Kusashanda kweDzimwe Nhomba dzeCovid-19 Kwopa Kuti Vamwe Vazengurire Kubayiwa

Kunyangwe pange paita tariro yakakura yekuti kuwamikwa kwenhomba dzakawanda dzekurapa Covid-19 kuchabatsira kupedza dambudziko rechirwere cheCovid-19 pasi rose, dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti matambudziko asangana nedzimwe nhomba dzakaita seJohnson and Johnson neAstraZeneca abva aita kuti rive dambudziko kumukwenyi mhezi yavavira mudumbu.

Kunyangwe pasina hapo vari kuti varwariswa nenhomba dzakaita seSinopharm neSinovac dzekuChina kana Covaxin yekuIndia dziri kushandiswa muZimbabwe, hapasati pave nehumbowo hwakakwana kuti dzinoshanda here zvizere kudzivirira kutapurirwa chirwere cheCovid-19.

Svondo rapera, dzimwe nyika dzakawanda dzakambomira kushandisa nhomba yeJohnson and Johnson mushure mekunge vamwe vanhu vainge vabayiwa vatanga kurwara vachidundurira ropa pane dzimwe nhengo dzemuviri kana kuti mablood clots. Izvi zvakamboitikawo kune vanhu vakabayiwa nhomba yeAstraZeneca yave kuramba kutambirwawo nedzimwe nyika dzakaita seAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvinotapuriranwa, Dr Tinashe Gede vanoti zvakakosha kumbomira kubaya nhomba kana vanhu vorwariswa nayo.

Asi kunyangwe hazvo dzimwe nyika kunyanya dzemuAfrica nemuLatin Amwerica dzasangana nematambudziko sezvo dzichishandisa nhomba mbiri kudarika dzimwe, nyika yeIsrael yave kutobvumidza vanhu kufamba vasina mamask kana vari panze nekuti yakwanisa kubaya nhomba vanhu vanosvika zvikamu makumi mashanu nemanomwe kubva muzana kana kuti 57% uye huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere ichi hwaderera zvakanyanya mushure mekushandisa nhomba yePfizer.

Kunyangwe pasina matambudziko makuru ati abuda panhomba dziri kubva kuChina dzuiri kushandiswa muZimbabwe, mumwe mukuru munyaya dzezvehutano munyika iyi akati dzaisanyatsoshanda. Akati China yainge yotofunga kugadzira nhomba dzakaita sedzePfizer neModerna dziri kushandiswa muAmerica. Mukuru uyu akazoedza kudududza asi kwainge kwave kuda kudyorera mvura yadeuka.

Asi Dr Gede vari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvibaiwe hazvo nhomba dzeSinopharm neSinovac dzekuChina idzi sezvo dzisina matambudziko adzati dzasangana nawo.

Doctor Gede vanoti vanhu havafanire kuteerera zvimwe zvavanoudzwa pamasaisai eInternet neWhatsApp zvemanyepo nezvenhomba.

Vatiwo vanoshanda nevanhu vakaita sevakoti, vanachiremba nevatori venhau vanofanira kubatsirwa nehurumende nezvekuzvidzivirira kuti vasatapurirwe chirwere.

Mukuru mubazi rezvezvirwere zviri muropa nedzimwe nhengo dzemuviri kana kuti Department of Chemical Pathology paUniversity of Zimbabwe School of medicine, Muzvinafundo Hilda Matarira vakurudzira vanhu kuti vaendere mberi nekupfeka mamasiki nekuzvidzivirira sezviri kukurudzirwa.

Vayambirawo kuti kune mhando yeCovid 19 ine hukasha hwakanyanyisa iyo yakawanikwa kuCanada, Brazil, India nekuKenya yavanoti inotapurirwa zviri nyore.

Muzvinafundo Matarira vanoti nhomba zhinji dzakaparurwa pasina ongororo yakadzama yakaitwa uye vati panofanirwa kuongororwa hutano hwevanhu vose vakabaiwa nhomba idzi kuitira kuti pavenekugutsikana kuti dziri kushanda zvakanaka.

Mukuru munyaya dzezvezvirwere zvekutapuriranwa muAmerica Dr Athony Fauci vanoti havo vanotarisira kuti nhomba yeJohnson and Johnson ichabvumidzwa kubayiwa asi kwete kune vane makore ari pasi pemakore makumi matatu.

African Union yainge yatenga nhomba mamiriyoni mazana maviri nemakumi maviri kana 220 million kubva kuJohnson and Johnson kuti ipe nyika makumi mashanu nemashanu. Asi kunyangwe paita mutauro, vakuru vezvehutano mugungano iri vari kuti vari kuda kuenderera mberi nekuda kuti vanhu vabayiwe chete.

Sangano reWorld Health Organization rinoti nhomba iri pasi pezvikamu zviviri kubva muzana kana kuti 2% ndiyo iri kuendeswa kuAfrica zvinonzi nenyanzvi zvave kupa kuti Africa Centres for Disease Control and Prevention ingoti nhomba dzibayiwe kunyangwe dzaita mutauro.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri