Mutungamiri mutsva weAmerica, VaDonald Trump, vatanga svondo ravo rekutanga vari pabasa nyika zhinji dzemuAfrica dzinosanganisira Zimbabwe dzakamirira kuti dzinzwe hwaro hutsva hwa VaTrump pamusoro penyika dzekunze.
Vamwe varwi vehondo vanoti vanotsigira mutungamiri mutsva weAmerica VaDonald Trump. Mumwe murwi wehondo anoti akatyoka gumbo pahondo yeku Iraq, asi arikufadzwa nekugadzwa kwavo pachigaro sezvo aneruvimbo rwekuti vachaita basa ravo nemazvo. Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naMarvellous Mhlanga-Nyahuye.
Vamwe vakomana vechidiki vakabva kuFlorida vanoti vakafadzwa zvikuru nekufamba kwakanaka kwebhizinesi ravo rekutengesa zvinhu kuneavo vanga vashaya kuzotsigira Va Trump pakugadzwa kwavo. Vakomana vaviri ava vanoti vanotsigira vaTrump sezvo vasina huwori uye vachigona kufambisa mabhizinesi avo.
Mumwe mudzamai anotambura anoti kunyangwe zvake asina kuwana mukana wekuenda kwange kuchigadzwa VaDonald Trump semutungamiri weAmerica, anetarisiro yekuti hupfumi hwenyika yake husimbe. Mudzimai uyu audza Marvellous Nyahuye kuti shuwiro yake ndeyekuti VaTrump vawanise vanhu pekugara pakanaka.
Vanga vari mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vatenda vatsigiri vavo neChishanu vasati vaenda kuzororo ravo kuCalifornia. VaObama vataura mashoko aya vaine mudzimai wavo, Michelle, pamuzinda wemauto weJoint Base Andrews in Maryland. (APTN)
America yagadza mutungamiri wayo wechimakumi mana nemashanu, VaDonald Trump, pahurongwa hwanga huchionekwa nepasi rose.
VaObama Vanotambira VaTrump kuMuzinda weWhite House
Vanhu vakawanda muZimbabwe vatambira kugadzwa kwemutungamiri mutsva weAmerica, VaDonald Trump, zvisina mutauro uye sekurongwa kwazvange zvakaitwa vachiti zvinhu zvanaka kudai ndizvo zvinofanirwa kutevedzwa nevezvematongerwo enyika muZimbabwe neAfrica yose.
Mumwe mutsigiri waVa Donald Trump wechidzamai anoti achange ari kumabiko emusi weChishanu asi achaenda zvakare kunobatana nemamwe madzimai achange achiratidzira nemugovera. Anoti anoda kunyatsonzwisisa zvichemo zvemadzimai kuitira kuti bato rake rigadzirise pasina kumira zvakanaka.
Zvimwe zvizvarwa zveAmerica zvinoti zviri muWashington kuzotsigira VaDonald Trump avo vachange vachigadzwa semutungamiri mutsva weAmerica neChishanu. Amai Amy Bazoro vaudza Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 kuti vari kufara nekugadzwa kwaVa Trump.
Rodhai zvimwe