Mumiriri weICTA pabhodha re Beit Bridge, VaMutemi, vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvisati zvachinja kubva zvazarura South Africa divi rayo rebhodha iri, vachiti kuramba kweZimbabwe yakavhara divi rayo rebhodha kwave kuremera vanhu vazhinji vemuZimbabwe.
VaMnangagwa vakati senzira yekutenda zvakaitirwa nyika naMwari, vari kukoka rwendo rwuno vana vese veZimbabwe kuti vapinde mumusangano wekutenda Mwari uchaitirwa kuState House nenguva dza 10 mangwanani anhasi kusvika nguva ya 1 masikati.
Mumazuva manomwe kubva zvapfurwa vanhu vasere muguta reAtlanta nemusi weChipiri svondo rapera, pakaita dzimwe nzvimbo nomwe dzakapfurwa vanhu vazhinji.
Mugore ra 2020, vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vanonzi vakatumira mari inopfuura bhiriyoni rimwe chete nemamiriyoni maviri emadhora ekuAmerica, (US$1,002 million).
Muchuchisi wehurumende, VaMichael Sherwin, vanoti pane humbowo hunotsigira kupomera vanhu ava mhosva yekuda kukudubura hurumende zvechisimb.
Doctor Zhou vanoti chimwe chichemo chaendeswa kuhurumende ndechokuti hurumende ibvume kuti munguva yedzidzo yasara gore rino, padzidzwe kwematemu maviri kwete matatu, vachiti izvi zvinopa varairidzi nguva yakakwana yekudzidzisa uye yekuzokwanisa kunyoresa vana bvunzo.
Huwandu hwevana vari kusvika pamuganhu weAmerica neMexico vari vega huri kukwira zuva nezuva, izvo zvave kukonzera kuti vamwe vati pava nedambudziko guru.
Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri we MDC-T apo yaitungamirwa naMuzvare Thokozane Khupe, VaObert Gutu, vanoti vakatora danho rekupinda muZanu PF pachavo pasina kumanikidzwa.
Dare remakurukota rakabuda nechisungo nezuro chekuti hurumende ideredze huwandu hwevanhu vari kupika mumajeri kuburikidza nekukurumidza kuburitsa mujeri vasungwa vanenge vapika zvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana zvemitongo yavakapihwa.
Chiremba mukuru muAmerica anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa, Dr Anthony Fauci, vakurudzira vaimbove mutungamiri we America, VaDonald Trump, kuti vakurudzire vatsigiri vavo kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira chirwere che Covid-19.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vakurudzira mhuri yeAmerica kuti ibatane navo mukurwisana nedenda reCovid-19 vachiti pasvika America mukurwisana kwayo neCovid-19 hapachakwanisi kudzokera kumashure.
Huwandu hwemhirizhonga yemudzimba yakanangana nemadzimai nevasikana hunonzi huri kuramba huchikwira muZimbabwe.
Bazi reUnited Nations rinoona nezvechikafu pasi rose, reWORLD Food Program, (WFP), rawedzera nguva yechirongwa chayo chekubatsira vanhu nechikafu muZimbabwe.
Nhengo dzedare iri makumi manomwe dzakavhota dzichitsigira VaGarland, ukuwo nhengo makumi matatu dzikavhota dzichipikisa.
Kusarudzwa kwevanhu vachanzwa kutongwa kwemhosva iri kupomerwa Derek Chauvin, mupurisa anonzi akauraya gore rapera munhu mutema muAmerica, VaGeorge Floyd, kwakatanga muguta reMinneapolis nezuro, Chipiri.
Hurumende yakazivisa zviri pamutemo nemusi weChipiri kuti yachinja mamwe mazwi ari mumutemo, kana kuti Statutory Instrument 50 yegore ra2021, pamusoro pesora rinorimwa munzvimbo yeChilonga kuChiredzi.
Sangano reHuman Rights Watch rinoti ratora nyaya yevanhu veChilonga iyi rikaiisa pamusoro penyaya dzairi kufambira.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vadoma madzimai maviri emumauto kuti vakwiridzirwe kusvika pakupiwa nyembe dze Four Star.
Rodhai zvimwe