Nyanzvi muNyaya dzezveHutano Dzokurudzirwa Kubatana Mukurwisa Covid-19

Nyanzvi munyaya dzekufamba zvakanaka kwemitezo munguva yehurwere, dzinoti munguva ino yekubatsira varwere veCovid-19, vose vane ruzivo rwakadzama muzvirwere zvakasiyana siyana munyaya dzehutano vanofanirwa kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru pakubatsira varwere veCovid-19.

Imwe nyanzvi munyaya dzekuona kuti mitezo iri kushanda zvakanaka kumurwere, Muzvare Wendy Netsai Saunyama, vanoti zvakakosha kuti nyanzvi dzine ruzivo rwakasiyana siyana dzishande pamwe chete pakurapa varwere veCovid 19.

Muzvare Saunyama vanoti murwere weCovid-19, kana arwarisa zvakanyanya, anoita makarurwa, ayo anomutadzisa kufema zvakanaka.

Muzvare Saunyama vanoti kana Covid-19 yadzika midzi mumiviri wemurwere, mhino dzake dzinotadza kutambira mweya unobva kumapapu, izvo zvinozokonzera kuti murapwi atadze kufema zvokuti anozoguma aiswa pamushini wekufemesa, kana kuti ventilator.

Senyanzvi yekushanda zvakanaka kwemitezo yemuviri, Muzvare Saunyama vanoti kana murwere ava kutadza kufema, vanomubatsira nekuburitsa madzihwa akakora kubva mumapapu oyeredzwa kuti abude nekumuromo nekukosora, kana kuti postural drainange.

Muzvare Saunyama vanoti imwe nzira yavanoshandisa ndeye kupfugamisa murwere, oisa musoro wake pasi, maoko ake akatasanurwa nechekumberi obva atanga kurohwa rohwa kumativi kune mapapu dzihwa riya robuda nekumuromo kwake.

Muzvare Saunyama vanoti rimwe dambudziko guru nderekuti vanhu vazhinji vakasiya kudya kwechinyakare kwaisimbisa miviri zvakanyanya uye chinogwinyisa mitezo yese iri pamunhu kuti ishande zvakanaka.

Muzvare Saunyama vanoti zvakakoshawo kuti murwere apihwe chikafu chinovaka muviri paanenge achirapwa, kuitira kuti mitezo yake idavire kuchikafu ichi.

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanobvumirana naMuzvare Saunyama vachiti zvinenge zvakanaka chose kuti nyanzvi dzese dzinorapa mitezo yemuviri yakasiyana siyana dzibatane pakurapa murwere wese, kusanganisira varwere veCovid-19, zvisineyi kuti Zimbabwe ine dambudziko rezvikwanisiro.

Asi munyori musangano reZimbabwe Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vanoti sokuziva kwavo, hapana dambudziko rokushaya zvekushandisa muzvipatara zvehurumende zvokuti vashandi vose vanowana zvipfeko zvinovadzivirira kutapurirwa Covid 19.

Mutauri webazi rehutano, VaDonald Mujiri, vanoti bazi ravo rakatambira mwedzi wapera rubatsiro rwezvimwe zvinhu zvekushandisa muzvipatara zvakabva kuGermany izvo zviri kurerutsa dambudziko rezvikwanisiro munyika.

Hurumende yakazivisa mukupera kwesvondo kuti yaive nevarwere veCovid-19 vari muzvipatara vanodarika mazana manomwe, uye zana nemakumi matatu nevatatu vevarwere ava, vachinzi vairwarisa zvakanyanya vari mu Intensive Care Unit.

.