Mumwe chiremba anoona nezvehutano hwemadzimai akazvitakura, Dr Misheck Gororo avo vanoshanda kuUnited Bulawayo Hospitals, vari kukurudzira varume kuti vaddzidzewo nezvenyaya dzezvirwere zvepabonde.
Dr Gororo vakataura mashoko aya pamusangano wakaunganidza madzmai anorarama nehutachiwana hweHIV wakaitirwa kuGweru vhiki rakapfuura uko kwakakurukurwa zvakadzama nyaya yechirwere chegomarara repamuromo wepachibereko kana kuti cervical cancer.
Dr Gororo vanoti tsvagurudzo zhinji dzinoratidza kuti kana varume vakataridza chido nezvehutano hwemadzimai avo, madzimai aya anowana rubatsiro rwakazara uye varume vacho vanobva vatambira zvirongwa nedzidzo yese yakanangana nezvirwere zvepabonde.
Dr Gororo vanoti madzimai anokwanisa kutadza kunyatsotsanangurira varume vavo zvavanenge vataurirwa naana chiremba kana naana mbuya nyamukuta nekudaro vanoti zvakakosha kuti varume vavo vauyewo vazvinzwire nyaya idzi vega.
Dr Gororo vanoti mudzimai akauya ega kuzorapwa chirwere chepabonde anodzokera kumba onotapurirwa chirwere ichi nokuti murume wacho anenge asina kurapwa.
Chiremba ava vanotiwo hakuna mukadzi anofanira kufa nechirwere chegomarara repamuromo pechibereko chinokonzerwa nehutachiwana hweHuman Papiloma Virus, kana kuti HPV, iyo inotapuriranwa pabonde.
Dr Gororo vanoti mudzimai wese ave kuita zvepabonde anofanirwa kuongororwa chirwere chegomarara repachibereko.
Dr Gororo vanoti chirwere ichi chikanonokerwa chinosvika pekusarapika zvekuti mukadzi anenge ongomirira zuva rokufa.
Amai Maureen Masanzu vanomirira madzimai anorarama nehutachiwana hweHIV kuMashonaland Central vanoti chimwe chinhu chinotadzisa madzimai kuti vaongororwe gomarara repamuromo wechibereko inyaya yokushaya mari dzokufambisa kuenda kuzvipatara.
Asi Dr Gororo vanoti bazi rezvehutano ririkuedza neparinokwanisa zvipatara nemakiriniki ekumatunhu ese enyika kuti akwanise kuongorora chirwere chegomarara repamuromo pechibereko pasi pechirongwa cheVisual Inspection with Acetic Acid and Camera kana kuti VIAC.
Hurumende yeAmerica, kuburikidza nechirongwa cheUnited States President’s Emergency Plan for Aids Relief kana kuti PEPFAR irikupa Zimbabwe mamirioni mashanu kubatsira nechirongwa chokuti madzimai anorarama nehutachiwana hweHIV akwanise kuongororwa gomarara remuromo wepachibereko.
Chirwere chegomara repamuromo wepachibereko ndicho chiri kuuraya madzimai akawanda muZimbabwe kudarika mamwe magomarara ese.
Masangano ePan African Positive Women’s Coalition Zimbabwe Chapter, akabatana neZimbabwe Women Living with HIV National Forum neUNaids, ndiwo akaunganidza madzimai makumi matatu vanotungamirira zvikwata zvemadzimai anorarama nehutachiwana hweHIV avo vakabva kumatunhu ese enyika.
Your browser doesn’t support HTML5