Mumiriri weMakonde muNational Assembly uye vari nhengo yeZanu PF, VaKindness Paradza, vanoti ruyamuro rwezvekudya rwave kunonoka kusvika mudunhu ravo zvichienzaniswa apo chirwere cheCoronavirus chisati chave munyika.
Vamwe vagari vemu Chinhoyi votadza kutevedzera kurudziro yehurumende yekuti vagare Mmudzimba senzira yekurwisa chirwere cheCoronavirus. (Vhidhiyo:Nururai Jena.)
Mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Amai Priscilla Makotose, vanoti mapurisa haana zvikwanisiro zvekushanda akazvidzivirira panguva iyo anenge achisangana neveruzhinji mukurwisa kuti Covid-19 isapararire.
Mumiriri weChinhoyi muparamende Dr Peter Matarutse votaura nezve chirwere che coronavirus kana kuti Covid-19.Vhidhiyo ina Nunurai Jena.
Nyaya yehhirwere che Covid -19 yozeyewa.(Vhidhiyo ina Nunurayi JENa.)
Mumiriri we Norton muparamende VaThemba Mliswa vovhunza nezve Covid-19. (Vhidhiyo: Nunurai Jena.)
Vatenderi vechiKristu pasi rose vanoremekedza zuva reGood Friday, senzira yekurangarira kuurayiwa kwaJesu Kristu, uyo akafa nemusi weChishanu, akazomuka nemusi weSvondo, zuva rinorangarirwa seEaster Sunday.
Mapurisa emu Chinhoyi nhasi ange achinetsa vanhu pama road blocks vange vachida kupinda muguta. (Vhidhiyo: Nunurai Jena.)
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCoronavirus munyika hwasvika pavanhu gumi nemumwe chete zvichitevera kubatwa kwemumwe mudzimai nechirwere ichi uyo akanga ashanyira kuBritain masvondo maviri apfuura, pamwe nemurume akashaya kuBulawayo mukupera kwesvondo.
Vamwe vagari veku Mashonaland West vochemachema nekukwira kwemitengo yezvinhu muzvitoro.(Vhidhiyo: Nunurai Jena.)
Vamwe vagari vekumaruwa mudunhu reMashonaland West vanoti kunyange hazvo vari kuedza kutevedzera zviri kukurudzirwa senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCoronavirus, vanoti nzara ndiyo yave kuvaburitsa mudzimba dzavo.
Zimbabwe yakatara mazuva makumi maviri nerimwe ekuti vanhu vagare mudzimba dzavo senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi. Mapurisa emuChinhoyi nhasi vange vachi vhunzurudza vanhu vange vari kufamba famba mutua iri. Vhidhiyo ina Nunurai Jena uyo ambosungwa nemapurisa paanga achitora nhau.
Asi mukuru weChinhoyi University of Technology, Muzvinafundo Jambwa Simbi, vati basa rekugadzira mamasiki riri kudzoserwa kumashure nekushaikwa kwemagetsi nguva dzakawanda.
Mutauriri weCUT VaMusekiwa Tapera vanoti vari kugadzira mamasks anopfuura zviuru zvitatu pazuva.Vhidhiyo ina Nunurai Jena.
Mukuru wepachikoro chikuru cheCUT icho chiri kugadzira mamasks ekudzivirira chirwere cheCoronavirus vanoti vari kuita dambudziko rekushaya magetsi nguva dzakawanda. Vhidhiyo ina Nunurai Jena.
Vashandi nevadzidzi vepachikoro chikuru cheChinhoyi University of Technology vachigadzisa mamask ekudzivirira hutachiona hweCoronavirus. Vhidhiyo ina Nunurai Jena.
Mushure mekunge vanhu vanomwe vabatawa nechirwere checoronavirus munyika uye mumwe chete achibva ashaya neMuvhuro svondo rapera vanhu kutanga mangwana vanenge vomanikidzwa kugara mumba kana vasina basa rakakosha ravari kuita.
Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapiriranwa mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Gift Masoja, vanoti vari kushushikana zvikuru nevemabhawa vachiri kuvhura nguva dzemanheru uye vane hurongwa hwekubvisa vanotengesa mumigwagwa.
Veruzhinji voziviswa nezve chirwere checoronavirus muChinhoyi asi vamwe vachichema chema kuti motokari yange ichishandiswa yange isiri yemapurisa, yange yakango iswa jira remapurisa kumashure. Studio7 harina kukwnisa kunzwa divi nemapurisa panyaya iyi. (Vhidhiyo Nunurai Jena.)
Sangano rinoona nezvesarudzo munyika rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN riri kukurudzira kuti sarudzo dzimbomira kuitwa munyika kusvika dambudziko rechirwere checoronavirus ichi charura pasi rose ragadziriswa.
Rodhai zvimwe