Mapurisa akarambidza zvakare MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa kuratidzira kwayanga yakaronga kuita muguta reGweru nemusi weChipiri pamwe neMasvingo musi weChitatu.
Sachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Thabitha Khumalo, pamwe nevamwe vatsigiri vebato ravo vatanhatu, vasunga neMugovera nemapurisa muBulawayo.
Mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kutora chigaro chasachigaro wekomiti yeSADC inoona nezvematongerwo enyika, pamwe nekugadzikana kwedunhu iri.
Mutungamiri weZimbabwe Devine Destiny, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti pasi pebumbiro remitemo yenyika, mapurisa haana masimba ekurambidza vanhu kuratidzira.
Sachigaro wevechidiki mubato reMDC, Va Tererai Obey Sithole, vanoti vachange vaine vanhu vachange vachichengetedza runyararo kuitira kuti kuratidzira uku kusaite mhirizhonga.
Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari nhengo yeZanu PF, VaEnergy Mutodi, vanoti hurumende haasi kuzopeta maoko ichisiya MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa ichiita mhirizhonga munyika kuburikidza nekuratidzira kwairi kuda kuita nemusi weChishanu.
Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vanoti kuratidzira kwavo kuchaitwa murunyararo sezvo vagara vari bato rinoremekedza mitemo yenyika.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vamisa basa gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, vachivapomera mhosva yekuita zvinhu zvisingatarisirwe kunge zvichiitwa negurukota
Hurumende yanyorerana chibvumirano neimwe kambani yekunze kwenyika kuitira kuti ibatsirwe mukutengesa marasha kunyika dzakaita seIndia neJapan.
VaItai Dzamara vaive mutori wenhau akasiya basa rekutora nhau achiti ava kurwira kodzero dzevanhu kudzamara hurumende yeZanu PF, pamwe nemutungamiri wayo panguva iyi, VaRobert Mugabe, vasiya basa.
Mukuru webazi rinoongorora kufambiswa kwesarudzo muZesn, Va Ian Goredema, vanoti by election yekuLupane East yaitwa murunyararo, uye sangano ravo rafara nemabatirwo aiitwa basa neZimbabwe Electoral Commission.
Mutevedzeri wemunyori wezvekutongwa kwematunhu nemaguta mu MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaClifford Hlatywayo, vanoti havaoni hurumende ichigadza komisheni yekuti ifambise mabasa eguta reBulawayo
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti musangano wavo wabuda nezvisungo zvekuti vatore uye kuzadzisa mukurwira kodzero dzemushandi.
Sachigaro vedunhu iri, VaTawanda Dzvokora, vanoti chinangwa chavo ndechekuudza pasi rose kuti hurumende iri muZimbabwe inotyora kodzero dzevanhu vayo.
Murongi wezvirongwa muchikwata cheZimbabwe Netball, VaFarai Gore, vanoti vari kutarisira kuti chikwata chavo chichakunda neSvondo apo chiri kutamba neNorthen Ireland.
Guta reBulawayo rinoti harizi kuzosiya zvivakwa zvaro zvichitorwa nekambani yeZesa iyo inogadzira magetsi munyika.
Mukuru wezvirongwa musangano re Zimbabwe Network for Social Justice, Va Tendai Rueben Mbofana, vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyika, hurumende inofanirwa kuongorora zvakadzama kuti vanhu vangani vangaende kunotsigira nekubatsira chikwata chenyika.
Chikwata ichi chinonzi chaitira gadziriro yacho munhandare yeNadi Sikha Al Hadid muCairo kuEgypt, uko kuri kuitirwa mitambo yeAfcon gore rino.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari mukuru wesangano ravana chipangamazano, re Labour and Economic Research Instistute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti mari yemunyika ive nechiremera.
Mhosva iri kupomerwa mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, yatadza kunzwikwa mudare neMugovera, sezvo magwaro enyaya iri kupomerwa VaMasaraure, anga asiri mudare.
Rodhai zvimwe