Vashandi vemuzvipatara nemakiriniki ekanzuru yeHarare vari kusangana nezvipingaidzo mumabasa avo kana vachinge vashanyirwa nevarwere vanoshandisa mitauro yemaoko vanenge vaine zvirwere zvakasiyana siyana.
Amai Precious Nkomo, avo vanoshanda nesangano reDeaf Trust of Zimbabwe, vanoti pane dambudziko guru riri muzvipatara nemakiriniki, sezvo kunzwisisana nevanoshandisa mitauro yemauko, kuri kunetsa, nepamusana pekuti vanoshandira mumakiriniki aya, havana kudzidziswa mutauro wakadai.
Amai Nkomo vanoti vanoshandisa mitauro yemaoko vanonzwisisana zvikuru kana vachitaura, asi vasina hurema uhu vachitadza kunzwa kuti vari kuti kudii.
Amai Nkomo vanoti kusagona kutaura mutauro wemaoko kuri kuvhiringidza hutano hwavanhu vasinganzwe kana mbeveve nokuti hapana anokwanisa kuziva kuti chii chaicho chinenge chichirwadza murwere sezvo vashandi vekumakiriniki aya vasina kudzidzira mutauro wemaoko.
Amai Nkomo vanoti vanoshandisa mutauro wemaoko vanozorasikirwa nehupenyu hwavo nekuti vanenge vasingazive zvokuita, zvikuru vaye vanorarama nehutachiwana hweHIV/Aids, nokuti vanenge vasina kutsanangurirwa zvakadzama mamwirwo anoitwa mishonga yavanenge vapihwa nevanhu vanenge vasinganzwisisiwo zvinenge zvichitaurwa nevarwere vanoshandisa mutauro wemaoko.
Amai Francisca Temba vekuMashanzou Care Trust vanoti nepamusana pekuti vashandi vemuzvipatara nemakiriniki havanzwisise mitauro yemaoko, varwere ava vanopedzisira vatsvaga hama dzekuti dzinovabatsira, izvo zvinoita kuti vashandise mari dzakawanda pakufamba.
Amai Temba vanoti varwere ava vanopedzesera vaisa uhwere hwavo pachena kumunhu anenge achivabatsira, izvo zvinotyora kodzero dzemurwere uyu dzekuti uhwere hwake hwuzivikanwe chete naiye murwere nachiremba anenge achimurapa.
Mushure mekuona kuti dambudziko iri riri kuramba richikura muzvipatara nemakiriniki ekanzuru yeHarare, masangano anoti Deaf Zimbabwe Trust, Mashambanzou Care Trust neDisability HIV and Aid Trust akaita hurongwa hwekudzidzisa vashandi vemumakiriniki ekanzuru mutauro wemaoko.
Vanhu makumi mana vakapinda muhurongwa uhu uho hwakaitirwa pachipatara cheWilkins Hospital muHarare.
Amai Temba vanoti vari kufambira makiriniki nezvipatara zvakasiyana siyana uko vari kudzidzisa vashandi vese, kusanganisira vasiri vanamukoti kana madokotera, kuti vakwanise kutaura nemutauro wemaoko.
VaBeaven Zisengwe, avo vanoshanda kuHatcliffe Poly Clinic, vanoti kave kechipiri vachienda kuWilkins Hospital kunodzidzira mutauro wemaoko zvinova zvavandudza basa ravo rehukoti nokuti vave kukwanisa kushandisa mutauro wemauko.
VaTafadzwa Maseva vekuDisability HIV and Aids Trust vanoti zvinonetsa kuti varonge zvakanangana nevanhu vanehurema, kunyanya mbeveve, nokuti nzvimbo dzinorapwa vanhu hadzina zvinyorwa zvinoratidza kuti vangani vanhu vakadai vanombouya kuzotsvaga rubatsiro.
VaMaseva vanoti sangano ravo rinenge richida kuti ritevere vanhu ava vaine donzvo rokuvatsanangurira zvizere maererano nezvirwere zvepabonde.
Zimbabwe yakasaina chibvumirano cheUnited Nations Conventions on the Rights of Persons with Disabilities mugore 2013, asi nyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nehutano dzinoti zviga zveUnited Nations izvi hazvisati zvaiswa mumitemo yenyika.
Your browser doesn’t support HTML5