Nyanzvi munyaya dzehutano dziri kuyambira vagari vemuHarare kuti vanofanirwa kugara vakafashaidza mvura vasati vaishandisa mudzimba sezvo mvura iri kuwanikwa muguta iri, ichikwanisa kuvhiringa hutanho hwavo.
Mukuru anoona nezvezvizvarwa zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Dr Portia Manangazira, vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nemakanzuru ayo vanoti ari kudzosera shure basa ravo rokudzivirira kupararira kwezvirwere zvinotapuriranwa.
Dr Manangazira vanoti kanzuru yeHarare iri kusiya vanhu vachivakira munzvimbo dzisina mvura, kana zvimbuzi, zvinova zvinhu zviri kuita kuti zvipatara zvigare zvakazara nevanhu vane zvirwere zvemanyoka.
Dr Manangazira vanoti bazi rehutano rinogara richikurudzira makanzuru ose zvawo kuti atevedzere mitemo, uye kuti akwanise kupa vanhu mvura yakachena nekuchenesa nharaunda dzavanogara.
Dr Manangazira vanoti kunze kwezvirwere zvekorera netyphoid, kune zvimwe zvirwere zvakawanda zvinokonzerwa nemvura ine tsvina.
Mumwe mugari wemuMarlborough, Amai Joyce Matanhire, vanoti nyaya yemvura ratove dambudziko guru chairo zvokuti zvaiva zviri nani kuti hurumende ipe mhunhu wese nhomba yekudzivirira korera netyphoid.
Asi Dr Manangazira vanoti izvi hazvigoni kuitika sezvo vakangopiwa mukana mumwe chete wekupa nhomba yekorera nokudaro hapasisina mumwe mukana uchavepo zvakare kunze kwevanhu vari kuChipinge neChimanimani avo vakavhiringwa netsaona yedutumupengo re Cyclone Idai.
Meya weHarare, VaHerbert Gomba, vanoti kanzuru yavo iri kushaya mishonga yese inodiwa yokuchenesa mvura nokudaro misha yakawanda yemuHarare ichagara iine dambudziko rokushaya mvura.
VaGomba vanoti dhamu rinobva mvura inonwiwa muHarare rinoda kucheneswa nemishonga yakawanda nokuti marara anorasirwamo nevanhu pamwe netsvina inobva kumaindasitiri, yakatindivadza mvura iyi zvakanyanyisa.
VaGomba vanoti kanzuru yavo haisi kuwana mari yakakwana yekunze yekuti ikwanise kutenga mishonga yekuchenesa mvura, sezvo makambani anotengesa mishonga iyi achida mari yekunze.
Kanzuru inoti inoda mamiriyoni matatu emadhora ekuAmerica semari yekutenga mishonga mwedzi wega wega.
Your browser doesn’t support HTML5