino.
Zvimwewo zvakadomwa zvinonzi zvinokonzera kushushikana kwepfungwa ihondo yeGukurahundi iyo inonzi yakauraya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri (20 000) kumatunhu eMatabeleland neMidlands, uye nemhirizhonga yezvematongerwo enyika iyo inogara yakaitika munyika muno panguva dzesarudzo.
Your browser doesn’t support HTML5