Bazi rezvehutano rakaparura mushonga mutsva uchapiwa vanhu vari kurarama nehutachiwana hweHIV unonzi Dolutegravir kana kuti DTG muchidimbu.
Sangano rinorwira kodzero dzemhuka, reZimbabwe National Society For the Prevention of Cruelty to Animals rinoti rinoshamiswa kuona vanhu vane mari vachitadza kubaisa imbwa dzavo nhomba kuitira kuti dzisaite chirwere chechimbwamupengo.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti dziri kutyira zvikuru kuti chirwere chechimbwamupengo chichapararira zvakanyanya zvikuru sezvo vanhu vakawanda vari kurumwa nembwa dzisina kubaiwa jekiseni rinodzivirira chirwere ichi.
Kushoropodzwa uku kunoitika zvichitevera kushungurudzwa kuri kuitwa mutungamiri weMDC – T, Muzvare Thokozani Khupe, avo vakaudza vatori venhau, kusanganisira Studio7, kuti ndivo vava panyanga dzeMDC yose.
Vanhukadzi vanorarama nehutachiwana hweHIV vanoti vanoda kuti hurumende ivarapewo pachena chirwere chegomarara repachibereko sezvo vazhinji vavo vasina mabasa uye vamwe vatove shirikadzi.
Nyanzvi munyaya dzehutano dziri kuyambira vagari vemuHarare kuti vanofanirwa kugara vakafashaidza mvura vasati vaishandisa mudzimba sezvo mvura iri kuwanikwa muguta iri, ichikwanisa kuvhiringa hutanho hwavo.
Madzimai akawanda anoti hapana chokupemberera apo Zimbabwe yasvitsa makore makumi matatu nemapfumbamwe yawana kuzvitonga.
Vashandi vanoona nezvehutano kumatunhu eChipinge neChimanimani vanonzi vari kusarurwa panyaya yerubatsiro rwuri kupiwa vanhu vakapona patsaona yedutumupengo kana kuti cyclone Idai, iyo yakaurauya vanhu nekuparadza misha yavo.
Mumwe wevanachiremba ava, Doctor Matthew Wazara, vanoti vanhu vakawanda vari munzvimbo dzakaparadzwa nedutumupengo nemafashamu emvura, havachina mishonga yekupodza kana kunyaradza zvirwere zvinenge shuga, diabetes, ne High Blood Pressure.
Zimbabwe National Family Planning Council yokurudzira vanhu kuti vakurumidze kuita vana kuti vasazoshupike neMbereko.
Vanhu vari kunzi vashaya vaburitswa zviri pamutemo vanosvika mazana maviri nemakumi mashanu nevapfumbamwe. Vanhu vakawanda vanonzi vakayeredzwa nemvura vamwe vakafushirwa pasi pematombo uye vamwe mudzimba dzavo.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti veruzhinji vanofanirwa kuita zvepabonde vakazvidzivirira kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvepabonde, kana kuti Sexually Transmitted Diseases.
Vanhu vakawa munyika vari kurasikirwa nehupenyu nekuda kwezvirwere zvakaita sechegomarara, asi vamwe vanamazvikokota munyaya dzezvehutano vanoti huwandu hwevari kufa nechirwere ichi hunogona kudereredzwa nekudya cikafu chine hutano zvikuru chechinyakare.
Nguva yezororo rekisimusi inguva inoitika tsaona dzemumigwagwa dzakawanda sezvo vanhu vakawanda vanenge vachifamba vachienda kunzvimbo dzakasiyana siyana munyika.
Dambudziko reHIV/AIDS richanetsa kupedza munyika sezvo pachine vamwe vanhu vasiri kuda kuongororwa kuti ropa ravo rine HIV here kana kuti kwete, pamwe nekushaya kunoita vakawanda, izvo zvinozoita kuti vanasikana vatengese miviri yavo.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti panguva iyo mvura iri kunaya, veruzhinji vanofanirwa kungwarira kuitira kuti vasarumwe nenyoka dzinogona kuvhiringa hutano hwavo, kana kufa chaiko.
Zimbabwe yakacherechedza zuva reWorld Aids Day nemusi weMugovera kuGlendale. Mazowe, kuMashonaland Central.
Dambudziko rechirwere chekufungisisa kana kuti depression muChirungu, rinonzi nderimwe rezvikonzero zvinoita kuti huwandu hwevanhu vanotora hupenyu hwavo hukwirenmuZimbabwe pamwe nepasi rose.
Vachitaura kuvatapi venhau muHarare, Bishop Magaya vati mashoko akataurwa naVaKunaka anofadza nekuti zvinhu zvisina kumboitwa nevatungamiri veZanuPF kuti vabvume mabasa akaipa avakaitira vatsigiri veMDC.
Vana chiremba vari kukurudzira vanhurume nevanhukadzi kuti vaende kuzvipatara kunoongororwa nyaya yekushaya kwavo havi yekusangana pabonde, zvinova zvinonzi ndezvimwe zvezvinhu zviri kuparadza michato yakawanda muZimbabwe.
Rodhai zvimwe