Nyanzvi dzeHutano Dzinoti Dambudziko reMbereko Rinokonzerwa neZvakawanda

Vakawanda vanoti madzimai ndiwo anopedzisira apomerwa mhosva yekushaya mbereko, kunyange hazvo nyanzvi dzekuhato dzichiti idambudiko rinogona kubata vese murume kana mudzimai wake.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vazhinji vanofunga kuti kushaya mbereko munyama, kana kuti kutukwa naMwari, izvo zvinoita kuti vagare vasina mufaro munyika.

Nyanzvi dzehutano dzinoti pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanhu vaviri vatadze kuita vana sokuronga kwavanenge vakaita pavanenge varoorana.

Mumwe mudzimai akasangana nedambudziko rekutadza kuita mbereko, Amai Sencia Maponga, vanoti vakaroorwa mugore 1989, asi vakapedza gore vasina kubata pamuviri, vachingoti zvichazongoita chete.

Amai Maponga vanoti murume wavo hapana zvaaimbotaura nezvenyaya yokuita vana asi zvakazochinja nenzira yavasina kumbofungira vakasvika pokuzorambana.

Amai Maponga vanoti vasati vatombofunga kuti vaitove nedambiko rekushaya mbereko, tezvara vavo vakauya mumba mavairara nemurume wavo vakawaranyurwa kuti vabude mumagumbeze vasina kana kumbopfeka vachitukwa nemashoko asinganyoreke.

Amai Maponga vanoti nyaya iyo yakavarwadza uye vakajekeserwa kuti kana usina mwana hama nevanhu vemunharaunda vanokuona semunhu asina basa kana chiremerera. Amai Maponga vanoti vanosarurwa nekutarisirwa pasi zvokuti vakatombopindwa nepfungwa yokuda kuzviuraya.

Mumwe mudzimai, Amai Tracy Sanudi vekuKambuzuma, vanoti vakaroorwa mugore 1977 vakashaya mbereko zvokuti vakamboedza kutsvaga rubatsiro kuzvipatara, maporofita nekun’anga, asi zvakaramba.

Asi Amai Sanudi vanoti vakaita rombo rakanaka rokuti murume wavo haana kuvaramba zvokuti vagere zvakanaka chero zvazvo hama dzemurume dzichitaura mashoko anorwadza nenyaya yavo yekushaya mbereko.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Kiri Mudzamiri


Nyanzvi munyaya dzezvekuita mbereko, uye vachishanda mubazi rehutano, Dr Robert Madzima, vanoti kushaya mbereko mudzimba rave dambudziko guru riri kusangana nevanhu vakawanda munyika izvo zvakapa kuti hurumende iparure chirongwa chitsva chakanangana nevanhu vanoshaya mbereko.

Dr Madzima vanoti bazi ravo harina chirongwa chekuongorora vanhu kuti vanokwanisa here kuita mbereko muzvipatara zvaro, izvo zvinoita kuti pasave nezvinyorwa zvinoratidza kuti vanhu vangani vane dambudziko irori sezvo donzvo rebazi rehutano raiva rakanyanya kunangana nechirongwa chekuronga mhuri chete.

Dr Madzima vanoti kunyange hazvo kuine vamwe vanhu vanozvarwa vasingakwanise kuita mbereko, vazhinji vanoshaya mbereko nemhosva yezvirwere zvepabonde.

Dr Madzima vanoti havasi vakadzi chete vanotadza kuita mbereko. Dr Mudzima vanoti varume vanokwanisa kuita dambudziko iri zvakanyanya, asi vazhinji vavo havade kubuda pachena.

Kubudikidza nekubuda pachena kwakaita Amai Maponga nezvedambudziko rekushaya mbereko, vanoti zviuru nezviuru zvevanhu zvakavachaira runhare musi wavakabuda panhepfenyuro vachitaura nyaya yavo, izvo zvakazoita kuti vatange sangano rinonzi "Hannah’s Tears", iro rinonyaradza vakadzi vanenge vasangana nedambudziko rokushaya mbereko.

Senzira yekugadzirisa dambudziko iri, gurukota rezvehutano, Dr Obediah Moyo, vanoti pane chikwata chevanachiremba vakatumwa nehurumende mhiri kwemakungwa kunodzidzira zvokuuchika vana kuitira kuti vazobatsira vanoshaya mbereko muZimbabwe kuitira kuti vakwanisewo kuita vana vavo.