Mutungamiri weZimbabwe Union of Drivers and Conductors, VaFredrick Maguramhinga, vaudza Studio 7 kuti nyaya huru apa ndeyekuchengetedza hupenyu hwevanhu, kunyange hazvo sangano ravo richiremekedza mitongo yematare.
VaMagaya vati sangano ravo richaferefeta vanhu varikubvunzurudzwa ava rigoendesa zvarinenge rawana kuJudicial Services Commission kuti komishini iyi igoona zvekuita.
VaZuma vakabva pamuzinda wayo kuNkandla mudunhu reKwaZulu Natal nezuro manheru vachiperekedzwa nezvikakarara zvemotokari vachinozviisa mumaoko emapurisa kuitira kuti vatange kupika jeri pamhosva yavakawanikwa vainayo.
Dr Madzorera vanoti hurumende iri kuedza kudzikisa huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi asi vachiti vanhu kumaruwa vanofanirwa kupihwa ruzivo rwakawanda pamusoro pechirwere ichi sezvo vaimbofunga kuti ichi chirwere chevanhu vemumadhorobha chete
Mugwaro ravakabudisa, vatungamiri venyika dzeG7 vakati chinhu chekutanga chavanoda kuitira dzimwe nyika dzepasi pose kuona kuti mushonga wakanaka uye unoshanda uwanikwe nenyika dziri kubudirira sezvo kubaiwa nhomba kwavanhu vose pasi pano chiri chinhu chakanakira vagari vose pasi pano.
VaKudakwashe Tagwirei, vane mabhizimisi anopfuura makumi mana uye vane mari yavakaviga mumabhanga munyika dzinosanganisira Mauritius, Cayman Islands, South Africa nedzimwe.
Dr Ranga, avo vanoshanda muNorth Carolina sachiremba, vanotiwo vanhu vabaiwa nhomba yeCovid-19 muZimbabwe vashoma zvikuru.
Zvichitevera kutongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemishanu kwakaitwa vaimbove mutungimiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti VaZuma vanofanirwa kuzviisa mumaoko evakuru vakuru kuitira kuti vasaonekwe semunhu anozvidza matare edzimhosva nguva dzose.
VaPatrick Chinamasa vakaudza vatori venhau neChina kuti bato iri harisi kuzopa mukana wekuvhota kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kusvika zvirango zvabviswa.
Zvichitevera chikumbiro chakaitwa nemutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chekuti sarudzo dzema ’by-elections’ dzimbomiswa, vazhinji vari kuvashora zvikuru.
Vanhu ava varikuti kuswera mangwana, Chitatu, vachabvisa zvechisimba vabvakure vasina magwaro ekugara muSouth Africa, vachivhara mabhizimisi evanhu ava zvechisimba.
VaMaunganidze vaudza Studio 7 kuti vari kuvandudza mafambisirwo anoitwa kutapwa kwenhau nemafambisirwo anoitwa mashoko munharaunda yekuchamhembe kweAfrica.
Kambani inogadzira mushonga uyu, inonzi Biogen, yakazivisa nemuvhuro wapfuura kuti mushonga uyu, uyo unotengeswa pasi pezita rekuti ‘Aduhelm’, uchange uchipiwa murwere sejekiseni kamwe chete pamwedzi kuti unonose kukanganwa kwepfungwa dze vamwe vave kuchembera.
Vatori venhau muAmerica vari kugunun'una pamusoro pezvavanoti zviri kuitwa nebazi rezvemitemo muAmerica, re Department of Justice (DOJ), vachiti bazi iri riri kuunganidza ruzivo nemazita evanhu vanofonerwa nevatori venhau pamwe chete nemazita evanhu vanofonera vatora venhau.
Hurumende iri kukurudzira zvizvarwa zve Zimbabwe zvakashanda mumigodhi yeghoridhe mu South Africa pasi peWitswatersrand Native Labour Association, kana kuti WENELA, kuti vanovhenekwa nechinangwa chekuti vapihwe muripo kana hutano hwavo hwakanganisika nebasa ravaiita.
Mutungamiri we America, VaJoe Biden, nhasi vachashanyira guta re Tulsa, mudunhu re Oklahoma, uko vanoti vanoda kunopemberera kushinga kwevanhu vechitema vakararama mukupondwa kwakaitwa vatema nemhomho yevachena mugore ra 1921.
VaPersistence Gwanyanya, vanoti vanhu havafaniri kunetseka nemutemo uyu sezvo zvakaitwa nehurumende izvi zvakanangana nekubatsira vanoshaya munyika, vachiti mutemo uyu wagara uripo uye uchishanda zvakanaka kwemwedzi mizhinji yapfuura.
Nemusi weMuvhuro kupera kwaChivabvu gore roga roga muAmerica izuva rekurangarira nekukudza magamba akafira nyika kana kuti Memorial Day.
Vanodzidzisa pa Tswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe inofanirwa kutarisisa zviri kuitika muSouth Africa kuti chirwere ichi chisaita mu Zimbabwe zvachiri kuita mu South Africa.
Dare reParamende rasheedza gurukota rinoona nezvekuchengetedza kwemukati menyika, VaKazembe Kazembe, kuti vazoritaurira mamiriro akaita kuchengetedzwa kwenyika ku miganhu ye Zimbabwe.
Rodhai zvimwe