Hurumende yeAmerica nhasi yashora mauto nemapurisa nekushandisa chisimba chakanyanya pavanhu vairatidzira kusafara nekukwira kwemutengo wemafuta emotokari. America inoti mapurisa nemauto vanifanira kuita basa ravo nehunyanzvi vachiremekedzwao kudzero dzeveruzhinji.
Mukuru wevatongi vedzimhosva munyika, Chief Justice Luke Malaba, nhasi vaparura kushanda kwematare zviri pamutemo gore rino vachiti vanhu vanokwidza nyaya dzavo kumatare neveruzhinji vanofanira kuremekedza mitongo yematare zvisinei nekuti inovafadza here kana kuti kwete.
Vazhinji vanotengesa mafuta edzimotokari vave kutengesa mafuta aya nemadhora ekuAmerica sezvo dambudziko iri riri kuramba richikura, uye magaraji anotengesa mafuta aya nemabhondi ave kuita mazuva asina kuwana mafuta izvo zvave kuita kuti vanhu vapedzewo mazuva vari mumitsetse.
Masangano anomirira vatapi venhau ashora mapurisa eZimbabwe Republica Police nekurova kwaakaita mutori wenhau we263Chat, Costa Nkomo, nezuro apo aiita basa rake.
Baba Cloud Maganga veSt Canisius Church, vaudza vaudza Studio7 kuti musangano wanhasi warongwa mushure mekuona kuti nyaya dzekudhakwa nehwahwa, fodya nezvimwe kwanyaya izvo zvave kukanganisa mugariro wakanaka wevanhu.
Kanzuru yeHarare yazivisa kuti ichatanga kugovera mvura nguva dzakasiyana nekuda kwekuderera kwemvura pamwe nekuwanda kwetsvina munyanza yeLake Chivero.
Mukuru weZDI, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti zvikamu makumi matanhtau nezviviri zvevakabvurudzwa zvinoti mapazi ose ehurumende ane huwori asi huori uhu huri nani mupapazi maviri aya.
Gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, vanoti vanoziva nezvedambudziko iri uye bhanga ravo riri kugadzirisa dambudziko iri.
Mukuru wesangano rinomirira vatori venhau dzemuparamende, reZimbabwe Parliamentary Journalists Forum, Vernanda Langa, anotiwo muparamende muri kugara muine mhirizhonga
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Dr John Mangudya, vaudza paramende kuti munyika mune mafuta emotokari akawanda uye vanhu vanofanira kuashandisa zvine mwero.
Paramende iri kutarisirwa kuzeya zvakabuda muongororo yemhirizhonga yakaita mushure mesarudzo zviri mugwaro rekomisheni yaitungamirwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe.
Nhengo dzeZimbabwe Liberation War Veterans Association idzo dzange dzisingadarike makumi maviri dzamacha kubva paAfrica Unity Square dzakachengetedzwa nemapurisa kuenda kumahofisi emutungamiriri wenyika uko dzatadza kusangana naVaMangangwa sezvo vange vari mudare remakurukota.
Vamwe vatungamiriri kuLupane mudunhu reMatabeleland North province vari kutora matanho ekudzivirira rusarura pakugoverwa kwerubatsiro rwechikafu nezvekurimisa pachishandiswa zvematongerwo enyika.
Mutevedzeri wasachigaro muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaTendai Biti, vapihwa gwaro ravo rekufambisa pamwe nemagwaro emba yavo mushure mekunge dare ratambira chikumbiro chavo chekuti varerutsirrwe zvavakatarirwa nedare kuita apo nyaya yavari kupomerwa inenge ichitongwa.
Boka reZimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, rinoti riri kuronga kupa mvumo kune vanotengesa mafuta emotokari kuti vatengese mafuta aya nemadhora ekuAmerica richiti izvi zvinorerutsa mutoro weReserve Bank of Zimbabwe wekutsvaga mari yekunze yekupa makambani aya.
Sangano remakambani anotengesa mishonga yekurapa vanhu, rePharmaceutical Society of Zimbabwe, rinoti kushaikwa kwemari yekunze ndiko kwave kukonzera kuti vatengese mishonga nemari yekunze kwenyika.
Mukuru weNational Foods, Va Michael Lashbrook, vati kambani yavo iri kutadza kubhadhara mari yekunze kubva kumakambani ekunze kwainotenga gorosi nekudaro makambani aya aizivisa nhasi kuti haikwanisi kuramba ichiwana gorosi.
Sachigaro wekomiti yeparamende inowona nezvezvicherwa vaTemba Mliswa vati vanogona kusiya chigaro chavo nekuda kwezvaitwa nenhengo dzeZanu PF. Nyaya ina Godwin Mangudya.
Nhengo dzeZanu PF nemusi weMuvhuro dzakaramba kuti muzvinabhizinisi, VaNick van Hoogstraten, avo vanove mumwe wevaridzi vekambani yemarasha, yeHwange Colliery, vape humbowo mudare iri.
Vagari vekuMatabeleland South vanoti vanoda kupihwa simba chairo rekutonga dunhu ravo kana kuti Devolution vachiti izvi ndizvo chete zvinoita kuti nzvimbo iyi ibudirire.
Rodhai zvimwe