America inoti haina chinangwa chekuchinja hurumende yemuZimbabwe asi kuti inoda chete kuti hurumende yeZanu PF itevedzere hutongi hwejekerere pamwe nekuremekedza kodzero dzemunhu wese ari munyika.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kuita izvozvi musangano wepadandemutande achigunun’una nekuvandudzwa kwakaitwa bumbiro remitemo yenyika.
Sangano reEuropean Union rinoti harisi kufara nekushungurudzwa kunoitwa vatori venhau muZimbabwe.
Vatori venhau neMuvhuro vakacherechedza zuva rekuremekedzwa kwekodzero dzavo kana kuti World Press Freedom Day vachichema chema kuti makore makumi matatu mushure mechibvumirano chekuWindoek Declaration vachiri kushanda vakamanikidzika munyika.
MDC T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzoro inoita musangano kudunhu reMatabeleland wekuzivisana nevatsigiri vayo pamwe nekuzeya nzira dzekuwedzera mavhoti mudunhu iri kuitira kuti panozoitwa sarudzo, bato iri rinenge riine vatsigiri vakawanda.
Vemabhizinesi vaparura chirongwa chekubaya vanhu nhomba vachishanda pamwe chete nehurumende nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti kuvandudzwa kwebumbiro remutemo kwakabudirira muNational Assembly nezuro kunodzorera shure hutongi hwejekerere pamwe nezvakasarudzwa nevanhu pavakaumba bumbiro remitemo yenyika rakatanga kushanda muna 2013.
Mhuri yeZimbabwe nemusi weSvondo yakapemberera makore makumi mana nerimwe yawana kuzvitonga kuzere mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti zvinhu zviri kufamba negwara kunyangwe hazvo vamwe vakawanda vari kuti vari kunonga svosve nemuromo.
Sangano reWorld Health Organisation, WHO,rinoti nhomba dziri kushandiswa muZimbabwe dzakagadzirwa kuChina hadzisati dzatambirwa nesangano iri zviri [amuteno kuitira kuti dzishandiswe neveruzhinji mukudzivirira chirwere cheCovid-19.
Vabereki nevadzidzisi vokurudzira hurumende kuti igadzirise nyaya yemihoro yevashandi vehurumende kusanganisira varairidzi vachiti izvi zvikasaitwa zvinokanganisa zvakanyanya dzidzo yevana.
Vachitaura kumhemberero yebepanhau reDaily News rekusvitsa makore gumi mushure mekumbovharwa, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa, vati vatori venhau vanofanirwa kubatsira hurumende mukuona kuti nyika yabudirira huye kubatana.
Veruzhinji vari kurumbidza nhepfenyuro yeStudio7 nekusvitsa kwayaita nhasi makore gumi nemasere ichitepfenyura zvirongwa zveShona neNdebele, mushure mekung chirongwa cheChirungu chatanga musi waNdira 27, 2003.
Paramende yazivisa nhasi kuti yakatambira tsamba kubva kubato rePeople’s Democratic Party (PDP) richivazivisa kuti pane nhengo dzaro sere dzinosanganisira mumiriri weHarare East, VaTendai Biti, dzinofanira kudzingwa muparamende sezvo dzisisamirire zvido zvebato iri.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vatambira nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 dzinosvika zviuru mazana mana kubva kuChina.
Mutungamiriri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vatiwo zuva ranhasi rinopa veruzhinji mukana wekurangarira rwendo rwafambwa neavo vari kurwira shanduko munyika. VaChamisa vakarurudzira kuti vanhu vabatane mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.(Vhidhiyo: Rutendo Mawere)
Masangano ezvematongerwo enyika, machechi pamwe neanorwira kodzero dzevanhu anoungana muHarare pasi peSave Zimbabwe Campaign achirangarira kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakaitika muna 2007.
Mudzimai waVaDzamara, Amai Sheffra Dzamara, vaudza Studio 7 kuti vanorwadzikana zvikuru nekureba kwenguva vasina ruzivo rwekuti zvii zvakaitika kumurume wavo.
Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nedzimwe nyika pasi rese mukucherechedza zuva remadzimai kana kuti International Womens Day, vazhinji vachikurudzira kupiwa kwemikana yakaenzana munyika pazvigaro zvehutungamiriri.
Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wePolitburo, mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati kusiya basa kwaVaMohadi hakusi kuzokanganisa chigaro chavo mubato reZanuPF.
Sangano reAfrica Centers for Disease Control and Prevention rinoti chinangwa charo ndechekuti vanhu vose vari muAfrica vanodarika bhiriyoni rimwe chete nemazana maviri emamiriyoni vabayiwe nhomba yeCovid-19.
Rodhai zvimwe