Vari kukwikwidza musarudzo yekumirira Harare West mudare reparamende vakazvimirira, Muzvare Jessie Majome, vari kukurudzira Zimbabwe Electoral Commission, Zec, kuti igadzirise zvinhu zvisina kumira zvakanaka mugwaro revavhoti, iro richandiswa nevanhu pavachavhota mudunhu ravo neMuvhuro.
Vachitaura nevatori venhau muHarare neChitatu, Muzvare Majome vakati pavanhu vakanyoresa kuvhota vanodarika zviuru makumi matatu nezvishanu muHarare West, kune vanhu vanodarika zviuru zviviri nemazana matanhatu vakanyoresa kero dzisipo.
Vakatiwo ongororo yavo inoratidzawo kuti kune vakweguri vapfumbamwe, vaviri vavo vaine kero dzisipo. Muzvare Majome vakaratidza kunyunyuta nenzvimbo dzekuvhotera dziri kure nevagari vemudunhu reHarare West.
Asi Muzvare Majome vakakurudzira vagari vemudunhu iri kuti vashingirire kufamba vachienda kunovhota kunzvimbo dzakatarwa naZec, kunyange hazvo dziri kure nekwavanogara.
Vakatiwo zvakakosha kuti Zec inzwewo zvichemo zvavari kusimudza vakazvimirira sezvo zvichemo izvi zvakangofanana nezvichemo zviri kugadziriswa neZec mushure mekunge yagara pasi nemapato makuru.
Muzvare Majome vanoti vakasarudza kukwikwidza vakazvimirira mushure mekunge vaona kuti sarudzo yekutsvaga achamirira bato ravo munguva iyi, reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, yainge isina kumira zvakanaka sezvo paive nekupindira kwevamwe.
Your browser doesn’t support HTML5