Nyanzvi Dzoshushikana neHuwandu hweVanhu Vave Kuzviuraya muNyika

Nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa dzinoti dziri kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kuzvisungirira kunyanya vanhurume vanonzi vanoomerwa nekutaura zvinenge zvichivashungurudza mupfungwa zvichizopa kuti vashaye rubatsiro.

Tinashe Mambiriri uyo ane makore makumi maviri nematatu ekuberekwa anoti akamboedza kuzviuraya katatu kese kubva paaiva nemakore mapfumbabwe kusvikira gore raakasvitsa makore gumi nemasere kana kuti 18.

Tinashe anoti vanhu vanozviuraya havazive kwekunowana rubatsiro kana vasangana nematambudziko uye dzimwe nguva vehukama vanenge vasinganzwisise matambudziko anenge aine munhu.

Anoenderera mberi achiti dzimwe nguva vatorwa vanogona kubatsira. Tinashe anoti ikozvino avekunzwa zviri nani uye ave kuita basa rekutyora hake vanhu mbabvu kuburikidza nemitambi nechikwata chinonzi Simuka Comedy.

Asi anoti hurumende inofanira kuona kuti yabatsira vanorwara nepfungwa kana kuti vanenge vachishushikana mupfungwa.

Mukuru anoona nezvehutano hwepfungwa musangano reZimbabwe National Association For Mental Health, Zimnamh, Dr Ignatius Murambidzi vanoti mhirizhonga pakati pevanodanana ndiyo imwe iri kukonzera kuti vanhu vasvike pakuzotora hupenyu hwavo nokuti vanenge vashaya wekutaurira zvinovanetsa.

Vaimbova mutevedzeri wemukuru anona nezvehutano hwepfungwa mubazi rehutano Dr Sacrifice Chirisa avo vave kushanda kuCIMAS Medical Aid Society, vanoti vanhu vaviri kana vatatu pazuva vanoyedza kuda kuzviuraya zuye inyaya irikubata marudzi ese zvawo. Vanoti chirwere ichi chinowanikwa kumarudzi ose.

Dr Chirisa vanoti bazi rezvehutano rakaparura chirongwa chokufamba muvanhu vachitaura nezvehutano hwepfungwa asi chirongwa ichi chakambomiswa nekuda kwechirwere chCovid 19.

Musi wa10 Gunyana, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kucherechedza zuva revanoshungurudzika mupfungwa vozviuraya kana kuti World Suicide Prevention Day pahurongwa hwakaitirwa paTirivanhu Therapeutic Community kuRuwa, mudunhu reGoromonzi District.

Doctor Murambidzi vanoti Zimbabwe irumuchikwata chenyika dzine vanhu varikuzviuraya vakawandisa vakakurudzira kuti pawanikwe nzira yokushambadzira nyaya iyi kuti vanhu vanenge vashushikana nepfungwa vakwanise kuwana rubatsiro nekukurumidza.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Josephat Chiripanyanga vanoti nyaya yekuzviuraya inosangana nevakadzi pamwechete nevarume, asi varume ndivo vanonyanya kuzozadzikisa pfungwa dzokuparadza hupenyu hwavo.

Dr Chiripanyanga vaudza Studio 7 kuti vanhu makumi masere kubva muzana vanorwara nechirwere chekushushikana zvakanyanya mupfungwa kana kuti Depression icho chinozoguma chakonzera kuti vazviuraye. Vanoti vamwe vana vane makore ari pasi pegumi vemashanu vanozviurayawo vakashaya rubatsiro.

Vakaenderera mberi vachiti kunechitsama zvakare chevana vadiki vari pasi pemakore gumi nemashanu (15) varikusvika pakuzviuraya mushure mokunge vadzamisawo ndangariro zvakanyanyisa.

Nyanzvi dzinoti pane zvikonzero zvakwanda zvinopa kuti munhu agume arwara nepfungwa zvinosanganisira kushaya basa, kufirwa kana zvinhu zvinorwa zvikuru zvinoitika muhupenyu hwemunhu.

Munhu anenge oshushikana zvakanyanya mupfungwa anoonekwa nekusuwa, kuneta, kukurumidza kutsamwa, kusawana hope uye kuda kuramba ari ega. Dambudziko iri rinokwanisa kurapwa nemapiritsi nemimwe mishonga kuzvipatara.

Vamwe vanhu vanoenda kumakereke sezvo vachiti pfungwa dzekuda kuzviuraya dzinokonzerwa nemweya yakaipa nekudaro zvinopera nekunamata. Vamwe vanoenda havo kun’anga kunobatsiwa pachivanhu sezvo zvichinzi zvinokonzerwa nemamhepo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri