Vanhu vanodarika mazana mashanu vanobva kumasangano nemakereke akasiyana siyana, vakaungana muHarare vachikurukura zvavanoshuvira kuhurumende itsva yaVaEmmerson Mnangangwa.
Vachitaura pamusangano uyu, mukuru we Zimbabwe Divine Destiny, VaBishop Ancelimo Magaya, vakati vaiva netarisiro yekuti madzimambo nevatungamiri vekumaruwa vadzikinurwe kuti vagone kushanda vakasununguka vasina bato ravakarerekera.
Baba Douglas Mambure vakati nyika ikashaya vatungamiri vanotya Mwari, inowira kumawere. Vakatiwo makereke anofanira kuva mberi maringe nezviri kuitika munyika nehutungamiri huripo uye nekunamatira Zimbabwe.
Mumwe wevakataura pamusangano uyu, Amai Lydia Nyekete, vakatiwo vanotarisira kuti hurumende itsva yaVaMnangagwa ichaita kuti vanhu vange vakasununguka musarudzo dzegore rinouya.
Amai Nyekete vakatiwo makore ose akapfuura, vanhu vaitya kutaura zvakaipa zvaaitwa nevatungamiri venyika.
VaJoelson Mugari veUnited Citizens Alliance vakati vanoda hurumende yaVaMnangagwa kuti iongorore vatungamiri veZanu PF mudundhu reBuhera Distrist vari kuramba kupa tsamba kune avo vanotsigira mamwe mapato tsamba dzinotaura kuti vagari vemudunhu iri.
VAMoses Muchakana – Chirau vakataura kuti hurumende yaVaMugabe yaivasunga nokudaro vanoda Zimbabwe yakasununguka inoitira munhu zvaanoda kwete kudzvanyirira vanhu.
Ruzhinji rwevanhu vaiva pamusangano uyu vakatsigira zvose zvakataurwa vachiti vanotarisira Zimbabwe itsva isina mhirizhonga.
Your browser doesn’t support HTML5