Mumwe Mubereki wekuMasvingo Oshora Kudzingwa Kuchikoro Kwevana Vanenge Vatsina Kubhadhara Mari yeDzidzo
Vamwe vabereki vanoti vange vasati vabhadhara mari dzechikoro sezvo vakamirira kuti mwedzi upere vatambiriswe.Mumwe mubereki ane mwana adzingwa nhasi paDikwindi Primary school muMasvingo, Amai Tracey Musakarukwa vati zviri kuvashungurudza kuti vana vari kudzingwa asi hurumende ichiti hazvibvumidzwi