Vanhu Vokurudzirwa Kuvhenekwa Ropa paZuva reKucherechedza HIV/AIDS

Zimbabwe yakacherechedza zuva reWorld Aids Day nemusi weMugovera kuGlendale. Mazowe, kuMashonaland Central.

Mhemberero idzi dzaiitwa pasi pedingindira rekuti Ziva Paumire rinokurudzira vanhu kuti vachenekwe ropa kuti vaonekwe kuti vane hutachiwana hweHIV here kana kuti kwete.

Vanhu vanokurudzirwawo kuti vaongororwe zvimwe zvirwere zvinosanganisira gomarara, zvirwere zvepabonde, rurindi, shuga kana kuti diabetes nezvimwe zvisina zviratidzo zvinooneka.

Mhembero dzekucherechedza zuva iri dzakaitirwa kuGlendale, kuMazowe mudunhu reMashonaland Central nemusi weMugovera, zuva rinocherechedzwa World Aids Day pasi rose, uko kwakaungana zviuru nezviuru zvevanhu.

Gurukota rezvehutano VaObediah Moyo vakaudza gungano iri kuti Zimbabwe ichiri nerwendo rwukuru maringe nekuti vanhu vange vachiziva pavamire.

Vakaenderera mberi vachiti pasina kuongororwa hutachiwana hweHIV, munhu haangakwanise kuti awaniswe mishonga yema anti-retroviral, kana kuti ARVs, kuchecheudzwa uye kuti vanaamai vakazvitakura vakwanisewo kudzivirira hutachiwana uhwu kumwana.

VaMoyo vakaenderera mberi vachitsanangura nezvedingidira remhemberero yegore rino, iro rakanangana nekuparadzwa kwechirwere ichi, Zimbabwe paichasvika gore ra2030.

Vakati chirwere cheHIV chinopera kana dungamunhu akaziva paamire maererano nezvechirwere ichi izvo zvinozoita kuti vasina chirwere vagozvichengetedzawo.

VaMoyo vakayeuchidza vagari vemudunhu reMashonaland Central kuti vaite zvoutsanana hwepamusoro nokuti chirwere cheCholera chakanyukawo kuMount Darwin mudunhu iroro.

Studio 7 yakakwanisa kutaura nevamwe vanhu vari kurarama nechirwere cheHIV avo vakataura kuti mishonga yema ARVs, iri kuvabatsira chaizvo. Mumwe wevari kushandisa mishonga iyi ndaAmai Christine Pfidzai.

Amai Edna Runeto vakatiwo vakatoroorwa nemunhu asina HIV vakatozvara vana vaviri nokuti vari kunwa mapiritsi aya sekurairwa kwavanoitwa naanachiremba.

Amai Joana Kasirori vakati vararama nehutachiwana hweHIV kwemakore anodarika makore makumi maviri zvokuti vatove mukuru wechimwe chikoro muHarare.

VaJosephat Chinembiri Tarenyika vati vakambosungwa vakagara mujere vasingawani mishonga, izvo zvakazoita kuti vakwidze nyaya yavo kudare reConstitutional Court kuti vakwanise kupiwa mishonga yeHIV vari mujeri.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, avo vakanga vari munyarikani pagungano iri, vakati vari kuyedza nepavanokwanisa kuti pashaike mwana anozvarwa aine hutachiwana hweHIV.

Vakayambirawo vanhu vari kutaura kuti vawana mushonga unorapa HIV, vakati hakuna mushonga unodarika maARV ari kupiwa varwere kuzvipatara pari zvino.

Amai Mnangangwa vakatiwo hapana mudzimai anofanirwa kuzvara mwana ane hutachiwana hweHIV nokuti hurumende yakaisa matanho ekuti mudzimai wese akazvitakura aongororwe uye agopiwa mishonga yekuti mucheche ari mudumbu asabatira hutachiwana.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols vakudza gungano iri kuti vanhu makumi mapfumbamwe nevashanu kubva muzana muZimbabwe vari kunwa mishonga yemaARV zvekuti sangano rekuAmerica re President’s Emergency Plan For Aids Relief, PEPFAR, rakatowedzera mari inodarika bhirioni rimwechete remadhora ekuAmeica kuti ishandiswe pakurapa vanhu vane hutachiwana munyika muno.

Sachigaro weNational Aids Council, NAC, VaEvaristo Marowa vakataurawo kuti Zimbabwe ine tarisiro yekuzadzikisa zvinangwa zve 90-90-90 Global Targets zvekupedzisa HiV neAids mugore ra2030. VaMarowa vakaenderera mberi vachiti izvi zvinokwanisika bedzi kana vanhu vakaziva pavamire.

Zimbabwe ine vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana mana ezviuru, 1, 4million, vari kurarama nehutachiwana hwe HIV uye vari pachirongwa zvakare chekunwa mapiriritsi emaARV.

Vanhu vanodarika mamiriyoni makumi manomwe nemanomwe, US$77 million, vari kurarama nechirwere cheHIV pasi rose uye vanhu mamiriyoni makumi matatu nemashanu, US$35 million, vakatofa nekuda kweHIV pasi rose.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri