Dare reConstitutional Court razivisa kuti richanzwa musi 22 Nyamavhuvhu nyaya yakapinzwa mudare iri nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachipikisa kudomwa kwakaitwa mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vakasangana neChitatu nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiratidza kusafara kwavo nemhirizhonga ine chekuita nesarudzo yakaitika muHarare.
Asi rimwe remagweta ari kumirira VaBiti, VaHarrison Nkomo, vati havasi kubvimirana nezviri kutaurwa nemapurisa kuti VaBiti vakasungwa zviri pamutemo vachiti VaBiti vakatorwa nechisimba kubva kuZambia uko vainge vaenda kunotsva hupoteri uye kodzero dzavo dzakambunyikidzwa.
Mutungamiri wePeople’s Democractic Party zvakare vari nhengo yeMDC Alliance, VaTendai Biti, vaudza dare ramajisitireti muHarare kuti vari kumiswa pamberi pedare iri zviri kunze kwemutemo sezvo vakapambwa kuZambia uko vainge vanotsvaga hupoteri svondo rino.
Mutungamiri wePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, vabhadhariswa zviuru zvishanu zvemadhora semari yechibatiso mushure mekumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuburitsa zvakubuda musarudzo dzesvondo rapfuura.
Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga vebato reMDC -T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe votaura nezve sarudzo. Nyaya ina Godwin Mangudya.
Mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti vanotambira mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti vachaumba komisheni ichaongorora mhirizhonga yakasiya vanhu vatanhatu vaurayiwa nemauto nemusi weChitatu. Nyaya ina Godwin Mangudya.
Mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti vanotambira mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti vachaumba komisheni ichaongorora mhirizhonga yakasiya vanhu vatanhatu vaurayiwa nemauto nemusi weChitatu.Nyaya ina Godwin Mangudya.
Studio7 neMedia Center dzabatana muchirongwa chaunganidza vatori vrnhau pamwe neveruzhinji vachikurukura mafambiro akaita sarudzo pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyika.
VaLovemore Madhuku votaura nezve kugadzwa kwemutungamiri wenyika mushure megakava pane zvakabuda musarudzo. VaEmmerson Mnangagwa veZanu PF vanonzi ndivo vakakunda nesangano reZimbabwe Electoral Commission ukuwo VaNelson Chamisa veMDC Alliance vachiti ivo ndivo vakakunda. Nyaya ina Godwin Mangudya.
Vari kuziva zviri kuitika zvakare vari gweta muMDC Alliance, VaJacob Mafume, vaudza Studio 7 kuti MDC Alliance iri kuenda kumatare neMuvhuro kana Chipiri kuitira kuti inopikisa zvakaziviswa neZec.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vakatambira zvakataurwa neZimbabwe Electoral Commission, Zec, zvekuti ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Mutungamiriri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika mushure mekuwana mavhoti 2,460 463, kana kuti 50.8% vachiteverwa naVaNelson Chamisa veMDC Alliance, avo vawana mavhoti 2,147 436 kana kuti 44.3% musarudzo dzakaitwa nemusi weMuvhuro.
MDC Alliance iri kupikisa zvabuda musarudzo idzi uye vatsigiri vayo varatidzira mumigwagwa izvo zvasiya vanhu vatatu vaurayiwa nemapurisa nemauto, mushure mekupfurwa.
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vavhota pachikoro cheSherwood Park pedyo nepurazi ravo kuKwekwe vachiti vanotarisira kuti munyika mucharamba muine runyararo sarudzo dzapera.
Terevhizheni yeZimbabwe Newspapers, yeZimpapers Television Network neVoice of America nezuro manheru dzakabatana pakutsikisa gakava revanhu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiriri wenyika, rainzi “The Elected Debate”.
Nhengo dze Zanu PF dzabuda mumusangano weZimbabwe Electoral Commission, Zec, nemapato ezvematomgerwo enyika wekuzeya mafambisirwo achaitwa sarudzo.
Vasina kuuya vanosanganisira mutungamiriri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF,VaEmmerson Mnangagwa, Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thozozani Khupe, nevamwe.
Vari kukwikwidza kuti vamirire MDC Alliance kuGoromonzi West, VaLuke Tamborinyoka, vanoti mumwe wavo wavari kukukwikwidza naye musarudzo, VaEnergy Mutodi veZanu PF, vadzikisa jego pakutyityidzira vanhu vachishandisa vaimbove varwiri vehondo yerusununguko pamwe nemauto.
Vedzisvondo nemabhizimisi vari kuronga kusangana navose vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika neChina kuArrupe Jesuit University muHarare nechinangwa chekuti varemekedzane pamwe nekuchengetedza runyararo panguva yesarudzo.
Rodhai zvimwe