Bishop Magaya Vorumbidza Kubuda Pachema kwaVaJim Kunaka paMhirizhonga Yavakaita Vari kuZanu PF

Mukuru wesangano reZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancelimo Magaya.

Mukuru wesangano reZimbabwe Divine Destiny, ZDD, Bishop Ancelimo Magaya, vati vanotenda zvikuru nehuchapupu hwakapiwa kukomisheni iri kuongorora mhirizhonga yakaitika mushure mesarudzo nevaimbove mukuru wevechidiki mubato reZanuPF VaJim Kunaka maringe nekurohwa nekupondwa kwakaitwa vatsigiri vemapato aipikisa bato iri.

Vachitaura kuvatapi venhau muHarare, Bishop Magaya vati mashoko akataurwa naVaKunaka anofadza nekuti zvinhu zvisina kumboitwa nevatungamiri veZanuPF kuti vabvume mabasa akaipa avakaitira vatsigiri veMDC.

VaKunaka vaipa huchapupu uhu varipamberi yekomisheni iri kutungamirirwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Mothlante, iyo iri kuongorora nezvemhirizhonga yakaitika musi wa 1 Nyamavhuvhu apo vanhu vatanhatu vairatidzira muHarare vakapfurwa ndokufa.

Bishop Magaya vanoti mhupuro yakaitwa naVaKunaka ichapa mukana wokuti vanhu vakawanda vataure zvakaitika kwavari pamhirizhonga iyi.

Vanoti vanofara nezvakaitwa naVaKunaka chero zvazvo vasina chokwadi kuti dai vasina kudzingwa muZanuPF vaikwanisa kupupura semapupuriro avakaita here.

Bishop Magaya vakurudzira vemakereke kuti vasimuke vatsiure chivi kwete kudya patafura yavanoti yevaipi neyevatongi, nokuti zvinozovatadzisa kuita basa ravakatumwa kuita naMwari.

Vakakurudzirawo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vadzidze kubva kuna VaKunaka kuti vatendeuke uye vabvume zvimwe zvezvinhu zvavanoramba maererano nemhirizhonga yakaitika mugore 2008.

Komisheni iri kuongorora nezvemhirizhonga yemusi wa1 Nyamavhuvhu yakashevedza vanhu vakasiyana siyana avo vane humbowo maringe nezvavakaona musi uyu.

Varatidziri ava vaiva vachitsutsumwa nenyaya yekunonoka kwaivaiti kwaive kwaita Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) kuzivisa zvakanga zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa pamwe nemutevedzi wasachigaro webato iri VaTendai Biti vanotarisirwa kumira pamberi pekomisheni iyi svondo rinouya kuti vapewo huchapupu hwavo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubato reZanu PF kuti vanoti kudii nehuchapupu hwakapiwa naVaKunaka uhwu, uhwo hwunonzi nevamwe hwaisvibisa zita rebato iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Kiri Mudzamiri