Vanorwira Kodzero dzeMhuka Vokurudzira Kuti Dzibayiwe Majekiseni eKudzivirira Zvirwere

Sangano rinorwira kodzero dzemhuka, reZimbabwe National Society For the Prevention of Cruelty to Animals, kana kuti ZNSPCA, rinoti rinoshamiswa kuona vanhu vane mari vachitadza kubaisa imbwa dzavo nhomba kuitira kuti dzisaite chirwere chechimbwamupengo.

Nyanzvi inoshanda kuZNSPCA, VaChris Chikadaya, vanoti vakashamiswa pavakaenda kuGreystone muHarare, uko kunogara vanowana, asi kwakabuda imbwa mazana matatu dzaiva dzisina kubaiwa nhomba yechimbwamupengo.

VaChikadaya vanoti kurapisa munhu arumwa neimbwa ine chimbwamupengo kunoshevedza mari yakawandisa kudarika mari shomanani inobhadharwa kubaisa imbwa nhomba yokudzivirira chirwere ichi.

VaChikadaya vanoti vakafara zvikuru kunzwa chirongwa chehutano chakataura nezvechimbwamupengo vhiki yakapfuura panhepfenyuro yeStudio 7 vakati nyaya iyi inofanira kunzwikwa kumativi ese eZimbabwe nokuti chirwere ichi chinonetsa kurapa.

VaChikadaya vanoti ibasa remakanzuru ese emuZimbabwe kuti atenderere achiongorora kuti vanhu vari kutevedzera mitemo yavo yezvinodiwa kuitwa panyaya yokuchengeta imbwa.

VaChikadaya vanoti vanogara vachifonerwa nevanhu vachinzi vauye kuzotora imbwa dzinongofamba famba pese asi harisi basa reZNSPCA.

Sangano reZNSPCA rinoti rinonyanya kushanyira nzvimbo dzinogara vanhu vakawanda richinobaya imbwa nhomba dzechimbwamupengo zviri pachena.

VaChikadaya vanokurudzirawo vagari vemumaguta kuti vabvisise imbwa dzavo zvibereko kuitira kuti dzisaita vana nokuti hazvibumirwe uye vanhu vazhinji havazokwanisi kupa imbwa idzi zvokudya zvakakwana nekuzobhadhara kubaisa nhomba dzechimbwamupengo.

Nyanzvi yezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rehutano, Dr Portia Manangazira, vanoti mutemo wePublic Health Act unosungira maguta ose kuti atevedzere zvakatarwa maererano nehuhwandu hwembwa hunofanirwa kuchengetwa paimba yoga yoga.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vachazopa mhinduro yavo vambotanga vagara pasi vachitaura nachiremba wekanzuru yeguta ravo.

Asi meya weguta reHarare, VaHebert Gomba, vakavimbisa kuongorora nyaya iyi, asi vakati kubaiswa kweimbwa nhomba dzekudzivirira chimbwamupengo ibasa remunhu wese anenge aine imbwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri