Rimwe remagweta ari kumirira Dr. Magombeyi, VaAlec Muchadehama, vaudza Studio7 kuti chikonzi hachisati chasvitsa mapepa aturwa nedare kuitira kuti Dr. Magombeyi varegedzwe vachibuda muchipatara mavari.
MDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa iri kuita musangano wayo nemusi weMugovera mu Rufaro Satdium, ichipemberera kusvitsa kwayo makore makumi maviri kubva zvayaumbwa muna Gunyana 1999.
Magweta ari kumirira vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Gabriel Magombeyi, anoti aenda kudare redzimhosva kuitira kuti ripe mumwe mutongo unorambidza mapurisa kuchengetedza Dr Magombeyi.
Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu rinoti riri kufara kuti vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Gabriel Magombeyi, vakawanikwa vari mupenyu neChina manheru.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, Va Dewa Mavhinga, vanoti ibasa rehurumende rekuona kuti kodzero dzemunhu wese dzachengetedzwa.
Ishe wedzinza rekwaMugabe, Ishe Katizagombo, vanoti mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ucharadzikwa kuHeroes Acre mushure mekunge wamboendeswa kwaZvimba kwaKutama, sezvinotarisirwa kuitwa pachivanhu.
Muzukuru mukuru wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, anoti semhuri wakawirirana kuti mutumbi wasekuru wavo uchaivigwa nehama dzavo pahurongwa husina hurumende.
Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Diaspora for Democracy, VaCharles Mutama, vanoti vanorwadzikana zvikuru nekushungurudzwa kwavakaitwa nehurumende yaVaMugabe.
Sangano reZimbabwe Election Support Network rinoti ratumira vaongori varo munzvimbo dzanga dzichitirwa sarudzo dzematunhu maviri eGlen View South muHarare, neMangwe kuMasvingo, uye sarudzo dzekutsvaga kanzura weMasvingo Rural District – Ward 1.
Hama dzevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakashaya nezuro kuSingapore kwavanga vachirapwa, vanoti havafi vakaregerera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nepamusana pemabvisiro avakaita VaMugabe pachigaro.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vatiwo sebato vari kushushikana nekuenda kwamupfiga nembwe kwaita VaMugabe.
Pane mashoko ekuti pane chizvarwa cheZimbabwe chimwe chete chafa mumhirizhonga iyi, uye zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinonzi zvapotera ku Soshanguwe, nzvimbo iri mudunhu reGauteng.
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vashora zvikuru mhizhonga iri kuitika munyika mavo, vakati vachaita musangano negurukota rezvemapurisa, Va Bheki Cele, kuti patsvagwe nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri we ZHDA, Doctor Peter Magombeyi, vanoti vana chiremba havasi kuramwa basa asi kuti havana mari yekuti vaende kumabasa sezvo zvinhu zvakawanda zvakwira mitengo yazvo.
Mutungamiriri wesangano reInternational Cross Border Traders Association kana kuti I-C-T-A, VaDennis Juru, vanoti South Africa inofanirwa kuona kuti yachengetedza kodzero dzevatyairi vemarhori vasiri zvizvarwa zvemunyika iyi.
Nhengo nomwe dzesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, Artuz, idzo dzakaramba nemusi weChishanu kubvisa faindi pamhosva yadziri kupomerwa nemapurisa, dzakamiswa nemusi weMugovera pamberi pedare ramajisitireti muHarare.
Vachinyora mugwaro ravatumira kumasangano enhau, mukuru wezvirongwa zvemuAfrica musangano iri, Va Jon Temin, vanoti kumbunyikidzwa kuri kuitwa vanhu muZimbabwe, kunotyora kodzero dzavo dzekuungana, pamwe nekutaura vakasununguka.
Dare redzimhosva raramba kutambira chikumbiro chemagweta ari kumirira murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso, kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekutadza kumisa misangano yekuratidzira iyo yakarambidzwa nemapurisa.
Sangano reAmalgmated Rural Teachers Union of Zimbabwe, Artuz, rinoti richange rakapfeka mbatya nhema musi unotambira varairidzi mari dzavo mwedzi wega wega senzira yekuratidzisa kuchema kwaro rufu rwemihoro yevarairidzi.
Rodhai zvimwe