Varume Vanonetseka neNyaya yeBonde Vokurudzirwa Kunorapwa

Vana chiremba vari kukurudzira vanhurume nevanhukadzi kuti vaende kuzvipatara kunoongororwa nyaya yekushaya kwavo havi yekusangana pabonde, zvinova zvinonzi ndezvimwe zvezvinhu zviri kuparadza michato yakawanda muZimbabwe.

Muhurukuro yatakaita na Doctor Josephat Chiripanyanga avo vanoshanda paChinhoyi Mall Medical Centre pamwe nemutevedzeri wasachigaro we Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, ZADHR, Doctor Fungisai Mazhandu, zvakabuda pachena kuti vanhukadzi nevanhurume vanotadza kubudirana pachena mearenano nenyaya idzi izvo zvinozokonzera mhirizhonga mumhuri.

Doctor Chiripanyanda vanoti pavhiki roga roga vanosangana nevanhu vaviri kana vatatu vane dambidziko irori.

Dr Chiripanyanga vanoenderera mberi vachitsanangura zvimwe zvezvinhu zvinokonzera kuti mukadzi kana murume ashaye han’ya nemumwe wake.

Chiremba ava vanoti vose vane dambudziko iri vanofanirwa kudya chikafu chaidyiwa kare nemichero yakawanda uye nenyama isina mafuta akawanda kuti zvisimbise misana yavo.

Dr Chiripanyanga vanoti kana zvose izvo zvavanokurudzira zvakaramba vanobatsira munhu anenge aine dambudziko rakadai nemishonga inobatsira kuti misana musana usimbe akwanise kushanda zvakanaka.

Mashoko aya anotsinhirwawo naDoctor Mazhandu avo vanoti nyaya iyi idambudziko guru rinokonzera kuti vamwe vanhu vapedzesere vaita gumbo mumba gumbo panze.

Vanoti zvimwe zvezvinhu zvinokonzera kuti mukadzi nemurume vashaye havi nebonde inyaya yekushushikana mupfungwa kana kuti stress pachirungu, izvo vanoti zvinokwanisa kuparadza michato.

Doctor Mazhandu vanotiwo vanhu havafanire kunyara kutaura nyaya iyi nokuti zvinhu zvinotowanika muvanhu vakawanda chaizvo.

Doctor Chiripanyanga vanokurudzira kuti vakadzi nevarume vane dambuziko iri kuti vaite mabasa anomhanyisa miviri yavo kana kuti exercise kaviri kana katatu pasvondo yega yega izvo zvinoita kuti tsinga dzinofamba neropa dzivhurike kunhengo dzavo.

Mutsvagurudzo yakaitwa muZimbabwe, zvakaonekwa kuti varume vasere kubva mugumi vanosangana nedambudziko rekusashanda zvakanaka kwenhengo dzavo asi havadi kubuda pachena.

Vazhinji vane dambudziko iri vanokwanisa kupomera nyaya dzekuroiwa asi chokwadi chiripo chiri chekuti zvirwere zveshuga ne BP ndizvo zvimwe zvinoita kuti mumwe ashaye havi yekusangana nemumwe wake pabonde.

Zvirwere zvemwoyo nepfari ndezvimwewo zvirwere zvinoita kuti munhu ashaye shungu yekusangana pabonde nemumwe wake zvekuti chikamu chevanhu makumi mashanu kubva muzana pasi rose vanonzi vanotombosangana nedambudziko iri vozowana rubatsiro kuzvipatara.