Muzvare Majome Voita Dhuma Dhuma neZviwiravanhu muMDC yaVaChamisa

Jessie Majome

Mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Jessie Majome, vanoti havasi kupinda musarudzo yekutsvaga achamirira MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa mudunhu ravo, kana kuti primary election, ichaitwa svondo rinouya nepamusana pezvikonzero zvakati kuti.

Vachitaura nevatori venhau neChishanu, Muzvare Majome vakasiya vanhu vakawanda vakashama miromo yavo mushure mekunge vazivisa veruzhinji kuti havasi kupinda musarudzo ichaitwa nebato ravo, sezvo mitemo yesarudzo isiri kutevedzerwa.

Muzvare Majome vakati bato ravo rakawirirana nzira dzichashandiswa mukuita sarudzo idzi, asi zviri kuitika mudunhu ravo, hazvienderani nezvinodiwa nemitemo yebato.

Muzvare Majome, avo vakasarudzwa kumirira Harare West muna 2013, vanoti vakaita dhuma dhuma nezvinhu zvavainge vasingatarisiri kuti zviitwe nebato rinorwira kuti munhu wese ave nekodzero dzinoremekedzwa.

Muzvare Majome vakatiwo vagari chaivo vemuHarare West, havasi kuwaniswa mukana wekuvhota, sezvo paine chikiribidi chiri kuitwa chekuunza vanhu vasingakodzeri kuvhota.

Vakati semunhu anoremekedza zvido zvevanhu pamwe nemitemo yebato, vaona zvakakodzera kuti vasave nechekuita nesarudzo isingaremekedzi zvido zvevanhu pamwe nekodzero dzavo.

Muzvare Majome vakati vanga vaine chido chokukwikwidza, asi nemamiriro akaita zvinhu, kuburikidza nezviri kuitwa nevamwe vavo vari kuita zvisingatenderwe, havakwanisi kupinda musarudzo iyi, sezvo paine kutyorwa kwemitemo yesarudzo mubato ravo.

Muzvare Majome vakati vakatozisa kare danho ravo rekusapinda mu primary election yemu Harare West kumunyori mukuru webato ravo, sezvinodiwa nemitemo yebato.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remunyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, sezvo foni yavo yanga isiri kubatika.

Muzvare Majome vanga vachifanirwa kukwikwidzana naMuzvare Joana Mamombe, avo vanonzi vari kutsigirwa nevamwe vakuru vakuru vari muNational Standing Committee yebato.

Kune mashoko ari kufamba ekuti MDC-T iri kupa makadhi kuvanhu vasiri nhengo dzebato vari kushandiswa nebato iri kuitira kuti vabvise vamwe vanhu vanofungidzirwa kuti vaitsigira Muzvare Thokozani Khupe munguva yavainetsana naVaChamisa.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kune matunhu akakumbira kuti apihwe makadhi muna 2014 ekutengesera nhengo dzawo, asi matunhu aya haasati apihwa makadhi kunyange hazvo kuine makadhi ari kutengeswa muchivande.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti zviri kuitika muMDC –T yaVaChamisa, munongedzo wekuti haikwanisi kuita sarudzo dzakachena sezvo iri kuita zvainogara ichipomera Zanu PF zvekubira sarudzo.

Vamwewo vataura neStudio7 vanoti vari kushushikana nekwavanoti kushandiswa kwevanhukadzi musarudzo kuitira kuti vabvise vamwe vavo pazvigaro, pachinzvimbo chekuti vakwikwidze zvigaro zvine vanhurume, kuitira kuti vanhukadzi vawandewo muparamende.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri