Kwemwedzi mishoma yapfuura, huwandu hwembavha dzakapakata pfuti dzichipinda mudzimba dzevanhu dzichitora mari yakawanda zvikuru pamwe nekuuraya vanhu huri kuwedzera, izvo zvakonzera mapurisa kuti ayambire vanhu kuti vasachengeta mari mudzimba dzavo kana kunzvimbo dzekubasa.
VaTutu vakaudza Archibishop Makgoba kuti kana vafa, vanoda kupiswa uye madota avo agochengeterwa mukereke iyi.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nemudzimai wavo, Amai Jill Biden, vanoti varwadziwa zvikuru kunzwa nezvekufa kwaArchibishop Desmond Tutu, vachiti VaTutu vanga vari muranda wamwari uye muranda nevanhu.
Sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau, reMedia Institute of Southern Africa - Zimbabwe (MISA Zimbabwe) riri kupemberera kusvitsa kwaro makore makumi maviri nemashanu richishanda munyika.
Mutungamiri weZIMTA, VaRichard Gundani, vaudza Studio 7 kuti vana vechikoro vanofanirwa kupiwa zvikamu zvavo zvemushonga wenhomba uye zvikoro zvinofanirwa kupiwa zvikwanisiro zvose zvinodikanwa, vachiti chirwere ichi chavakupararira kubva muzvikoro chichiendeswa kumisha nevana vechikoro.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCrisis In Zimbabwe Coalition, rinoti vatsigiri varo vakarohwa vari mumusangano wavo mune imwe hotera muBulawayo.
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nezuro vakazivisa kuti vakabatwa nechirwere cheCovid-19.
Bazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, reState Department, rinoti ongoro yarakaita inoratidza kuti zvunhu zvikuru zvinodiwa zvinosanganisa kudzivirira hutongi hwehumbimbindoga, kurwisa huori nekukurudzira kuremekedza kodzero dzevanhu.
Sangano reInstitute for Public Relations And Communication Zimbabwe (IPRCZ) rinoti nhengo dzaro dzirikunetswa nevamwe vatori venhau varikuda kubhadharwa mari yechiokomuhomwe kuti vasanyora zvunhu zvisina kunaka pamusoro pemakambani avanoshandira.
Bazi rinoona nezvehutano muAmerica, reCenter for Desease Control and Prevention (CDC) rinoti America yava nevanhu vaviri vane hutachiwana hweCovid-19 hwemhando yeOmicron.
Sangano rinoona nezvesarudzo rakazvimiririra reElection Resource Center (ERC) rinoti pose panoitwa sarudzo panofanirwa kutarisiswa kuti zvinochinjwa zvichinjwe kuitira kuti sarudzo dzinotevera dzigofamba zvakanaka.
Hurumende yeSouth Africa inonzi irikuda kudzika mutemo unosungira vatyairi vekune dzimwe nyika vose vanoshanda muSouth Africa kuti vatore marezenisi ekutyaira dzimotikari emu South Africa.
Hurumende inoti vose vanosvika munyika vachavhenekwa uye vachagariswa kure nevamwe, kana kuti quarantine, vachizvibhadharira kuvhenekwa nepavanogara kwemasvondo maviri.
Mumwe wevakapiwa mubairo wekurwira kodzero dzevanhu, we“Women of Courage Award”, Doctor Rita Nyampinga, vanoti pane basa rakawanda rinofanirwa kuitwa mukurwira nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu sezvo hurumende ichiedza kuwomesa mashandiro emasangano akazvimirira anobatsira vanhu munyika.
Nemusi weChipiri, dare ramajesitiriti muBindura, rakaramba chikumbiro chemumwe murume chekuti nyaya yake inonzwikwa nedare reConstitutional Court richiti nyaya yake ichanzwikwa mudare iri.
Bazi rezvedzidzo yepasi riri kushora zvikuru mamwe masangano evarairidzi nekuramwa mabasa kwaari kuita panguva yekunyora bvunzo.
Sangano rinomirira varimisi, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association (ZAPTA) rinoti haritambiri zvataurwa nemunyori mubazi rinoona nezvemari, zvokuti gore rino hurumende haisikupa vashandi mavhocha ne ma’hamper’’.
Dare rereHigh Court, rakapa mutongo wekuti vana baba vanenge vaita vana kunze kwemuchato vanokwanisa kuvatorera magwaro ekuzvarwa, kana kuti mabirth certificates, kubva kuhofisi yamabharani mukuru wehurumende, kana kuti Registrar General.
Sangano rakaumbwa nevechidiki kuti rikurudzire pamwe nekubatsira vechidiki kunyoresa kuvhota, reProject Vote 263, rinoti rava nemwedzi mishanu richibatsira vechidiki kuti vanyorese kuvhota, richiti kusvika parizvino, rakwanisa kunyoresa vechidiki vanopfuura zviuru zvinomwe.
Asi sachigaro veMDC Alliance mudunhu reAmerica, VaTawanda Dzvokora vanoti VaMnangagwa varikuedza kuzvichenura pamberi paVaBoris Johnson nevatungamiri vedzimwe nyika
Rodhai zvimwe