Munyori musangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists muMasvingo, VaTatenda Chitagu, vanoti rimwe dambudziko riri kusangana nevatori venhau ndere kubudiswa kwemashoko panguva ino, uye kushaikwa kwezvipfeko zvekuzvidzvirira zvevatori venhau.
Vamwe vagari vanoti mitero yavo yakakwira nezvikamu zvinodarika mazana manomwe kubva muzana, inova mari yakawanda zvikuru.
Vamwe vagari vekuMwenezi ne kuChiredzi vanoti vari kugara mukutya kutapurirwa chirwere che Covid-19 nevamwe vavo vari kudzoka kubva kunyika yeSouth Africa.
Vamwe vagari mudunhu reMasvingo vanoti vave kuyaura nenzara sezvo zvikafu zvavakange vakachegeta zvopera apo nyika yapinda muzuva rechisere yaparura chirongwa chekuti vanhu vagare mudzimba vasingaende kumabasa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere checovid-19 kana kuti coronavirus.
Mumwe mugari, Amai Nyengeterai Bosha, vanotiwo hupenyu hwavo huri parumana nzombe neCoronavirus nekuti vakarega kuenda kubasa kwavanotengesa zvinhu zvavo, vanouraya mhuri nenzara.
Kanzuru yeMasvingo inoti iri kutsvaga nzira dzekubatsira vagari vanenge vawirwa nedambudziko rechirwere checoronavirus kunyangwe vamwe vagari vari kuti zviri kuitwa hazvina kukwana.
Vagari vemuMasvingo vonyorera gurukota muhofisi yaVaKembo Mohadi, VaDavis Marapira, tsamba yenyunyuto vachiti vabvise dhamu ravakavaka murwizi rweMucheke zvave kutadzisa mvura kuenda kudhamu rinopa guta mvura reMutirikwi.
Mabharani wekanzuri yeMasvingo, Engineer Edward Mukaratirwa vanoti dambudziko remafuta edhiziri ririkutadzisa kuita basa. Vhidhiyo ina Godfrey Mutimba.
Asi mutauriri wekambani yeTongaat Hullett, Muzvare Adelaide Chikunguru, vabvuma kuti vari kuita chirongwa ichi vachiti chakanangana nevave nemakore akawanda vari pabasa kuti vandozorora zvakanaka.
Dare redzimhosva rawana mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vasina mhosva panyaya yavanga vachipomerwa yekuda kupidigura hurumende.
Mutevedzeri wasachigaro muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vanowanikwa vasina mhosva yavanga vachipomerwa yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa. Nyaya ina Godfrey Mtimba.
Vatsigiri veMDC vonetswa nemapurisa panze pedare reku Masvingo kwange kuchinzwikwa nyaya yaVaJob Sikhala. Vhidhiyo ina Godfrey Mtimba.
Murongi webato mubazi reve chidiki muMDC VaGodfrey Kurauone, vange vari vevamwe vadzingirirwa nemapurisa vati mapurisa ari kutyora kodzero dzavo. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyati, vati vahazivi nezve nyaya iyi yaitika muMasvingo vachiti vatotanga kuinzwa ne Studio7 payabvunza
Amai Beatrice Mtetwa vaisa chikumbiro ichi kune mutongi wedare VaGarainesu Mawadze, vachiti vachuchisi vakadoma mhosva isiriyo panyaya iyi yekuti vanoda kubvisa hurumende nechisimba ivo vakati vanoda kubvisa mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa gore ra2023 risati rasvika
Dzimwe dzemombe dzakararama munzara yegore rino kwaGutu. Godfrey Mtimba-Masvingo
Mukuru webasa musangano rinomiririra vasingaoni, re Zimbabwe Association of Visually Handicaped, VaTimothy Mudarikwa, vati bhiri iri harina kupa zvikamu zvinofanira kumirira vakaremara muparamende nemudare remakurukota.
Apo nzara yapfunya chisero uye yoramba ichirura munzvimbo dzakasiyana-siyana mudunhu reMasvingo, vamwe vagari vanoti vave kurarama nemichero sezvo chibage nezvimwe zvikafu zvavanombodya zvisiri kuwanikwa.
Kutongwa kwemutevedzeri wasachigaro webato reMDC VaJob Sikhala, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa nechisimba mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, kwatadza kutanga nhasi.
Vagari vazhinji mumaruwa akaita seGutu, Bikita, Zaka, Chivi, Mwenezi neChiredzi, vakange voora moyo sezvo zvirimwa zvanga zvapera kutsva nezuva, zvipfuwo zvichifawo nekushaya mvura.
Rodhai zvimwe