Mumwe mudzimai akaratidza hushing muHarare apo akasiya vana nemurume achienda kunochengeta vabereki vake vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19.
Nyanzvi dzehutano dzinoti panofanirwa kutsvagwa nzira dzokuona kuti varwere veCovid 19 vaongororwe hutano hwepfungwa dzavo nokuti vazhinji vavo vari kunyanya kushushikana nekudzamisa pfungwa zvakanyanyisa pavanenge vachirwara izvo zvinozopa kuti vaite zvirwere zvepfungwa.
Chipatara cheParirenyatwa chinoti chava kubvumidza munhu mumwe chete kushanyira murwere ari muchipatara ichi senzira yokudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid 19.
Vanhu vakawanda vari kupesana panyaya yekuti vana vari pasi pezera vapihwe mapiritsi ekuronga mhuri pamwe nemishonga yekudzivirira zvirwere zvepabonde.
Vanhu vakawanda vane matenda eHigh Blood Pressure neshuga vari kutadza kuongororwa hutano hwavo pachine nguva zvichikonzerwa nekushaya kwemari yekuAmerica yokuti vaende vavhenekwe hutano hwavo.
Kushaikwa kwemvura munzvimbo dzakawanda munyika kuri kuisa vasope panguva yakaoma sezvo vachipedza nguva yakareba vachipiswa nezuva vakamira mumitsetse pazvibhorani zvemvura.
Nyanzvi yezvehutano hwemaziso, iyo ine ruzivo zvakare nezvezvirwere zvinokonzerwa nevhudzi rekutenga, Dr Solomon Guramatunhu, vanoti vanhu vanofanira kudada nemasikirwo avakaitwa nokuti rimwe vhudzi ravari kurukirira mumisoro yavo rinobva kuzvitunha zvevanhu vanenge vafa nematenda akasiyana siyana.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhukadzi havafaniri kutenga vhudzi revamwe vanhu vachishongedza misoro yavo sezvo vhudzi iri richibatira nyore hutachiwana hunozokonzera zvirwere.
Mutungamiri wesangano rinoona nezvemashandiro evarapi vechivanhu, reZimbabwa National Practitioners Association, ZINPA, VaFriday Chisanyu, vanoti kune varapwa vachiri kuita nharo panyaya yokuzvidzivirira kutapurirwa Covid-19.
Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi kwemakore akawanda uko kwowedzerwawo nenyaya yechirwere cheCovid-19 kwave kusiya vanhu vakawanda munyika kusanganisirawo varairidzi vorwa nechirwere chepfungwa.
Amai Laina George vachitsangura madhuriro anoita oparesheni yekubvisa mapundu egomarara. Amai George vanoti havasisina mari yokuti vaitwe inonzi chemotherapy yekupisa nekuparadza mapundu iwayo Vhidhiyo ina Kiri Mudzamiri.
Apo nyika dzepasi rose dziri kucherechedza mwedzi waGumiguru, unova mwedzi wekucherechedza chirwere chegomarara repazamu, kana kuti Breast Cancer Month, vanhu vakawanda muZimbabwe vanoti havana mari dzinodiwa kuti varapwe chere ichi.
Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvemaziso zvakaita setsanga kana kuti cataract pamwe nechirwere che glaucoma dzinoti zvirwere zviviri izvi ndizvo zviri kunetsa vanhu vakawanda munyika sezvo vasina mari yekuti varapwe zvirwere izvi. Vamwe gogo votaura pamusoro pekurwara kwavo.
VaTendai Murandu vanoti mbuya vavo Gogo Dambudzo Chawonza vanonzi vakanonokerwa kurapwa maziso zvokuti vakakwanisa havo kubvisa mari inosvika chiuru chemadhora kuitira kuti rimwe ziso ravo riparwe tsanga. Asi vanoti hapana mari yokuti ambuya vavo vadzokere kunoitwa oparesheni yerimwe ziso.
Vanhu vakawanda vanoti vari kutadza kurapwa zvirwere zvemazivso sezvo vasina mari yemadhora ekuAmerica inodiwa nenyanzvi dzakazvimirira sezvo kuzvipatara zvehurumende kusina mishina inonyatsoshanda. VaSydney Gopito, vanoti mai vavo, vane tsanga mumaziso ayo asi havana mari yekuti varapwe.
Anemiya chirwere chemuropa chisingataurwe nezvacho nguva zhinji, asi chirwere ichi chiri kuvhiringa hutano nehupenyu hwevanhu vakawanda munyika. Amai Mercy Ching’anga vanoti vakashamiswa pavakaudzwa kuti chirwere chavo chakanga chakomba zvokuti vaifanirwa kuendeswa kuchipatara zvechimbi chimbi.
Mumwe wevanhu vari kutambura nechirwere ichi, ndiGogo Vongai Muhwadzarira avo vane gomarara repazamu. Vanoti vari kugara vaine marwadzo makuru, uye chiremba wavo anoti haaakwanise kupisa chirwere ichi pazamu ravo sezvo vari munhu agara aine chimwe chirwere chemoyo. (Vhidhiyo naKiri Mudzamiri)
Muzvare Imika Muhwadzarira vachitsanangura kurwara kwamai vavo vane gomarara repazamu. (Vhidhiyo ina Kiri Mudzamiri.)
Chirwere chegomarara chiri kuvhiringidza hupenyu hwevanhu vakawanda sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehutano pamwe nehupfumi hwenyika uhwo hwaenda kumawere.
Muimbi ane mukurumbira munyika, Bob “Headmaster” Nyabinde, anoti haachaona zvichitevera kurwara kwenguva yakareba nechirwere cheshuga, asi asingazive kuti aive nechirwere ichi.
Rodhai zvimwe