Vakafanobata chinzvimbo chemukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Kudzai Masunda, vaudza Studio 7 kuti ongooro idzi dziri kuitwa zvakanyanya pachipatara chekanzuru cheCovid-19 cheWilkins nezvimwe.
Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati kupinda mumigwagwa vanhu chiita ruzha nedzimokori, vachirova mabhini kana kuita magungano edzisvondo hazvisi kubvumidzwa.
Meya veHarare, VaJacob Mafume, avo vakamiswa basa neMuvhuro negurukota rinoona nezvematunhu nemadhorobha, VaJuly Moyo, vacharamba vari mutirongo mushure mekunge dare rapamusoro, rasendeka parutivi mutongo waro pamari yechibatiso.
Vakamboshanda naDongozi kuZimbabwe Union of Journalists, uko ashaya ari munyori mukuru wesangano iri, VaMathew Takaona, vaudza Studio7 kuti indasitiri yekuburitswa kwenhau yarasikirwa zvanyanya nekushaya kwaDongozi.
Munyori anoona nezvematunhu MU MDC Alliance, VaSesil Zvidzai, vanoti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka mumaguta nemadhorobha ese munyika nekuti hurumende iri kupindira zvakanyanya MUkufambiswa kwebasa mumakanzuru aya.
Vanowona nezve kufambiswa kwemashoko mubato reMDC Alliance muzvare Fadzayi Mahere votaura nezve mamiriro akaita zvinhu munyika. Vhidhiyo ina Godwin Mangudya.
Munyori anoona nezvematunhu mubato reMDC Alliance, VaSesil Zvidzai, vanoti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka mumaguta nemadhorobha ese munyika nekuti hurumende iri kupindira zvakanyanya mukufambiswa kwebasa mumakanzuru aya. Vhidhiyo ina Godwin Mangudya.
Munyori anoona nezvehutano muMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti hurumende ikoshese nyaya dzehutano pamwe nekugadzira hupfumi kuti vanhu vawane mabasa vaswera vachikorokoza.
Vatori venhau vasangana nhasi muHarare vakaita chisungo chekuti munhu anofanira kudzidzira basa rekutapa nhau asati atanga kuita basa iri sezviri kuitika pari zvino, senzira yekudzivirira kushambadzwa kwenhau dzekunyepa.
Mhuri dzinokwana zana nemakumi matatu nena dziri kupurwa nemvura dziri panze mushure mekunge kanzuru yeHarare yaputsa dzimba dzavo kuBudiriro 5 nemusi weChipiri dzichinzi dzakavakwa zviri kunze kwemutemo.
Mhuri zana nemakumi matatu neina dziri kupurwa nemvura dziri panze mushure mekunge kanzuru yeHarare yaputsa dzimba dzavo kuBudiriro 5 nemusi wechipiri dzichinzi dzakavakwa zviri kunze kwemutemo.Vhidhiyo na Godwin Mangudya.
Munguva yehondo yeChimurenga chekutanga nechipiri, svikiro Nehanda Charwe Nyakasikana raibatanidza vanhu veZimbabwe kurwisa vakange vapamba nyika.
Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, neMuvhiro vakakumbira nhengo dzeparamende kuti dzitaure nebazi rezvemari
Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, nhasi vakumbira nhengo dzeparamende kuti dzitaure nebazi rezvemari kuti riwedzere bazi ravo nemakambani ari pasi pavo mari kuti vakwanise kuita basa ravo vachiti mari yavakapihwa nemubhajeti yegore rinouuya ishoma.
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vabhadhariswa zviuru gumi zvemadhora emuZimbabwe semari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa yekurova mumwe mudzimai.
Meya veHarare, VaJacob Mafume, vari kurara mutirongo kwezuva rechitatu nhasi mushure mekunge majisitereti Bianca Makwande vazivisa kuti vachapa mutongo mangwana wavo pachikumbiro chaVaMufume chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, neChina vakaparura bhejeti renyika regore rinouuya remabhiriyoni mazana mana nemakumi maviri nerimwe zvemadhora emuZimbabwe kana kuti ZW$421 billion
Broadcasting Authority of Zimbabwe (BAZ) yapa marezenisi eterevhizheni matanhatu kumakambani anosanganisira Zimpapers neDaily News nemamwe makambani anonzi akarerekera kuZanu PF.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoti kunyange hazvo Zimbabwe iri kurwisana nedenda ranetsa pasi rese reCovid-19, vanotarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvinomwe nechidimbu kubva muzana gore rinouya.
Huwandu hwevanhu vemuZimbabwe vari kudzidza kuAmerica hwakakwira nezvikamu zviviri nechidumbu kubva muna 2019-2020 uye Zimbabwe ndiyo imwe nyika ine vadzidzi vakawanda kuAmerica kubva kudunhu reSub-Saharan Africa.
Rodhai zvimwe