Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro apo riri kupomera hurumende mhosva yekuda kuvarambidza kurova bembera nezvenyaya iyi.
Bhiri iri, iro rinodiwa nevatsigiri vebato reRepublican Party, richawomesera vanhu vazhinji pakuvhota.
Gakava pakati pemapato anopikisa, eMDC-T, inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, neMDC Alliance, inotingamirirwa naVaNelson Chamisa, ririkuenderera mberi, mapato aya achipomerana mhosva nekushorana.
Nyanzvi dzezvehutano muSouth Africa dzinoti dzawana imwe mhando yeCoronavirus ine hukasha uye inopararira nyore, ichikurumidza kuvhiringa mumuviri wemunhu anenge aibata.
Rimwe sangano rinomirira vashandi vari pasi pebazi rezvekurima, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association, (ZAPTA), rinoti nhengo dzaro hadzisati dzapiwa mari mushure mekupedza basa muna Kubvumbi.
Mapato anopikisa maviri, eMDC-T neMDC Alliance, atanga zvekare kukandirana makobvu nematete achirwira zita rekuti MDC Alliance.
Nyanzvi munyaya dze zvehupfumi, Amai Chenai Mutambasere, vanoti mari iyi haina kufanana nemari inongopihwa nyika nguva dzose dzose, vachiti mari iyi ine mafambisiro ainofanirwa kuitwa.
Hurumende yakazivisa nezuro kuti zvikoro zvichavhurwa musi wa 30 Nyamavhuvhu kuti vadzidzi vanyore bvunzo, vamwe vadzidzi vose vachizotanga chikoro musi wa 6 Gunyana.
Nhomba yeCovid-19 yakagadzirwa nePfizer ndiyo yekutanga kuongororwa nekupihwa rezenisi rekuti ishandiswe pavanhu.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vanoti pane hurukuro dziri kuitwa dzekuti mauto eAmerica arambe ari muAfghanistan kupfuura zuva rakanga ratarwa.
Bazi redzidzo yepasi rinoti harizivi kuti zvikoro zvichavhurwa riinhi, uye rinoti richanzwa kubva kumapoka ane chekuita nedzidzo kuti rotevera gwara ripi panyaya yenguva yekudzidza yasara kana zvikoro zvichinge zvazobudirira kuvhurwa.
Sangano revakuru vemakereke, reZimbabwe Heads of Christian Denominations rinoti harisi kunzwisisa kuti sei pasina ati asungwa pamusoro pekufa kwemwanasikana, Memory Machaya, mushure memazuva mana mapurisa aziva nezvenyaya iyi, uye kuzivawo mazita evanhu vane chekuita nenyaya iyi.
Mufundisi Makayi vanoti nyaya yema’uniform’ yavekuparadzanisa vatendi vanofanirwa kushandisa nguva yavo vachirumbidza nekunamata Mwari vakabatana.
Bhiri remitemo yepamasaisai kana kuti Cybersecurity and Data Protection rakadzorerwa kudare reSeneti zvichinzi pane zvimwe zvakakanganisiwa zvinofanirwa kugadziriswa.
Zvichitevera mhinduro yakapiwa naMufundisi Oliver Mandisodza kumutereri, Clever Chokuda, pamusoro pen’anga, vamwe vatereri vakapindavo munyaya iyi.
Chokuda anoti, takatarisa izvi, sei vemakereke vachituka nekuseka n’anga vachiti n’anga dzinoshandiswa nemweya yakaipa asi, nedzimwe nguva, n’anga idzi dzichibatsira vanhu zvatinoona nemaziso edu.
VaBlinken vanoti ruzivo rwechokwadi runobudiswa nevatori venhau runobatsira mukuvaka hurumende dzejekerere, vachitizve vanokurudzira hurumende dzepasi pose kuti dzichengetedze vatori venhau uye kuti dzione kuti vanoita basa ravo pasina njodzi.
VaRaab vanoti VaTagwirei vatemerwa zvirango izvi nemhaka yehuori, vachiti VaTagwirei ndivo vakakonzera kuti mari yeZimbabwe irasikirwe nehuremu, izvo zvakazokonzera kukwidzwa kwemitengo yezvinhu, zvakaita sezvekudya, izvo zvirikuomesera vanhu muZimbabwe.
Vamwe vanoti kupisa vafi haisi tsika yechiKristu, vamwe vachiti hazvina mhosva. Mufundisi Doctor David Simango vanopindura mubvunzo uyu wabva kune umwe mutereri, vachitsanangura pamire chiKristu panyaya iyi.
Rodhai zvimwe