Vakuru vanoti chakafukidza dzimba matenga sezvo zvinhu zvakawanda zvichiitika mudzimba pasina anenge achizivia kuti chii chiri kuitika.
Nyanzvi munyaya dzezvezvirwere dzepfungwa dzinoti kunetsana mudzimba kuri kukonzera kuti vamwe vagume vazviuraya uye nyaya dzakadai dziri kuramba dzichikwira.
Chiremba anoshanda neZimbabwe National Association for Mental Health kana kuti ZimNamh Dr Ignatious Murambidzi vanoti kunetsana mudzimba pakati pavanababa naanaamai iri kupa kuti vamwe vagume vatora hupenyu hwavo.
Dr Murambidzi vakaendera mberi vachiti chikamu chechipiri chevanhu vanotora hupenyu hwavo ndechevaye vanenge vasingachakwanisa kuwana chovuviri zvichikonzerwa nemamiriro akaita hupfumi hwenyika uhwo hwasiya vakawanda vasina mabasa okuti vazviriritire.
Asiwo vanoti, zvakaonekwawo zvakare kuti kune vechidiki vari kushungurudzwa nevavamwe vavo kuzvikoro vari kuzoguma vazviuraya vachiita zvokuzvisungirira.
Mumwe mugari wemuHarare VaTendai Maduwa vakatiwo vakamboyedza kuzvisungirira mushure mekunge vashungurudzwa nehama dzaivachengeta kuChitungwiza.
VaMaduwa vanoti vakafunga kuti zviri nani kuzviuraya nokuti vakange vaakurarama hupenyu hwekupihwa zvokudya nevamwe vavaidzidza navo kuchikoro.
Vanoenderera mberi vachiti vanhu havanzwisise matambudziko akaita seravo zvinopa kuti munhu agume azviuraya sezv vamwe vanenge vofunga kuti munhu akundikana muhupenyu.
VaMaduwa, avo vave nesangano ravo rinonzi Christian Revival Network, vakaendera mberi vachiti ikozvino vave kubatsira vanhu vanenge vasvika pachinhanho chokuda kuzviuraya mudunhu reHopley uko kunogara vanhu vanotambura.
Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe National Association For Mental Health, yakaburitsa pachena kuti mumakore makumi mana apfuura, huhwandu hwevanhu vari kuzviuraya pasi rose hwakwira zvakanyanyisa, uye zvakaonekwawo kuti huhwandu hwevanhu varikuzviuraya muZimbabwe hwapetwa kaviri.
VaMurambidzi vanoti zvimwewo zvinokonzera kuti vanhu vazviuraye muZimbabwe kunwa nekuputa zvinodhaka uye nekufungisisa kwakadzama kunozivikanwa se depression hunova hurwere hunokwanisa kurapwa kuzvipatara.
Chiremba ava vakendera mberi vachiti vanhu vose vane dambudziko rakadai vanoda kuchengetedzwa zvakanyanyisa kuti vataurwe navo kuitira kuti vasazosvika pakuzviuraya.
Gore rapera, mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vakati varume vakawanda kudarika madzimai vainge vazviuraya. Vakati muna 2016 semuenzaniso, varume mazana mana nemakumi masere nemapfumbamwe 489 vainge vazviuraya madzimai zana nemakumi mana nemanomwe.
Amai Charamba vakati kuoma kwezvinhu munyaya dzehupfumi ndiko kwaipa kuti vanhu vagume vazviuraya.
Vamwe vakazviuraya vanosanganisa Vavaimbova gurukota, VaAmos Midzi, VaCharles Kuwaza vaiona nezvekutengwa kwezvinhu muhurumende kana kuti State Procurement Board uye muimbi wechidiki Richard Nhika.
Your browser doesn’t support HTML5