Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakarerutsa mimwe mitemo yaiva yakaiswa kudzivirira chirwere cheCovid 19 asi zvimwe zvakadai sezvikoro nemabhawa zvicharamba zvakavharwa.
Mukuru weMisa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati gwaro ravakabudisa nezuro rinoratidza kuti mugore ra2020 vatori venhau nenhau dzemifananidzo vanosvika makumi mashanu nevaviri vakashungurudzwa zvichienzanisa nemakumi maviri nevanomwe vakashungurudzwa muna 2019
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti vari kutarisira kuti vanhu vatange kubayiwa vhiki rino nhomba yeCovid-19 yasvika munyika nhasi kubva kuChina.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga nhasi vatambira nhomba yeCovid-19 panhandere yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport.
Vanhu vakawanda munyika vabatana mukurangarira vaimbova mutungamiri wehurumende mushakabvu Morgan Tsvangirai avo vakavawo mutungamiri wekutanga webato guru rinopikisa reMDC
Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti hurongwa hwakaburitswa nehurumende hauna kukwana.
Vanga vari mumiriri weZimbabwe kuMozambique, Retired Lt. General Douglas Nyikayaramba, vashaya nechirwere cheCovid-19.
Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatzwayo, vati hurumende inofanirwa kubuda pachena kuti ichafambisa seyi hurongwa hwekubaya vanhu nhomba uye kuti nhomba idzi dzinenge dziri dzimishonga ipi, uye yakagadzirwa nemakambani api.
Vamwe vevaziviswa kuti vashaya nekuda kwechirwere cheCovid 19 mutongi Justice Clement Phiri, mutungamiriri weConsumer Council of Zimbabwe, Amai Rosemary Siyachitema uyewo vaimbova mutevedzeri wegurukota rezveminda vakambomirira Mbare mudare reparamende VaTendai Savanhu.
Zimbabwe iri kuramba iri pasi zvichienzaniswa nedzimwe nyika munyaya yekurwisa huori mumapazi ehurumende.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita musangano padandemudande vachitenda vanhu vose vari kushanda panguva ino nyika yakatarisana nedenda reCovid-19.
Sangano reHealth Services Board rinoti vashandi vezvehutano vari pasi pemazana mashanu ndivo chete vapiwa mari inopiwa vashandi vezvehutano vanobatwa neCovid-19 kunyangwe hazvo vamwe vari mubazi rezvehutano vachiti hurongwa hwehurumende uhwu hauna kubudiswa pachena kune vashandi vese.
Vashandi vehurumende vanoti vari kutambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende rekuti chikamu chevashandi vashoma shoma vaende kumabasa munguva ino yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira vanhu kuti vasangonwe, kuputa kana kunatira mimwe mishonga pasina ongororo yakadzama kuti zvinobatsira kana vachinge vabatwa nechirwere cheCovid-19.
Vakafanobata chigaro chemeya weHarare, VaStewart Mutizwa, vati zviri pachena kuti guta reHarare ndiro ranyanyovhiringwa nechirwere ichi, nekudaro vanhu ngavagare mudzimba sezvakataurwa nehurumende senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Mutauriri weJudicial Services Commission, Muzvare Rumbidzai Takawira, vati kunyange hazvo matare anenge akavhurwa panguva iyi, haakwanisi kuita mabasa awo sezvinotarisirwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe zvipingaidzo.
Apo vanhu vari kukurudzirwa kuti vatange kugara mumba kutanga mangwana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti vangwarire kutapurirwa chirwere sezvo parizvino vanhu vari kuvhenekwa vachiri vashoma.
Mumwe mugari wemuHarare, VaVictor Ndlovu, vati makore ese vanosimboenda kumusha kuzororo regore dzva, asi rwendo rwuno vatamba zuva ranhasi vari pamba pavo vachiremekedza zvakataurwa nemapurisa kuti vanhu vasaungane.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira veruzhinji kuti vagare vakangwarira kusatapurirana chirwere cheCovid-19 munguva ino yezororo rekisimusi negore idzva.
Apo Zimbabwe iri kupemberera zuva rekubatana (Unity Day) nyanzvi munyaya dzerunyararo nekubatana dzinoti nyika ichine rwendo rwurefu mukuwana runyararo nekubatana kwechokwadi.
Rodhai zvimwe