Vamwe vagari vemuRedcliff vataura neStudio 7 vati kushaikwa kwemvura mudhorobha iri kuri kuunza matambudziko akawanda uye kuri kuisa hutano hwavo panjodzi.
Panguva iyo vabereki vari kuita gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro, vamwe vavi vari kushushikana nedanho rezvimwe zvikoro zveboarding izvo zviri kuti vana vanofanirwa kuuya kuchikoro vane humboo hwekuratidza kuti vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.
Vakambove mutungamiri weHighlanders, uye vakambovewo mukuru weZimbabwe Football Association, VaNdumiso Gumede, varadzikwa nhasi.
Mutungamiri wenyika VaEnmerson Mnangagwa vanoti vanhu vanofanirwa kubatsira mukuvaka nyika nekusimudzira hupfumi hwayo vasingatarisiri kuti vekunze vavaitire.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti dziri kushushikana nekusabuda pachena kwehurumende pahuwandu hwevanhu vari kubatwa vaine mhando itsva yeCovid-19, yeOmicron Variant.
Sangano reUnicef rinoti vechidiki vanofanirwa kuva pamberi mukurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze senzira yekuchengetedza remangwana ravo rakanaka.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vavimbisa kuti hurumende yavo ichawanisa mukana vanhu vakaremara wekuti vawane mari yekuita mabasa akasiyana siyana kuitira kuti vasimukire muhupenyu hwavo.
Vamwe vanomiririra vakaremara vanoti hurumende inofanira kuon kuti zviri mugwaro reNational Disability Policy zvatevedzerwa kuitira kuti vakaremara vakwanise kurarama hupenyu hwakafanana vevamwe vanhu vose.
Vararidzi munyika vanoti vacherechedza zuva reWorld Teachers’ Day vachinyunyuta pamusoro pemaitiro ehurumende ekuita zano ndega izvo vanoti zviri kuita kuti dzidzo yemunyika irambe ichiwondomoka.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti makambani anofanirwa kushanda zvakasimba kuitira kuti nyika iwane zvose zvainoda zvisineyi kuti kune denda reCovid-19.
Gungano reZITF ratanga nhasi muBulawayo asi nekuda kwekuveko kwechirwere cheCovid-19, pane makambani mashoma nenyika dzekunze shoma dziri kuratidza zvadzinogadzira.
Dare repamusoro muBulawayo rati richazivisa mutongo waro pachikumbiro chechimbi chimbi chakaitwa nemumwe mudzidzi chekuti dare iri rirambidze varairidzi kuramwa mabasa.
Makambani anonzi ari kumanikidza vashandi vawo kubayiwa nhomba yeCovid-19, vanenge varamba vachimanikidzwa kuenda pazororo vasingabhadharwe kwenguva inotarwa nekambani yavanoshandira ZCTU ichiti zviri kuitwa izvi zvinotyora kodzero dzemushandi.
Dare repamusoro muBulawayo raendesa mberi kunzwikwa kwechikumbiro chechimbi chimbi chakaitwa nemumwe mudzidzi chekuti dare iri rirambidze varairidzi kuramwa mabasa.
Dzimwe hama dzevanhu vakatsakatitswa panguva yeGukurahundi dziri kugunun’una kuti hurumende haisi kuita zvakakwana kuti nyaya iyi igadziriswe zvachose.
Vamwe vanhu muBulawayo vari kutambira chirongwa cheve chiuto chekubatsira kubaya veruzhinji nhomba sezvo bazi rezvehutano risina vashandi vakakwana.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti mhirizhonga iri kuitika muSouth Africa ichavhiringa zvakanyanya hupfumi hweZimbabwe sezvo nyika iyi ichitenga zvinhu zvakawanda kubva kuSouth Africa, uye zvimwe zvinhu zvainotenga kudzimwe nyika zvichipfuura nemuSouth Africa
Kubaiwa nhomba kwevanhu kuri kuenderera mberi munzvimbo dzakasiyana siyana muBulawayo vaamwe vachiti vari kukwanisa kubaiwa pasina dambudziko, asi vamwe vachiti vari kutadza kubaiwa nhomba mudzimwe nzvimbo.
Vanhu vakawanda vaswera vari mukati meguta reBulawayo vachiita zvavanogara mazuva ose, zvisinei nekuti hurumende yakati yave kudzora matanho akasimba ekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19 icho chiri kuramba chichitekeshera munyika.
Rodhai zvimwe